
Bhozhongora &KB Latest Stories,Zvinotyisa,Zvinoera,,Huhure,Hurombwa,Zvakavanzika
June 9, 2025 at 12:20 PM
*YOUR SECRET*
https://whatsapp.com/channel/0029VafVXn08F2p9bMXQ7W0b
*CHAPTER 1*
"I think tikarega kutaura tose unenge wandibetsera zvikuru kwazvo Avoid... Ndokumbirawo ubvise phone number dzangu muphone mako..ini ndoitawo the same..Why?? Because we are no longer friends.. Hausi friend inovaka asi uri shamwari inoputsa..." Uyu aive Mind sahwira wangu akataura mashoko aya asiri kukakamira. akambomira kutaura sezvo ainge opukuta matama ake ayo ainge achizara misodzi. Ndainge ndangochimira ndakarerekera musoro wangu zviye zvekunzwisa tsitsi. Mumoyo ndimo mandaizvituka pamwe chete nekuzvibvunza kuti chandainge ndakaita chii? Chokwadi vakuru vaisaita drama pavakataura vachiti dai ndakaziva haitungamire. Vakuru vainge vakaoneswa ipapo. Ndainge ndozvidemba kamwe chete nekuzvidya moyo kasingaperi...
"Unoziva Ndaiti ndawana Shamwari yakanaka ichamirawo neni munhamo dzangu, ikozvino ndipo pandave kutoona kuti ndaizvinyepera Avoid...chokwadi ndechekuti wandirwadza hako. Now I hate you, and ukaona ndichitaura newe undibate ruoko. You are now my enermy not my friend....Chakasakisa ndikuudze nhau yekuti ndakarara naBaba vangu inhau yekuti iwewe waive friend yangu and hapana pandaizokuvanzira. Zvekare kukuudza kwandakaita uku ndaidawo kunzwa divi rako... Ndakuudza kudaro iwe ukabva waita sei Avoid...?" Akandibvunza mubvunzo uyu anditarisa mumaziso angu. Ndakatanga ndazvidzikamisa ndokuzotaurira pasi ndoti.
"Inga ndati sorry wani Mind, kutadzirana kunowanikwa muhupenyu. Zvakaitika zvakaitika and ndakatodzidza zvizhinji muhupenyu, handizvapamhidze zvekare...I didn't do it on purpose. Ndakange ndapererwa nenyaya unomboziva here...?" Handina kuzopedzisa kutaura mashoko aya sezvo Mind ainge andigamira pakati neinzwi raive pamusoro oti.
"Kupererwa nenyaya zvekusvika pakuudza vanhu secret yangu here? inga takaita chibvumirano wani, tikabvumirana kuti My Secret is Your Secret iwe ukabva waita sei.....?" Akandibvunza zvekare mubvunzo wainge ambondibvunza. Pakutanga mubvunzo wake uyu ndainge ndisina kuipindura, mhinduro ndaive nayo asi mashoko ndiwo aindiremera kuti ndimabudise. Panguva iyi painge pasisina chekuzviita. Ndakapindura nduchinyarira ndoti.
"Ndakabva ndaudza vanhu secret yako Mind... Ndosaka ndiri kuti sorry. handina kuzviita ndichida ini... Hameno kuti chii chakandibata...." Ndakataura mashoko aya ndave kunzwisa tsitsi, nechandainge ndakazviitira ndainge ndochishaya, icho chakauya nekuvhumuka pamwe chete nekutaura kwausina kuswera chainge chondiparira. Hama dzangu kana uchinge wapererwa nenyaya munhu dzidza kunyarara kana kurara chaiko. Ukanyarara hapana chaunobva.Chainge chaita chidzidzo muhupenyu rwangu. Handifunge kana ndaizokangamwa nezvazvo. Kukanganwa nezvazvo hunge ndafa.
Kutaura kwandainge ndakaita kwandisina kuswera kwainge kondiparadzanisa pamwe chete nekundivengesa nemumwe wangu. Mind was my friend kubvira tichiri ku primary chaiko. Hushamwari hwedu hwaive rwemukombe nechirongo uye hwaipfuura hukama. Mamwe mazuva taichinjana kudzimba dzekurara tiri tose, kana Mind akafunga kuuya kuzorara kumba kwedu aingouya, kana chiri chikafu achidya zvekare pasina kana effect. Vabereki vedu tiri vaviri vainge vave kutowirirana nekuda kwedu.
