THE ZIM BULLETIN NEWS
THE ZIM BULLETIN NEWS
June 11, 2025 at 01:13 PM
[ *IN CASE YOU MISSED IT*] View and Follow this channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJEcyNDTkK81mXyWB0s 🔥Mberengwa kune mukadzi aripamurume akaita pamuviri akaita mwana asi murume wake anoshandira ku South Africa ,saka kune umwe murume zvekare anobva nzvimbo imwechete iyoyi achishandirawo South Africa saka murume uyu asiri muridzi wemukadzi akaenda kwasabhuku akanoti ndisvitsirewo shoko rangu kuti ndirikudawo mwana wangu wandakaita nemukadzi wake ,mukadzi akati kwete manyepo murume uyu akati kana waramba nemwana wangu mwana uyu achakushungurudzai mazuva apera murume uyu akauya kuno achiti Bhozho unokwanisa kutaura nevanhu ava ndoda mwana wangu ndikati kwete handikwanisa endai kumutemo kumatare edzimhosva ,saka nyaya yaifanira kuenda kwamambo mushure mekunge vakawanda vati murume uyu anodherera angaudza mumwe murume kuti ndakaita mwana nemukadzi wako, zuva rekwamambo risati rasvika kwasara zuva rimwechete chikomba chakafona chichiti kumuridzi wemukadzi nemukadzi wacho tererai phone mese chichiti nhasi mwana wangu musamubata ,mwana ane mwedzi mipfumbamwe mwana akaita mudumbu mudumbu muchitinhira zvakanyanya mai vemwana vakazama kubvisa pupu vachingotarisa pupu vachibva vavharika maziso havachaona ,vachiudza murume ndibatireyi mwana ,Baba vakati regai ndibvise inini sezvo vadzimai vatosvorwa vachingotanga kubvisa vakabva vavharika maziso zvakare vakazodaidzira vanhu pa next door ,vakauya saka vakatyawo kubvisa mwana pupu mwana akaita mazuva maviri asina kubviswa pupu vanhu vachitya baba namai vasingaoni ,akazofona achiti mwana amuka seyi ndikuda mwana wangu hama dzemurume nemukadzi uyu vakawirirana kuti murume uyu auye atore hake mwana wake saka nezuro akauya namai vake ndivo vakagezeza mwana pupu akaenda nemwana wake ,asi murume ati haangatore mwana chete ngatore zvose namai vacho vanhu venzvimbo iyi havana mate mukukamwa nenyaya iyi. 🔥Mutare kune mhuri inoti kana vana vave kunonyora bvunzo hakushaye vana vanosvika vashanu vanorwara nepfungwa asi vanotanga vapinda muclass vozodzorwa vachinzi vakurwara ,saka umwe wemhuri ane mwana mumwechete mwana wake akarwara arikuchikoro musi wavhurwa chikoro akaunganidza madhara ose achiti munhu wese, uyu mukorokoza achiti angoramba chete bhemba ,akarodza demo nemabhemba achiti tose panhamo iyi ,pane munhu akatsvaka mubatsiri akati unganai ,vakaungana achisvika pane umwe murume akatanga kuchema achiti munhu uyo asapinda mumusha muno haasi munhu ishumba asi vamwe vose vaiona ari munhu ,saka murume uyu anemombe dzakawanda mombe idzi hadzidyiwe nyama pamusha anotengesa ,kana kupa vanhu kurimisa pose panorwara vanhu njere kune dzinobereka ,dzimwe munotovhunduka kuti ko yange isina zamo wani ,pane musi wakabereka mombe 11,zuva iroro vana vakadzoka kuchikoro umwe achiti dzungu umwe mudumbu umwe akadonha akatyoka ,zuva rabatwa mombe dzake dzose dzaifamba dzichiratidza kuti hadzichaona dzaifamba dzichidhumira 4 dzikadonha dzikafa ,achibva ati regai ndirapire akavhiya imwechete akatora chiropa akachiitira wiwi akadya ,achibva ati hakuna acharwara futhi ,akanzi ndoda mari inokwana kuita $4000 us akati handina achibva anzi budai kunze kwegedhe akabuda akanzi chidzoka kuti apinde mumusha make arikuti ndiri kusundirwa kunze dzimwe nguva anotodonha asi arikumusunda havamuone.. Bhozhongora Segment 🔥🔥🔥🔥
😂 😮 👏 😢 🙏 🤯 10

Comments