
Developments In Local Authorities In Zimbabwe Updates
June 6, 2025 at 10:34 AM
*HON. WASHINGTON ZHANDA VAKAVHURA CHIBHORANI MU WARD 9, GOROMONZI SOUTH*
📍 *Goromonzi South, Nezuro, Mumiririri weGoromonzi South mudare reparamende, Hon. Washington Zhanda*, vakavhura zviri pamutemo chibhorani chitsva muWard 9. Chiitiko ichi chaive muchirongwa chekuunza budiriro nekuvandudza hupenyu hwevanhu vemunharaunda.
Hon. Zhanda vakaperekedzwa na *Cde Peter Mubare*, Goromonzi DCC Secretary for Education, uye vakaratidza rutsigiro rwavo pakurongwa kwekuvandudza zvivakwa zviri kuitwa nehurumende inotungamirwa na *President Dr. E.D. Mnangagwa*.
📌 *Mvura Yakachena yavepo!*
Vagari vemuWard 9 vakapembera nemufaro nekupiwa chibhorani ichi, chakacherwa kusvika *82 meters*, uye *76 meters* dzine mvura yakachena. Hon. Zhanda vakakurudzira vagari kuti vashandise mvura zvakanaka pasina kusarura zvematongerwo enyika, vachiratidza kuenderera mberi kwechirongwa chebudiriro chakafambiswa na President Dr. Mnangagwa.
🛠 *Kuenderera Mberi neBudiriro*
Hon. Zhanda vakavimbisa kuti hurumende icharamba ichiita mabasa ekusimudzira nharaunda, vachitarisa zvakadzama zvido zvevanhu nemamiriro ekurarama kwavo. *"Hatina kugumira pano, President Mnangagwa varikuramba achiunza budiriro takananga 2030,"* vanodaro Hon. Zhanda.
#vision2030 🇿🇼
#communitydevelopment
#cleanwaterforall
@xixi royalty 👑
