Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
May 28, 2025 at 04:39 AM
Zion Christian Church To: All Church Members Sub: Weekly focus yeChitatu Date: 28 May 2025 Tinotenda Mwari weZion watitendera kuona Chitatu chanhasi. Focus yedu inoti: *1. Kuti mumba muve nemufaro, mai tendaiwo zvakanaka zvagonekwa naBaba, musamirira kungotaura zvaresveka, saMikaeri akakona kuona mabasa ose okuuya neAreka kwanga kwaita David, ziso rake ndokumanyira pamucheka wakafukurika (2 Samueri 6 vs. 20)* Mukadzi anonzi Mikaeri, mukunda waSauro, ari mudzimai waMambo David akaita dambudziko rekusaona zvakanaka zvaitwa naBaba vake, sezvekudzosa Areka mumusha mayo, meso ake ndokungomanyira kuona kudonha kwemucheka paitamba David. Mugoona, musi uyu David anga auya aine fungwa yekuropafadza imba yake, asi ropafadzo yakashanduka kukava kutukwa zvokuti akafa asina mwana (2 Samueri 6 vs 23) Chifo ichi chinobata vana mai vazhinji, kusagona kutendawo kana murume aitawo chakanaka, tichingwarira kubata paaresva. Vanamai dzidzaiwo kutenda zvakanaka zvaitwa nevarume venyu nekuti ndizvo zvinopa mufaro mumba menyu. Saka vanamai ngatirege kutorerwa mufaro mudzimba kana kuzviparadzira dzimba nekutsoropodza padiki pakonewa varume vedu, kutomutenda padiki paagona zvinopawo manyawi ekugadzirisa paakonewa. Hatipembedzi kukonewa, asi kutenda munhu kunomupa kuzvidzora, nekushingairira kuramba achiita zvakanaka. *Awareness campaign:* - Tose handei kuma pfigamwedzi, tindopika mhiko dzedu nekutotanga kubata, tichigadzirira kuenda kuungano yeZuva roMweya Z.C.C Media www.zccmbungo.org facebook.com/ZCCMbungo M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485 Email: [email protected]
Image from Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo: Zion Christian Church To: All Church Members  Sub: Weekly focus yeChit...
🙏 ❤️ 👍 😢 😂 👏 🇿🇼 🎉 👎 191

Comments