
LIBERATION STRUGGLE DZIMBABWE
June 12, 2025 at 05:53 PM
Hameno asi kunyange takasikwa zvakasiyana pane zvakafanana pamunhu wese kuchema kana kuseka wawana mufaro
Isu samazimbabwe tine kuchema kumwe chete munguva yohupenyu hwedu zvakadii kwazvo kuti tive netariro imwe chete kuti tikunde dambudziko riri pamusoro pedu sahwira Rega kupusa Siya hubenzi pinda munzira kakata tiende ngatimbosiyai kuchema tisina tariro tawanirwa Nyasha tapiwa mutumwa pakati pedu zvino vadikamwi vangu ngatitambire shoko raakamutuma kuti ramangwana redu rijeke dambudziko takatambudzwa vamwe vedu kubvira dzichimimba hatichina tariro nenyika yedu chatakufunga kungoti chero ndawana sadza zve future takarasa kudhara zanu tinoiwona saMwari gomo risingatangike bvandizvo asi aiva mazuva akare tisati taziva kuti ko iyo zanu ndavana ani ruzhinji rwedu taifunga ihama dzedu dzeropa zvobodo madevera njanji aya
Saka zvino chinga kuvhundutse pakudzinga chikomba chamai pamba pababa vako chii icho chichirakasha pfuma yako
🙏
❤️
😂
👍
😢
😮
12