
Cooking & Baking Chef SK
June 7, 2025 at 06:14 AM
*THE DARK SIDE*
🌘🌘🌘🌘🌘🌘
Written by Nicegirl Guta
https://whatsapp.com/channel/0029VbAdrfpA89MoTLJuqw2A
*2025 production💝*
*New free book🔥💃*
Chapter 1
"Baba kuchikoro mazuva ano ndiri kungoona rima. Dzimwe nguva kana mu book mangu chaimo ndinozoti pembenu ndataratadza page rose ini." Akadaro mwanakomana wangu Thomas. Ndine vana vashanu chete. Vasikana vatatu Rudo, Ruva na Ruth vakomana vaviri Timothy na Thomas.
Pachikoro chaidzidza vana vangu zvaizivikanwa kuti vana va Ruben Chiso vanogona chikoro. Ruben Chiso ndiro raiva zita ne surname yangu. Ndakagara pamusha pangu mazuva achifamba zvawo.
Ndairaramisa mhuri yangu nemabasa emaoko ndiripo pamusha. Ndairuka mhasa ndichifamba ndichitengesa uku mukadzi wangu achiumba hari achifambawo nerimwe divi kuti tiwane kudya nekurarama pasina zvinoshota.Vana vangu ndaisada kuona vachitambura kana, uye kuenda kuchikoro vaine svina kana vakapfeka mamvemve ndaisada. Zvoti nekugona chikoro kwavaiita haa zvaindipa shungu uye manyemwe chaiwo zvekuti ndaifamba parefu kuti zviite vasarovha. Zvaindipa simba rekuyedzerwa ndichiruka mhasa dzangu kuti vararame vasingafe nenzara zvachose.
Zuva randaudzwa na Timmy kuti Baba ndiri kuona rima ndakamuudza kuti zvichapera ndokutosiyana nazvo. Mumwe musi ndigere pamumvuri ndakaona Rudo auya ndiye yaiva number two yangu pakubereka. "Maswera sei baba? ummm hope dzandirikurota mazuvano dzakaoma hadzo."
"Ndaswera zvakanaka mwana wangu. Urikurotei?"
"Ndirikurota mafa baba ndichichema zvisingaiti. Uye mhamha vachifenda."
"Hupenyu mwana wangu. Ukaona uchirotera munhu rufu zvinoreva raramo. Chisingadiwe kurota muchato ndiwo unopanduka kuva rufu." Ndakadaro ndomupindura rudo. Akabvumira akasimuka akaenda zvake.
Vana vangu vese vaingoti chavada kutaura vainanga pandaiva zvisinei nekuti musikana here kana mukomana. Mazuva akafamba zvikoro zvikasvika pakuvharwa. Mhuri yangu yakauya kumba ichifara zvisingaiti. Ndaiva ndakaivimbisa kuti wese achabuda pa top five ndichamuuraira Jongwe. Vaiva ma grade akasiyana siyana zvichienderana nekuteverana kwavo. Rudo na Timy ndivo vaiva mu grade rimwe chete.
Ndakatambira report rwemwana umwe neumwe ndichivhura ndichisekerera ndichiona kugona kwemhuri yangu. Ndakasheedza mai vacho kuti vauye vaonewo ndokubva vafara vachimbundira vana vavo vachivati "Murambe makadaro mhuri yangu. Tionewo chatiri kufira kukuendesai kuchikoro." Vese vakabva vapa chivimbo chekuti vaizoramba vakadaro.
"Gogoi, iiii inga pano pane murari chaiwo. Ruben mhuri yako inogona shuwa kupasa kudai." Akadaro mukoma wangu wandaiteverana naye mukuzvarwa kwedu achivhura ma reports emhuri yangu.
"Yea ichokwadi manhanga anowira kusina hari. Nemari nekuwana kwandinoita ndakapiwa mazivana asina kana shungu nechikoro munun'una. Zvino iwewe nekutambura kwaunoita mhuri yako yobva yagona kudai? Hàaa munhu haupiwe zvose ndazobvuma." Vakadaro mukoma vaye ndokutofamba vachienda zvavo. Ndaiva ndangobvumira ndokutosimuka kundorongedza ma reports pakanaka.
Holiday yacho yaiva yekukohwa ya April. Sevanhu vaiva vakarima ndakatoti tinofanirwa kukohwa nesimba mhuri isati yatanga kudzokera kuchikoro kuitira vambotibatsira.
Zororo rese takabatsirana kukohwa pamwechete nemhuri yangu. Chandaifarira vana vangu vaisava nehusimbe. Vese vaimira mira pamushando. Hapana aimboti anorwara, waizotonzwa tsitsi wega vana vachishanda kuti ngavambozorora.
Muzororo rese iri mwanasikana wangu Rudo, aingove achiti ari kurota zvinotyisa. Aive ava murugwaro rwechitanhatu(6) pamwe chete na Timmy vaiva vakasiyana negore rimwechete saka vaikura zvakafanana kunga matwins. Vamwewo ndivo vaitofunga kuti matwins asi vasiri.
Vamwe vatatu vaive pasi pavo vaivawo ma grade epasi uye kana vaiva nezvaiva netsa pamwe vaisa taura nekuda kwehudiki hwavo. Mazuva akafamba vana kwava kudzokera kuchikoro mune zvakanaka. Vana vangu four ndivo vaienda kuchikoro. Gotwe musikana ainge achirine makore matatu mazuva aya saka taiva tichiri kuswera naye pamba Ruth.
Vana vakati vava nevhiki mbiri vadzokera kuchikoro rimwe zuva chimbudzi changu chakarira. Ko ndiyoka foni yandaikwanisa kutenga yandaishandisa zvangu. Dzekutsvaira idzi mari yacho yaive mota iya inonzi Fortuner kwandiri. Zvisinei ndakaona ari mukuru wechikoro kwaidzidza vana vangu vose vari vana. Ndakadaira nokukasira ndichisekerera sekunge vaindiona. Ndaitoda kuzvininipisa since ndainge ndisati ndabhadhara mari yemafees evana.
Pfungwa dzangu dzaive dzekuti vari kuda kundiudza nezve mafees. Vana vangu vaigonesesa kaa saka vairwadziwa kuti vavadzinge njee vasati vandiudza. Pese pandainonoka kuvabhadharira vaitondifonera kuti vanzwe kuti zvakamira sei. Inguva zhinji dzavakatombobhadharira vana vangu half pamafees avo ini ndichizopedzisa. Ndaisawana mari zviya zvekuti ndaisakwanisa kuti term yega yega zvinge zvakandinakira. Zhinji yaiperera kuchikafu nekuvapfekedza kuti vasafamba misana iri panze
Ndakadaira foni yangu ndikanzwa mukuru wekuchikoro kwevana vangu achiti....
Isai ma likes guys tifambe naro
End Of Chapter 1
Stay tuned🔥
❤️
👍
4