Bhozhongora &KB Latest Stories,Zvinotyisa,Zvinoera,,Huhure,Hurombwa,Zvakavanzika
June 12, 2025 at 06:08 PM
Isa reactions usati waverenga* https://whatsapp.com/channel/0029VakNcUNL7UVZmYD3ZW2O
*_Bute rematare_*
Zvarinoshanda nemashandisirwo aro
Musiyano uri pabute rematare nerehondo ndewekuti rematare rinodzvurwa robva rabikwa
Zvakanaka kuti wakatenga bute usati warishandisa utange warishumira kunevekwako kuti vaise masimba avo pabute iroro nekuti hauzive kuti akaribika anga akachena here kana kuti kwete
Bute rematare tinorishandisa sei
1-Kuputa
Pakuputa apo ngatidzidzei kuputa tichitaurira nechemumoyo unogona kutotaura nevakuru vako uchiputa bute zvisiri zvekupfugama kukumbirira. Ngatisango puta bute zvekunakidzwa asi kuyanana nevadzimu vedu vagare vari pedyo
2-Kugeza.
Ngatigeze tichituka mhepo dzakaipa nekuchemera chakanaka pahupenyu
3-Kunatira
Unoisa mumvura inopisa woita kufukira. Ukada kusanganisa nemufandichimuka, mbanje kana mamwe makwenzi zvakangonaka zvese
4-Kune vanonetswa husiku nevaroyi vakarara
Musati marara zvakanaka kufuridzira bute pamukova nepamawindow umumba menyu muchitaurira kuti vadzimu vekwangu vharirayi vakaipa panze zvinobatsira kudzingira kure varoyi
5-Pakukumbirira
Kana tichikumbirira kumadzinza ekwedu tinoshandisa bute rematare iri kana uri mubvakure unoshandisa hako hupfu asi unoisawo twubute parutivi kuitira varidzi vedunhu maugere hakuna dunhu risina varidzi
6-Unogona kuita rekunwa rakasangana nemvura.
Rinonzi zambara hurwere hwese hunobata munhu kungava kutemwa nemusoro kana chiyi mhepo dzakaipa dzese dzinonogara mudumbu mako saka kunwa zambara kunoparadza mhepo dzakaipa dzinenge dzakagara mudumbu nevaye vanorota vachidyiswa kuhope zambara rinobatsira kusunungura mudumbu
7-Unogona kuisa bute mubhutsu nemasocks kana wakubuda mumba kunoshava kana kuenda kumatare zvinobatsira kudzima tsoka dzako kune vavengi vanoronda pese pawafamba zvekare kana uchienda kunzvimbo dzine vanobata bata kusvika une bute mushangu zvinobatsira kukuchengetedza
8-Bute rematare rinoshandiswa zvekare nevanobata matare pakurapa nekudzinga mhepo dzakaipa mhepo dzakaipa dzinodzingwa nebute
*Kana wapedza kuverenga siya emoji ❤️❤️❤️❤️yauyaka remedy ye jeko*Isa reactions usati waverenga*

*Kana wapedza kuverenga siya emoji ❤️❤️❤️❤️yauyaka remedy ye jeko*
❤️
🙏
👍
❤
🇿🇼
😮
31