Kana ari ma secrets hapana ainge asingazive emumwe, iye Mind aizivawo angu ini ndichizivawo ake. Iyo yekuzorara naBaba vake yainge yakaitika mwedzi wainge wakapera wacho. Kurara kwaakaita naBaba vake it's not like ndiye aida but his father forced himself on her. Kuti avasungise akaona zvisingaite zvekare, chaakangoita kuva anobvisa nhumbu.. ini andiudza nyaya iyi zvakave zvinondirwadza handidi kunyepa hama dzangu. Pain yandakanzwa ipapo ndakatoita kunge ndini ndainge ndakarariwa, ndakaita rinenge week ndisingadye chikafu. Misodzi ndiyo yaingoyeredzana chete, zvainge zvanoita kundibaya pamoyo..
Andiudza nyaya yake iyi, akataura oti.
"Please Avoid zvandakauudza izvi it's your secret... Don't tell kana ani zvake. Please ndapota hangu..."
Ini ndakawanikwa ndodzungudzira musoro ndoti.
"Ndazvinzwa sahwira papi pacho pandichataura zvakasununguka izvozvo kuvanhu nhai. Ndinenge ndaratidza kusakwana uye kusakoshesa hufriendship rwedu. I promise Mind, hapana wandinoudza..iwe kutondiudza kwawaita zvatoratidza kuti unovimba neni...uvimbo irworwo ramba unarwo sahwira..." I said mashoko aya uku ndomutarisa zvezuva iri. Ndiko kuzoenderera mberi ndoti.
"Asi Sahwira wakadii kuenda kumapurisa kana kutaurira Amai vako nhai, or kutaurira someone anogona kukubetsera panhau iyi. Nekuti Baba vako vacharamba vachitora advantage yekunyarara kwako..."
Mind ndakaona oyeredza misodzi izvo zvakaita kuti misodzi yangu itange kubudawo. Mwanasikana airatidza kuti ainge achiri mumarwadzo. Musatambe kaaah imi huvirgin kuendeswa nemubereki wako. That's sad.
"Mind unoziva chii? Ini chandisingade kusungisa Baba vangu. Ndiyo life in jail kaah iyi...anosara achiendesa vamwe vadiki kuchikoro ndiani nhai? Besides izvozvo zvinongindiremera hangu. Chokwadi kana chichizobuda ngachibude neimwe nzira...."
Mind ndakatoedza kumunyengetedza kuti awane waanotaurira nezvenyaya iyi, asi zvakashaya basa sezvo chisikana chakaramba chakatsika madziro...
Taparadzana, nekupindana kwemazuva ini ndaenda kuchibhorani. Uko ndakanosangana nemumwe musikana uyo akatanga kundiudzawo nyaya dzainakidza, musikana wacho aitove wemunhuraunda..ini nekusaziva pekugumira ndipo pandakave ndinopinza yaMind mudariro. Ndakatozobata muromo mushure mekunge ndataura, ndiko kuzotaura kumusikana uya ainzi Cheme ndoti.
"Ndangokuudzawo asi usaudze hako vanhu...ndapota hangu..."
NaCheme uyu takabva tangobvumirana, asi zvakave zvekupenga nekuti kuzowana zuva ridoke raini rose rainge roita kutinhira. Hapana ainge asisiri kuzviziva, mangwana acho makuseni Mind ndipo paakamuka achindichaira runhare achiti aida kusangana neni... Handina kuda kuramba semunhu aiziva nyaya dzake, ndasvika paari ndipo mwanasikana paakatanga kuchema pamwe chete nekuzopinza nyaya yake mudariro...
"Avoid..."
Ndakaita zvekuvhundikira ndotarisa Mind uyo ainge ari kuyeredza misodzi. Pfungwa dzangu dzainge dzave kure kufunga zvainge zvakaitika kubvira pakundiudza nyaya yake.
Aona kuti ndainge ndavhundikira Mind akati.
"Ikozvino ndave chiseko chenyika nekuda kwako. I hate you mhani. And Rega ndigare ndakutaurira chokwadi. Baba vangu vakangosungwa chete tinopedzerana.. ndiri kutokuudza... Weather vasungwa or havana kudhara ikoko...am coming for revenge.. We are now enermies... ndiko kupera kwemashoko angu..." Ndiwo mashoko aakataura ndokutanga kufamba. Ini ndakangosara ndakangochiti tumbi, uku ndobatanidza mashoko ainge ataura. Ave chinhambwe ndakaerekana ndozviumburudza pasi pamwe chete nekuchema misodzi yeropa, uku ndichizvituka kasingaperi.....
END OF THIS CHAPTER.
#just an introduction....kana wanakidzwa huyawo inbox utipe sando
👍
❤️
❤
😂
🤔
14