
Bhozhongora &KB Latest Stories,Zvinotyisa,Zvinoera,,Huhure,Hurombwa,Zvakavanzika
June 12, 2025 at 01:07 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vb3OtZBE50UgJE9RwC39
*DZIDZISO HOMBE KUVANHUKADZI*
https://whatsapp.com/channel/0029VakNcUNL7UVZmYD3ZW2O
Musoro wenyaya ndewe nguvo yechikadzi inonzi "Zambiya".Zambiya zita iri rakatanga nekuti mhando yemucheka uyu unova Fuko wakabva nekunyika yeku Zambia uchipinda mu Zimbabwe ndopawakanzi Zambiya kusvika nanhasi ratokurumbira.Zambiya rakakosherei patsika yedu yechivanhu?Zambiya rinofukidza uye rinoita kuti uremekedzwe zvino hanzu iyi mukore uno haichakoshesewi nekuda kwechirungu asi hainoi nhau yacho mashatiro ayaita nekusaziva chivanhu chedu zambiya rinoshanda zvakawanda pakurapira musha wako kana murume akanetsa zambiya chombo chikuru chinodzimura hondo mumusha mako zambiya chinhu chisingatenderwi kurara kumaraini wakumbirwa kana kupa munhu chaiye hauzivi wakanaka newakaipa akachishandisa zvakaipa unotorerwa murume kwete naye bedzi asi unenge watofumuka zvakare zambiya rinoshandiswa
Kupumha chipfuwo chitsva pamba hakuna kwachoenda chikarapirwa nezambiya zvakare zambiya mwana akarwara rinoshandiswa pakudzimura hondo dzeurwere ukamupumha naro uchipopota zambiya mudziyo wakagara wayera pachawo patsika dzedu vatema saka ukashaya chinhu ichi wakashama zvisngarevi kut famba wakamonera pese pese *tinoziva vemazuvano hamudi asi musoro wenya yangu ndewe kuyera kwenguvo yezambiya*
Zvino Amai motadza seiko kuzhamba murume ayenda imi musina chombo chezambiya??
Chinova ndicho chekut Ukatsamwisa Amai vako vakarovera zambiya *pasi hakuna chaunobata paupenyu hwako ukasakumbira ruregerero*
Amai motadza seiko kuchema imi musina hanzu iyi mumusha mevanhu zvinova zvisingavataridzi vemo mumusha kut wakatengwa ukatsvagirwa mhiko yezambiya inova ndoinopa kuti uyere.
*Zvitsrisei mamai edu anopemberera akabata mazambiya mumaoko achirovera pasi kufarira mwana waita chakanaka*
Mudzimai wanhasi ungatadza kuchema sei iwe uchivenga zambiya murume akakutengera zambiya ukariramba nhasi pauri minyama haichaperi pauri wava kungwaudza *wakutsvagirwa umwe mukadzi or vamwe vakadzi*
Wotadza sei kuchema wakakumbirwa zambiya rako namai vepa next door vakandorimonera vakadetemba kuti mai nhingi murume haachazi wenyu,,mange muchizviziva here kuti Zambiya ihanzu inoera yakakosha inoshandiswa kunyika dze Africa
❤️
👍
🙏
3