
Cooking & Baking Chef SK
June 11, 2025 at 07:22 AM
*THE DARK SIDE*
🌘🌘🌘🌘🌘🌘
Written by Nicegirl Guta
https://whatsapp.com/channel/0029VbAdrfpA89MoTLJuqw2A
Chapter 5
*Isai ma likes musati maverenga*
Rudo
Pandakasiiwa nababa vangu kuchikoro ndakafunga kuti zvichaita nyore ndosara ndichidzidza asi zvakakona n'anga muraowa achida.Ndakagara mwedzi mishanu ndichingonzi tichaita kuti upinde kusvika ndazoudzwa kuti nzvimbo hapasisina.Ndakarwadziwa ndikatanga kufunga kuti zvino kumba ndokudzoka sei.Ndakambogara ndirimo muchikoro imomo panguva yaienda vana kundodya mu dining room rechikoro ndaiendawo ndichingodyawo asi kudzidza panga pasina.Ndakazoti ndaona kuti nguva iri kufamba ndokubva ndataura nemumwe musikana wandaisheya naye mubhedha uyo aitova nefoni yake ne laptop achiratidza kuti hupenyu hwake huri kufamba. Ndakamuudza nyaya yangu ndokubva ndapedzisira nekukumbira kuti anditsvagire zvake basa kune waanozivawo ndione kundoshanda.Musikana uya akanzwisisa nyaya yangu ndokubva andiudza kuti paachabuda achienda ku holiday achaenda neni kumba kwavo oudza vabereki vake. Holiday yakazoti yasvika musikana uya akabva andiudza kuti haachabuda asi akandipa mari akati mari iyoyo yaizokwana kuenda kumusha kwedu ndidzokere kune vabereki vangu.
Ndakamuka ndikagadzirira kwava kundokwira comb yaienda Chipinge town.Ndichisvika Muchipinge ndakabva ndatanga kuvhunza mota dzaienda kumusha kwedu. Mari yakataurwa ipapo yaiva yakawanda apa ndaiva ndasara neshona shoma yaisava nekwayaisvika.Ndakamboedza kukumbira zvikashaya basa ndokubva ndafunga zano rekufamba mumashop ndichitsvaga basa.
Basa rakatanga kunetsa kuwana. Ndakanga ndachineta ndagara pasi ndakatsikira ndichidzamisa pfungwa dzangu. Misodzi ikatanga kuerera ndikatombochema kuoedza shungu. "Zvino kukadoka ndicharara pai? Dai ndakaitwa mukomana zvangu manje zvandiri musikana handibatwe chibharo here ndikasvibirwa pano?" Ndaizvivhunza mivhunzo yakawanda yaisava neanopindura uku misodzi iri pamatama .
Pandakaona kunze kwadoka ndakaenda pane shop yaitengeswa nemumwe murume..
"Makadii ndinokumbirawo rubatsiro ndasvibirwa..."
"Ndinofara musikana unoda rubatsiro rwei? Gara pabhenji apo ndimbopedza kusevha ma customer angu tozotaura..."
Handina kupindura ipapo. Ndakandogara pabhenji raivemo bag rangu riri padivi neni.Mupfungwa ndakatanga kuzviudza nekuzvisimbisa kuti murume uyu kunyepa chete ane mhuri kuseri kweshop ndainzwa vana vaitamba ikoko nemumwe mukadzi aitaura nevana ivavo.Takagara nguva mushop muya achiita basa rake murume uya. Dzakazoti dzava kuma to 10 husiku vanhu vaiva vasisapinde mushop ndokubva abva kuseri kwe counter kwavakukiya ma doors ake
Ndokuchitangidza kundimhoresa.Akandivhunza zvese pamusoro pangu takagarisana paye ndokubva ndataura zvese nekumuudza kuti ndirikutsvaga basa nekuti kumba ndikadzokera anenge atori makata vabereki havana mari.
