Joseph Simango novels
June 6, 2025 at 06:55 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E *Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️ *Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *Yeukai* 📚🖊️ *Written by J Simango* 0778784895 0712485287 *Join , like & comment👍💓* *_Chapter 1_* "Chibva watonyarara hako ndisati ndakupamha!, ndakati chii nenyaya yekuenda kumaraini?" "Handichazviita mhamha, ndokumbirawo rureger....." Handina kuzopedza zvandaida kutaura ndagarwa mbama yakabatanidzira nzeve nemuhuro. Ndakaita chadzimira kuona madzengerere chiso chaamai vangu vakafa ndichiri rusvava chichiyerera misodzi. Amai Vimbai vaiva vakandivenga zvekuti dai vaine access pahupenyu hwangu vandidzimira oxygen. Vaisagona kupedza zuva vasina kundiridza uyu waitova mutemo. Paiitika izvi zvose ddy vanenge vasipo uye ndakada kuvaudza vaisanditeerera. "Waita mhanza chaiyo Sekai , ndanga ndichida kunokurovera pamberi petushamwari twako." Pavaitaura wavo mwana nyakutumbura aiva akandigarira pamusiwo achiti ndingatize. "Dai manyatsomurova mhamha, apa haasati asuka ndiro kubva kuseni" "Anodzisuka, anongoti unzenza kufanana naamai vake." Vakabva vabuda pamba ndokuenda kupanext door pavaindirambidza. Nyaya yavaiva vandirovera hanzi haungambotandara kwandinotandarira ini plus ndiwe musikana webasa pamba panapa. Mhosva yangu yaiva yekufirwa nàamai ndikazochengetwa naivo step mother mukadzi wababa ndiine makore matatu. Hama dzaamai vangu dzainzi dzakandiramba ndikasiirwa baba vachindipa mukaka wembudzi nekundikurungira bota. Baba vangu vakazowana amai Vimbai vaine mwana wavo wavaiva vakamitiswawo kubhawa nehunzenza hwavo. Hudiki hwangu kuti nditi ndaidyiswei ndinganyepe nekuti ndaiva mudiki ndakararama nenyasha. Hutsinye hwavo ndakatanga kuuona ndave grade 1 pandaitakura chimunya chisina kudziswa nemvura inemunyu kuti ndiraramise mweya. NaVimbai taiva takangosiyana nemakore mashoma aiva mukuru hake nematatu. Nababa vangu vakazoita mwana vose ainzi Runyararo izita raakapihwa nababa. NaRunyararo taiva takasiyana nemakore matatu uyu ndiye aidiwa naamai pamwe chete naVimbiai. Kuchikoro ndaigona zvekutoda kudarika mudzidzisi asi aikurudzira chipo paiva pasina. Baba vangu vanoita zvekudriver matruck kutaura kunoku vatori kuborder nyamapanda vanowanika kamwe kana vaviri pamwedzi. Musi wandarohwa uyu yaitova nyaya yekuti ndainge ndanobvunza Svinurai kuti havana kupihwa homework here sezvo ini ndaiva ndarovha kuchikoro ndichinzi uzowacha magumbeze. Zviri zvebasa hangu ndaisazeza nezara rangu iroro 8 years ndaiva ndatozvijaira. Vachingobuda mumba ndipo pakauya misodzi yangu ndokutanga kuchema ndichiburitsa ndiro dzaiva dzadyirwa naVimbai. Paiitika izvi Runyararo zvaimubata asi nezera rake haana chaaikwanisa kuita. Dzimwe nguva ndaiti ndikarohwa aiuya pandinenge ndiri otanga kuchema neni. "Mirai ndisuke sisi" "Unomagona here Runyararo, iwe chidzumburudza asi mhamha vakauya ndogona kurohwa kunzi ndiri kukuitisa basa." Pamwe dai aiva akura ndaimubvumira but 5years anogona kusekei. Zvisinei ndakatanga kusuka ndokupedza ndichibva ndabika sadza. Amai vakazouya naVimabi dzatova kuma9 ndokubva vati: "Saka wabika sadza risina muriwo uri kuti tinoridya nei?" "Muri kuti ndozvidambura here mhamha kuti ndigone kuita mabasa ose, mhosva yangu chaiyo ndeyei, kufirwa imhosva here?" "Uri kundipindura , izvezvi buda unotsvaka muriwo kugaden." Vakataura vachitsvaka chekuti vangandirove nacho ndipo pandakango nhonga mapata pata angu ndichibva ndabuda ndichimhanya. Kubva kumba kusvika kubindu paiva nechinhambwe chakati rebei uye kwaityisa nekuti nzira yacho yaidarika nepakati pemakuva. Kuti ndiregedze kuenda kumba kwacho kwaisadzokeka ndaigona kurohwa ndikafa . Zvisinei ndakazvishingisa ndokutanga kunzunzutira ndichicheuka cheuka apa ndaiva ndisina kana mwenje wekuvhenekesa. Pandaiva ndave kudarika nepamakuva ndakanzwa chinhu chakati pfokocho ndokuwedzera speed ndakananga kubindu. Ndakasvika nekutemha muriwo nekuchimbidza asi hana yaiva mumaoko. Ndapedza ndakadzokera kumba ndichimhanya zvakare asi ndainzwa kunge shure kwangu kune chinhu chainditevera. Ndichisvika kumba Runyararo aiva arara inova mhosva yaitorovesa mwana kurara asina kudya: "Uri kuona mabasa ako aya, izvezvi mwana arara asina kudya. Unoda kundiuraya nebp here mwana iwewe." Ndakaramba ndakanyarara ndokubva ndaenderera mberi nekucheka muriwo apa wavo mwana aiva akatosimudza makumbo mudenga achidziya moto. Tapedza kudya vakabuda vakanorara ndokusara ndichitsvaira mumba nekurongedza apa nguva dzaiva dzaenda. Ndakazopedza pave paye ndokuenda kunorara ndipo pandakarota paine mudzimai aiti: "Sekai mwanangu, ndini amai vako Yeukai , chaiva chishuwo changu kukusiya wayaruka. Zvisinei mwari vakaona zvakanaka kuti uve nherera isina amai. Ndichamira newe mwanangu , pose pauchange uri ndichange ndiripo" "Ko izvezvi muripi mhamha, ndiri kungonzwa izwi chete." "Ndigere kuno kuno kuimba isina window mwanangu , haukwanise kundiona asi kutaura bedzi nekuti ungade kutevera." "Ndinotoda kuuya ikoko amai,nditore......" Ndakabva ndapepuka apa ziya raiva razara muviri wese. Hana yaiva yoita kurova kana wekuudza hope paiva pasina. Ndamutsa Vimbai kuti arare zvakanaka sezvo aiva magadziko ake kumusoro kwangu. "Vimbai, iwe Vimbai! *To be continued*
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 42

Comments