
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
May 28, 2025 at 04:39 AM
Zion Christian Church
To: All Church Members
Sub: Weekly focus yeChitatu
Date: 28 May 2025
Tinotenda Mwari weZion watitendera kuona Chitatu chanhasi. Focus yedu inoti:
*1. Kuti mumba muve nemufaro, mai tendaiwo zvakanaka zvagonekwa naBaba, musamirira kungotaura zvaresveka, saMikaeri akakona kuona mabasa ose okuuya neAreka kwanga kwaita David, ziso rake ndokumanyira pamucheka wakafukurika (2 Samueri 6 vs. 20)*
Mukadzi anonzi Mikaeri, mukunda waSauro, ari mudzimai waMambo David akaita dambudziko rekusaona zvakanaka zvaitwa naBaba vake, sezvekudzosa Areka mumusha mayo, meso ake ndokungomanyira kuona kudonha kwemucheka paitamba David. Mugoona, musi uyu David anga auya aine fungwa yekuropafadza imba yake, asi ropafadzo yakashanduka kukava kutukwa zvokuti akafa asina mwana (2 Samueri 6 vs 23)
Chifo ichi chinobata vana mai vazhinji, kusagona kutendawo kana murume aitawo chakanaka, tichingwarira kubata paaresva.
Vanamai dzidzaiwo kutenda zvakanaka zvaitwa nevarume venyu nekuti ndizvo zvinopa mufaro mumba menyu.
Saka vanamai ngatirege kutorerwa mufaro mudzimba kana kuzviparadzira dzimba nekutsoropodza padiki pakonewa varume vedu, kutomutenda padiki paagona zvinopawo manyawi ekugadzirisa paakonewa.
Hatipembedzi kukonewa, asi kutenda munhu kunomupa kuzvidzora, nekushingairira kuramba achiita zvakanaka.
*Awareness campaign:*
- Tose handei kuma pfigamwedzi, tindopika mhiko dzedu nekutotanga kubata, tichigadzirira kuenda kuungano yeZuva roMweya
Z.C.C Media
www.zccmbungo.org
facebook.com/ZCCMbungo
M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485
Email: [email protected]

🙏
❤️
👍
😢
❤
😂
👏
🇿🇼
🎉
👎
191