Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
June 4, 2025 at 01:36 PM
*Zion Christian Church* *To : All Sunday School Teachers* 4 June 2025 *Murairo pamusoro pema Activities omudariro* Famba Zion, Tinotenda Mwari wema Elder matatu unesimba wakatendera ungano yeTurkey kufamba zvakanaka tava muvhiki yeungano yomweya. Tinoda kusimbisa nekudzidzisana murairo yedu yechiZion kunavose vanoshanda ne Sunday schools for ma drama, ma drills huye ma memory verses zvinotevera. 1. *Hazvitenderwi kutevedzera ndimi dzomweya mutsvene (dramatization yendimi dzomweya mutsvene)* Tinozivisa vose vanoitisa vana ma drama kana memory verse kuti ngatirege kudzidzisa vana kutevedzera ndimi dzomweya mutsvene nekuti zvinhu zvakakoshesewa naJehovha zvinofanira kuyeresiwa. Kunyange mune drama raSamere musarega vana vachiita imitate ndimi dzomweya mutsvene nekuti hazvitenderwi pamurairo wedu wekereke, zvingazoita kuti vana vagotamba nezvinhu zvekudenga nekudaro ngatiwone kuti izvi tazvirega 2. *History raSamere ne kereke yeZion* Vana vedu ngavadzidzisiwe history yaSamere nekereke zvakanyorwa mu green book kuti tisawedzera Zvimwe zvisinakunyorwa kana ma dates asimo mubhuku rekereke. Ngatiwonei tose kuti zvinotaurwa nevana zvine pazvakanyorwa pakereke yeZion kuti history nedzidziso yedu imire muzvokwadi 3. *Mapfekero evana vema Drills* Murairo wekekere yeZion hautenderi kuti mukomana apfeke nguwo dzechisikana huye kuti musikana apfeke nguwo dzechikomana nekudaro vose vanoita ma drummies kana drills vasikana ngavasapfeka ma trousers mudariro ngavatsvagirwe maskirt kana ma dress avonopfeka zvimwezvo kuvakomana (Deuteronomio 22 vs 5). Murairo waJehovha weZion haushanduki nekudaro ngatiwutevedzere sezvauri kuti tigowanira vana vedu dzidziso dzichavabetsera pakunamata 4. *Dariro raJehovha rinoda order* Tinoda kudzidzisana tose kuti kana tichiita migidhi wengoma hatifaniri kuzadza dariro panoda vashoma vangaita vatatu kuvarume huye vatatu kumadzimai vanotsigira vamwe tose tichibvumira takagara pasi vatambi vachipinda ne order vamwe pavo vamwe pavo. Izvi zvinotibetsera order huye chero livestream inozotora zvakanaka huye varikumasure vanowona vatambi. 5. *Let us not dramatize the devil* Tinokurudzira kuti kana tichiita ma activities edu tiwandire kudzidziso dzinobetsera kurumbidzwa kwaMwari wedu, kwete kunyanya kuita main actor munyofori, kana muroyi, kana svinu nokuti vamwe vanorashika votobata izvozvo zviri negative. Let's not dramatize the devil. *NB: Vose vachaita perfom padariro raJehovha paungano yeChegutu tinofanira kutumira mashoko enziyo nema poem by Friday 6 June 2025 panumber dzinotevera Elder Hamandishe 0773652648 / Rifious Mukobvu 0774411063* Z.C.C Media www.zccmbungo.org facebook.com/ZCCMbungo M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485 Email: [email protected]
Image from Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo: *Zion Christian Church* *To : All Sunday School Teachers*  4 June 2025...
🙏 ❤️ 👍 🇿🇼 😢 👏 😂 😮 🇲🇿 308

Comments