Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
May 26, 2025 at 07:37 PM
Zion Christian Church To: All Church Members Ref: Pfigamwedzi reminder Date: 26 May 2025 Tinotenda Mwari waEngnas, Mwari waSamere, Mwari waNehemia ari kutichengeta. Tinoda kuyeuchidza vafundisi vose pamwe nevatendi kuti according to pfigamwedzi calender, *weekend yatatarirana nayo ya 31 May - 01 June ndiyo yama Pfigamwedzi Zion rose* Pfigamwedzi yeRwendo runo ndiyo yekupedzisira, tichienda paUngano yeZuva roMweya musi wa07 - 08 June paChegutu. Nemhaka iyi, pfigamwedzi ino ngatione kuti: - Taigadzirira, nekukokana tose tiwanikwe muNyika dzedu tironge nezveUngano yeZuva roMweya - Iyi iungano inofanira kutsvagwa mabhazi tichishandisa ZCC Bus hiring system. Panopera pfigamwedzi each Minister ngaabudise report yebhazi inoratidza company hired, vapedza bhazi, vabatira - Tabata tikapedza murairo weKusimudza Areka, Gadziriro, maKota nezvose zvakanangana nezuva roMweya - Tisakangamwa kubatisana murairo weRucors $1 pamunhu, uye Emergency fund $1 pamunhu zvotoenda kuungano kudai - Ungano iyi ine murairo weFarikanyai (Inozara chete), ngatisimbise zviri paCircular redu, tibate tose zvatakatemerwa, ndiko kutsigira Jerusarema ikoko. - Tiri pamaPfigamwedzi tigare taita update yeDatabase revaporofita, zvibatane at district level, zvikwire zvisvike Jerusarema pana Deskee wenyu kuitira gadziriro yematsamba evaporofita. Tsamba inopiwa munhu auya kuungano akanzwa shoko. - Tiri paPfigamwedzi, munhu wose ngaapike Mhiko maRegister eMhiko atange kutoumbiwa, titotanga kubata zvine simba. Munhu wose ngaawanikwe kuPfigamwedzi yekuNyika kwake, tindorumbidza Mwari. Z.C.C Media facebook.com/ZCCMbungo M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485 Email: [email protected]
Image from Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo: Zion Christian Church To: All Church Members Ref: Pfigamwedzi reminder...
🙏 ❤️ 👍 😂 👏 😢 💚 😮 🩵 305

Comments