
HOUSE OF COMEDY🇿🇼😂✌️♡
June 9, 2025 at 04:12 AM
> MUNAMATO WEMANGWANANI
*Tinokutendai Mwari nekutimutsa tiri vapenyu, nyama nemweya zviri pamwe chete. Matitendera zvakare kuti tiriwone irori zuva ranhasi. Tinoda kungokupayi mbiri imi munoshamisa, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, Alpha and Omega, Shumba yerudzi rwaJudah, Mwari wazuro, nhasi nekusingaperi. Chititungamirirayi pane zvese zvatichaita pazuva ranhasi. Zvose zvaticharonga ngazvive zvinobudirira to the glory of your name. Mhuri dzedu tinodziisa mumawoko enyu, ngadzichengetwe munyasha. Kune vanotaura mashoko against our lives, ngaashayiwe simba nezita raJesu. Vachafamba fambai navo, taramba mweya yetsaona mumigwagwa nezita raJesu. Mabasa emaoko ngaaropafadzwe nezita raJesu. We pray for our country Zimbabwe, rangarirayi nyika yekwedu, heal our land and economy. We thank you for the spirit of love and unity that is prevailing over this group. Zvatinoshuvira munozviziva Mwari, ngazvizadziswe nezita raJesu. Vanorwara ngavaporeswe, vanochema vanyaradzwe, vakaremerwa vaturwe mitoro, imi munoti, huyai kwandiri mose makaremerwa ndikupei zororo. Chitangayi nesu ranhasi mugopedza nesu, muzita nemuropa raJesu*
AMEN🩷
https://whatsapp.com/channel/0029VaHK6wL1dAvuAQqYx01x
Have a great and Blessed day🙏🙏SHARE🔥🔥
🙏
❤️
❤
👍
😂
😢
🤮
🥹
🎉
🔥
728