
Chris And Geo
June 7, 2025 at 05:21 AM
Madzimai maviri anosanga paCopa cabana.
Patie: Hesi kani Chenai, ko uri kutsvakei pano munhu wekuna 4th uko.
Chenai: Hesi kani Patie, ndakananga paMarabra hangu apo saka macombi acho anokwirirwa pano.
Patie: Ummm nyaya dzemujolo idzi ucharohwa ne paper 2 hameno hako.
Chenai: Haa baba Guide vakanditamba newone handibate futi kuitiswa . Iye zvino hona ndiri kuchengeta mwana ndega iye achidya nyika rutivi. Kungoti ndakawana boss good munhu ari kubhadhara fees yemwana wangu .
Patie: Haa iwe wagara une lucky remabasa iwe. Hapana angafungire kuti uri Mopmaster ipapa.
Chenai : Kkkkkk watanga. Hapana zve lucky dhiya asi town inoda kuti changamukei. Problem is kana tanzi ma maids totoguma kufunga zvedu. Ini ndakavhurika and thanks to Olivia akandiudza nezve Dwaz ndiko hangu kwandakananga masikati ano.
Patie: Kunei ko kuDwaz kwaunongogara uchitaura.
Chenai: Ehe haunzwe , paya ndakati hande kucourse ukaramba. Manje ini ndakaita course ye Housekeeping ne ye Family Care navo. And luckily pandakaita paya vaiitisa mahara zvekuti zvese taipihwa. Ma course iwawa ndiwo anondiwanisa mabasa masvinhu. Ipapa ndakuenda kuChina cheDwaz apo patinosangana every month toita zvedu topic yezuva iroro sezvatongoita kuRuwadzano.
Patie: Ko mari yacho yetraining ndoiwanepi.
Chenai: Haa kuChina mahara anyone can come. Vane havo membership program yandiri ini ye $15 pa gore ndiko kune Burial, Mikando, Doves Policy nezvimwewo. Pane vari kutoita maclass eprovisional licence izvezvi.
Patie: Inga zvakakarongeka. This time ndiri serious , i must join you, ibva wandipa number dzavo.
Chenai: Vanobatika chero pa WhatsApp pa 071 566 2953 . But kana uri free nhasi hande tese umbonozvionera.
Patie: Ehe good idea. Pane kunotenderera mupark umo zvandanga ndichida kuita rega tiende tese.
Vanokwira havo Westgate Combis vakananga kuChina CheDwaz.
Newewo kana uri mushandi wemumba uri kukokwa kuChina chedu musi wa15 June 2025. Huya uzosangana nevamwe. Mahara kusangana nevamwe. Kana imi boss munokwanisa kuti mushandi wenyu auye zvekare awane kubatsirika.
Makasununguka zvekare kujoiner channel yedu kuti muone zvimwe zvirongwa zvatinoita KuDomestic Workers Association of Zimbabwe. Link ndiyoyi.
https://whatsapp.com/channel/0029VaIEcoyEwEjrAC7LnA1R
😂
❤️
👍
😢
5