"It's okay musikana kana zvako usiri mbavha ndichashanda newe.Inini handisi married zvangu usanditi imi uchitaura neni ndiri mukomana ndine makore 27. Zvaunoona kuita shop kudai ndakabvawo nekwawabva nako uku kwekuti unitambudzika wofanba uchitsvaga basa. Saka ndinokusimbisa ukashinga uchaita zvakawanda..."
Ndakanzwa kufara ipapo munoziva. Zviya zvinonzi sango rinopa waneta ichokwadi.Ndaiva ndaneta ini nekutsvaga basa ndisisina Tariro asi zvakazongoita.Akandiudza kuti ndishande naye kutanga zuva raitevera racho akandiudza kuti achatanga kundipa mari shoma achizokwodzirawo nekufamba kwenguva.
Nguva dzekurara ndipo pandakarohwa nehana.Akandiudza kuti taizorara mu room imwe chete naye sezvo aiva asati andi believer kuti ndir munhu akaita sei chaizvo. Nezera rangu ndakanzwa kutya asi ndakazongoti hapana yekutamba kunze kwekubvuma ndokubva tapinda mu bedroom make kwavakugara.Ndakaona avakundipa bucket ndokubva ati ndinogeza. Ndakaenda kundogeza ndikadzoka mukomana uya arara pamubhedha kare.
" Chindiwarodzirai pasi ndirarewo.." ndakadaro ndakaita kubatira maoko pachifuva kahana kangu kachiroverera zvekutya zviya.
"Haurare pasi kwira pamubhedha pano unofunga ndinokuitei nezera rako iroro handide kufira mujere ini plus kubatsira munhu anotambidzika hazvirevi kuti ubve watora advantage iyoyo kumuita rough you never know mangwana kuti unomuka wava papi. Kwira pano urare musikana.."
Ndakazongoenda paaiva ndokubva ndaiswa kumadziro chaiko kwavakurara. Nguva yandakapepuka ndichida kuita wiwi ndakaita zviya zvekutanga ndasvinura ndisina kupfakanyika or kusimuka. Ndakarohwa nehana ndichiona mukomana uya achitambisa tambisa chiweti chake fast akamira akatarisa mudenga uku akabatira muchiuno nerumwe ruoko. Ndakanzwa kutya ipapo ndikatanga kufunga hope dzandaimborota kare bhinya richindiita mukadzi. Panguva iyoyo hana yangu yakatanga kurova sechigayo uku kubvunda kunga rutsanga ruri mumvura.
Pane paakazobudisa zvimwe zvinhu zvakatomukira pamagumbezi pandaiva ndokubva abudisa imwe sound yemunhu uya anenge achimhanyiswa ozopona nepaburi retsono. Kuita kunga munhu abva munguva yakaoma ndokubva atora tauro kwavakupukuta. Zvakandityisa nguva mufunge ndokubva azokwira kuuya kurara pandaiva. Ndakabva ndapfakanyuka ipapo apa ziya rekutya raiva rakaita kuzara ndakanyorova nehembe yose.
"Ko chii musikana urikuda kuendepi?.."
"Ndoda kundoweta ini.."
"Wetera mu bucket imomo usabuda panze.."
Ndakanzwa kutya semunhu aiva amboona munhu achitambisa tambisa chiweti chake hana yangu yakanga isisna kudzikama. Ndakamuudza kuti ndozoweta hangu mangwana kwachena. Ndakadzokera kurara paye ndokubva atanga kunditi "But dai wanga wati kurirei Rudo ndaitoti ndawana mukadzi wekuroora zvino iii uchiri mwana unotyisa iwewe.."
Ndakaramba ndakanyarara ipapo ndokubva anditi " Asi Rudo hauna kumbobvira waita musikanzwa here iwee? Ndobvira kuti hausati wamborara nemukomana here upenyu hwako hwese?"..........
End of chapter 5
Lets react tinzwe dzakapindana na Rudo uyu
Stay tuned
❤️
😢
❤
🌮
👍
13