
Nationalfm
June 12, 2025 at 01:43 PM
Vanhu vanodarika 200 vafa mutsaona yendege iyo yaitika kuguta reAhmedabad nechokumadokero kwakadziva kuChamhembe (North -West) kweIndia. Ndege iyi yadonha chinguva chidikidiki yasimuka. Yanga ichienda kuLondon. Mapurisa ekuIndia anoti akwanisa kuburitsa mitumbi 204 uye kune vamwe vanodarika 50 vanova maMedical Students vakuvara.azhinji vakuvara sezvo ndege iyi yadonhera pama Hostera anogara vana Chiremba. Ndege iyi yerudzi rwe Boeing 787-8 Dreamliner yanga yakatakura vanhu 242. Vanga vari mundege umu zvichienda nenyika dzavo vakamira kudai:
169 - vekuIndia
53 - vekuBritain
7 - vekuPortugal
1 - wekuCanada
Mashoko atabva kuwana anorakidza kuri pavanhu 242 vanga varimo, hapama ararama kunyanguva hazvo mitumbi yawanikwa iri 204 zvinoreva kuti imwe mitumbi yatsva kana kuti ichiri muhungwanda ngwanda
😢
😭
💔
🙏
😮
👍
😂
❤️
🙆♂
👏
1.0K