
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
May 23, 2025 at 05:15 AM
Zion Christian Church
To: All Church Members
Sub: Weekly focus yeChishanu
Date: 23 May 2025
Tinotenda Mwari weZion anotipa upenyu, tiri mukotoro yeMhiko, kotoro yekupikinura zvatakapikirwa newakaipa. Focus yedu inoti:
*1. Musi wadzoka David andotora areka, mumoyo make anga aine ndangariro dzokundoropafadzawo imba yake, ndizvo zvinofanira kuita murume weSungano, kufunga zvinoropafadzisa imba yako (2 Samueri 6 vs 20)*
Musi wadzoka David neAreka yaJehovha, mumoyo make makanga mune shoko rekundoropafadza imba yake (2 Samueri 6 vs 20)
Zvakazongouya ndezvakauya hazvo zvaMikaeri, mukadzi wake, akamushoora pakudonhesa kwaakaita mucheka waanga akafuka, asi mumoyo maDavid manga mune shoko rokuti ndikatamba nekubaira pamberi paMwari akafara, imba yangu yaropafadzwa.
Murume chaiye weSungano anofanira kufunga zvinhu zvinoropafadzisa imba yake. Kungava kunamata, kubata mirairo, kupika mhiko, ngatizviite tiine fungwa yekuropafadzisa dzimba dzedu.
Hatifaniri kuita zvikara zvisina hanya, zvinongoti chero zvazvaita, iwe uchiziva kuti une mhuri inodanwa nezita rako, inoropafadzwa kana kutukwa nekuda kwemabasa ako.
Vamwe varume vanoita saNabari, kumhura chero mirairo yaMwari, naMwari wacho (1 Samueri 25 vs 10)
Zvizivei kuti kana uri baba, kuita kwako kunoropafadzisa vana kana kwakanaka, asi kana kwakaipa pamberi paMwari kunotukisa vana kusvika kurudzi rwechina (Exodus 20 vs 5)
Z.C.C Media
www.zccmbungo.org
facebook.com/ZCCMbungo
M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485
Email: [email protected]

🙏
❤️
👍
👏
🇿🇼
🐠
😀
😢
🤍
🫣
124