
Dzidziso Yebonde, Yemumba, Chikapa & Chinamwali
June 10, 2025 at 09:30 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaiqEwY2ER6ZzWAht50Z
#bhozhongorasegment 🔥
🔥Mutorashanga kune murume akaroora mukadzi wake pane rimwe purazi vakaita mwana umwechete vakabva varambana nokuda kwezvikonzero zvakasiyana ,mukadzi akaroorwa pane rimwe purazi neumwe murume vakaitawo mwana umwechete vakabva varambana futi ,dambudziko paita hondo inotyisa pose panosangana varume ava vanorwa vanorovana vachiti wakauraya musha wangu ,chinonetsa mukadzi uyu akatoroorwa zvekare neumwe murume pane rimwe purazi atove nepamuvuri zvakare ,vanofamba nematemo nemapanga kuti vapondane asi vose hapana anemukadzi uyu .
🔥Harare Budiriro 1 kune mubatsiri adanwa achibva ku Dz achibatsira vamwe mai mumba mavo mubatsiri akati pane chikwambo chiripano saka musavhura mu wardrobe kusvika ndadzoka vakamupa $110,saka akati mune chikwambo musavhura apo ndimo mune hembe dzambuya ,akatora hembe dzevanhu vose varipamba imwechete pamunhu achiisa imomo akasungirira zvinhu zvake imomo saka ,varikuti dzoka ahachada arikuti itai kuti wandakasungirira naye abvise handichauya ,saka havachaziva kuti voita seyi ?
🔥Harare cabs kunemukadzi akaita mwana wake asvika mwedzi gumi neumwechete ,saka mukadzi akabuda akadzoka achiti ndabirwa mwana nyaya irikumapurisa ,saka vabereki vemwana akashaikwa vamuka vakavhura Tuck shop saka vavhariswa nevanhu vemunharaunda vavharisa chitoro ichi vachiti ,chekutanga mwana kozouya tuck shop,hamungavhure chitoro imimuchiti mwana haasi kuwanikwa.
🔥Seke Besa village kune murume nemukadzi vakaroorana vakaita vana vaviri ,saka pane zvavakanetserana mumba vakasiyana vachibva varambana vakaenda kumatare edzimhosva vakagovana zvinhu ,asi vaive vakavaka imba yavo mumusha memubereki wemurume saka kuti vatengese imba zvaisabuda ,baba vakati chamunogona kuputsa imba motora zvinhu zvacho ,vakaparadzana kwemwedzi misere murume akasara pamba achigara ,vakazoona mukadzi adzoka husiku achiti ndauya pano ,baba vemurume vakaenda kumutemo vachiripotera murume nemukadzi vese kuti vadzoka sey pamba pangu ivo vaiti vakaparadzana ,ndipo pavazoona vana vaviri 5 yrs neane gore ne half vakapfekedzwa maplastic mumusoro vakafa iye akabva azvisungirira akafa
❤️
😢
😮
3