Real Madrid
Real Madrid
June 6, 2025 at 05:04 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaiqEwY2ER6ZzWAht50Z *Paka-paka Murehwa.* *KwaMurehwa kune murume ane makore 33 ekuberekwa.* *Murume uyu haana mukadzi ende hapana ati ambomuonawo achipinza musikana mumba.* *Zimbabwe murume wandiri kutaura nezvake munhu ane zvinhu zvake , imba yakanaka ,chigayo zvese nemashop nemota.* *Zvakazoitika ndezvekudai, murume uyu akazotenga imwe mota yechi4 vanhu ndokuungana pamba pake vachifara kuti mbinga yatenga imwe mota.* *Vanhu vari paungano ipapo pakabva pasvika shoko rekuti pane mwana anga aenda kutsime kunochera mvura adonha ari ikoko.* *Shoko rakatanga kufamba rekuti mwana wekudonha uyu ainge afa asi vabereki vemwana havana kuda kuti zvizivikanwe asi vanhu vainge vatoungana pamba pavo kusanganisira murume uya wekutenga mota,vakabva vatoudza vanhu vaive pamba kuti vasacheme.* *Baba vemwana ainge adonha ndokumhanya kunotsvaga mubatsiri, pakatsvaga n'anga ikauya ndokutanga matare.* *Zvakanzi mari yekutanga matare i50USD murume wekutenga mota akabva apa makumbi 100USD yakabatana ,mari ichibva yaiswa mundiro.* *Mari yaiswa mundiro N'anga yakabva yati "chiiko chamaisa muPlate umo makutondikanganisa maziso angu ,tsvagai imwe mari isiri iyi"* *Mari yakabviswa kukaiswa imwe matare achibva atanga.* *Zvikanzi naGodobori "mwana haasati afa aitwa zvekuputirwa arikutovharirwa mweya regai tione patinopedza anenge aita sei".* *Mhuri yeZimbabwe ndanga ndasiirira kuti murume wekutenga mota uyu aitozivikanwa nekuti haabvise bhachi , whether kukupisa or kune chando anenge akangopfeka bhachi chete, mabhachi eshinda aya.* *Nguva zhinji bhachi racho raingoonekwa rine tsvina , kashoma paionekwa bhachi rakachena ende akamboona bhachi iroro riri paLine kuratidza kuti rawachwa.* *Hapana anga ati amboona murume uyu asina kupfeka bhachi iroro.* *Mubatsiri akabva ati "pane munhu wemunharaunda ino akaromba ndiye aita mwana ari apa adonhe , hakasi kekutanga achiita izvi munharaunda muno pane vanhu vakafa kudhara vane rufu rwakakonzerwa nemunhu iyeye".* *Zimbabwe pakatangwa kutaurwa zvinhu izvi murume webhachi uya akabva atanga kubva pane vamwe akuda kutoenda kumba asi akazomiswa.* *Mubatsiri achibva ati "musati maenda ndokumbirawo mubvise bhachi renyu" ,murume uyu akabva aramba.* *Mhuri akazoitwa zvekubatwa nechisimba achibva abviswa bhachi , vanhu vakaona akapfeka hembe yakanaka naka asi mukati mehembe iyoyo mairatidza kuti mune imwe hembe irimo.* *Achibva anzi abvise hembe iya zvakaonekwa ndizvo zvakashamisa vanhu.* *Mhuri yeZimbabwe murume wandiri kutaura nezvake ainge akapfeka hembe yakabvaruka bvaruka zvekuti kungobatwa soo yaitodambuka yainge yakasimba munosangana machira nemucolar chete kumusana kwainge kusisina chinhu yapera kadambuka yese.* *Hembe yairatidza kuti yava nemakore isina kana kuwatya , yanga yaita kuora netsvina.* *Zvaitika izvi mubatsiri akabva ati "uyu murume uyu mashura ese anoitika mudunhu muno ndiye honzeri kusanganisira kudonha kwaita mwana uyu ndiye akonzera ,mari yake yese ndeyehurombwa , iyi hembe ane 2 years akaipfeka asina kuibvisa ndiko kushanda kwemushonga wacho".* *Zimbabwe hembe yanga yane 2 years yakapfekwa iyi inonzi yakatorwa pakugoviva hembe dzemufi imwe hama yemurume uyu , zvikanzi hama yemurume uyu yakafa 2 years back ndiyo yaiva muridzi wehembe iyi uye kufa kwakaita hama iyoyo murume uyu akanzi ane chekuita parufu irworwo.* *Chimwe chakataurwa ndechekuti murume uyu pakugowewa kwehembe dzemufi hembe akaita kutora ega asina kupihwa.* *Chokwadi chabuda vanhu vainge vakuda kutorova murume uyu asi akazongowana mukana ndokutiza akananga kumba kwake , vanhu pavakatevera vakasangana naye achibuda mumba achinhuwa poison ,ainge amwa mushonga.* *Akabva amhanyiswa kuClinic akapona.* *Zimbabwe mwana uya wekumhanyiswa wekudonha haana kuzorarama akafa.* *Mubatsiri akazoti "murume uyu nekufumuka kwaita zvinhu zvake , achadzokerwa nezvinhu zvomuuraya".* *Akaenderera mberi achiti, "mushonga waamwa hauna kumuuraya asi zvinhu zvake ndizvo zvichamuuraya asi imi vane mwana abva kufa ndimi munokwanisa kuzvimisa kuti asafe ndikaita zvandoita kuno".* *Zimbabwe vanhu vakatanga kupokona vachiti musiyei afe vamwe vachiti musiyei ararame asi vazhinji vaida kuti asiiwe afe.* *Mubatsiri akazoti "pamuchavigwa mwana venyu munondideedza mondiudza kuti munenge maronga zvipi".* *Mhuri yeZimbabwe mwana akavigwa nezuro asi handisati ndaziwa kuti zvakazobuda musarudzo ndezvipi.* *NB.* Ndosiya mamwe maDetails enyaya nekuti nyaya yacho inenge yakarebesa

Comments