Joseph Simango novels
June 7, 2025 at 06:34 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E
*Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️
*Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy
*Yeukai*
📚🖊️
*Written by J Simango*
0778784895
0712485287
*Join , like & comment👍💓*
*_Chapter 2 _*
"Ukundimutsireiko, ndisiye ndoda kurara mhani."
"Rara zvakanaka uko, apa hona waunganidza magumbeze kuside kwako"
Akabva atowedzera kumaunganidza ndokuita senge pasina chaainzwa. Ini hangu zvemiyedzo ndaisada saka ndakango dhonzawo corner yaiva yasara ndichibva ndamufuratirawo. Mangwani acho ndakamuka ndokugadzirira zvekuchikoro kudziisa sadza pamwe nekugéza makumbo. Vimbai aiitirwa zvose naamai vake kana lunch box airongedzerwa. Ndakaenda kuxool ndisina shangu murutsoka apa kunze kwaitonhora.
"Sekai mwanangu"
Vakadaro madam vaindidzidzisa vachindishevedza kuti ndizotsanangura kuti sei ndaiva ndisina kuuya kuchikoro nezuro wacho.
"Matii madam?"
"Unogara nani kumba?"
"Ndogara namhamha nemunin'ina wangu pamwe naVimbai"
"Vimbai ndiyani wako?"
"Ndisisi vangu"
"Ko baba varipi?"
"Vanogara kubasa, vanouya kamwe kana kaviri pamwedzi."
"Hoo, tora tsamba iyi unopa amai vako uvati vauye kuchikoro Monday."
Ndakatora ndokuiisa muchipepa chesugar chandaiva nacho ndokufamba ndichinogara pasi. Vamwe vana vechikoro vaindiseka vachiti ndaitakura sadza vamwe vachiti anopinda muchimbuzi asina bhutsu. Ini ndaiva ndisina basa nazvo plus vose ndaivakunda mukudzidza kwangu. Pave pabreak madam vakanditi handei kumba kwavo kunomwa tea ndokubva ndati:
"Ndakarambidzwa namhamha kudya kumaraini, plus Vimbai akandiona anonditaurira."
"Kuno hakusi kumaraini Sekai , kunonzi kuchikoro. Iwe handei chete haazvione kuti wadya, chitakura mabooks aya woita kunge uri kuendesa mabooks."
Ndakatakura mabooks aye ndokutanga kufamba tichienda. Tichingoti pfuurei pa assembly ndakabva ndaona Runyararo ndokubva andimhanyira.
"Sisi mukuenda kupi?"
"Ndiri kuendesa mabooks, iwe enda unodyira kuground"
"Ndiri kuda kukupai mazepi, sisi Vimbai vapihwa mari yavo vadya vega."
Mashoko aya akapinda munzeve dzemurairidzi wangu asi haana kuda kutaura nezvazvo panguva iyoyo. Ndakazongonokorawo mazepi kuti munin'ina wangu afare ndokubva ayenda hake. Tave kusvika kumba kwamadam ndakaona Vimbai achinditarisa zvekubira bira. Madam vakanditi ndipinde mumba ini ndokuramba ndakamira nekuti ndaiziva kuti aiva atove mahwani. Zvaitova pachena kuti aiva andiona ndichidya mazepi andaiva ndapihwa kureva kuti aitozonozivisa mhamha kuti ndaidyira mwana.
"Pinda mumba Sekai, ko uri kutarisei?"
"Ndambokuudzai madam kuti Vimbai akandiona ndinemi anogona kutondifomera nyaya."
"Hapana nyaya yaanombofoma Sekai, zvevana vadiki so. Ndichataura naye kana tabva kubreak. Pinda unwe tea."
Ndakapinda ndokugarawo patafura navo ndokutanga kunwa tea.
"Vimbai ane makore mangani?"
Ndakatanga kuverenga zvigunwe ndokuita 11 kureve kuti aiva akandisiya nemakore matatu.
"Ane 11years"
"Ko iwewe une chii?"
"Ndine 8 , takangosiyana nema3 years nemunin'ina wangu ari ECD A."
"Ko sei uchiuya kuchikoro usina bhutsu asi Vimbai ainadzo pamwe chete naRunyararo."
"Handina kutengerwa, ndaguta"
"Idya Sekai, waguta nekuti ndakubvunza here?. Oky baba vako vanozviziva here kuti unouya kuchikoro usina bhutsu"
"Havazvizive , vanenge vari kubasa nguva dzose."
Misodzi yangu yaiva yave kuda kutobuda nemibvunzo yavo. Vakaenderera mberi ndokubva vati.
"Baba vako vane vakadzi vangani?"
"Vane 1 , amai vangu vaka....."
Ipapo ndaiva ndopfikura ndokubva ndagadzirisa zvandaida kutaura ndichibva ndati:
"Vane 1 , Vimbai ndiye mukuru potevera inini"
"Zvakanaka, usakanganwe kupa mhamha tsamba , ndichataura naVimbai kana ndabva kubreak. Tora mapush ari pamusiwo uzopindisa mutoilet, wakatsika pasi netsoka unoita zvirwere."
Ndakatora ndokubva ndapfeka asi ndaizomadzosera kana ndave kuenda kumba nekuti ndaizobvunzwa kuti wamawanepi. Ndichibuda mumba mavo ndakabva ndaona Vimbai futi akamira ndokubva ndapukuta muromo wangu waiva wakanuna mafuta ndokubva ati:
"Mhamha vakati chii nenyaya yekukwata?"
"Akuudza kuti ndakwata ndiyani" ,
ndakadaro ndichiputa muromo zvekare.
"Hoo , tiri kudzokera kumba, mapush ani awaba aya, Sekai kaa "
Akabva abva pandaiva ndokufamba ndichienda kuclassroom. Ndichisvika kuclass vanhu vese vaiva vakaisa maziso avo pandiri pamwe vaitarisa mapata pata andaiva ndakapfeka. Madam vakazouya ndokuenderera mberi nekudzidza ndokuzodisimiswa na1 sezvo yaiva Friday.
"Usakanganwe kupa mhamha tsamba Sekai"
"OK madam, ndanga ndauya nemapush enyu"
"Mapush ave ako , pfeka hako mwanangu."
Ndakabva ndaruma kagunwe ndave kugaya kuti paden ndosvika ndichiti chii. Semunhu aisada kuratidza madam hunhu hwaamai vangu ndakabva ndavati maita basa ndokufamba ndichibva pavaiva. Ndichingobuda gate ndakatora mapush aye ndokumaviga mumahuswa ndaizodzoka ndichimatora musi wemonday. Ndakasvika kumba Vimbai atovako kare ndokubva ndakwazisa mhamha.
"Maswera cy mhamha?"
"Ndiri amai vako here ini, ndakati chii nenyaya dzekuenda kudzimba dzemateacher. Uri kuda vafunge kuti ndinokushungurudza inini."
Zvaitova pachena kuti Vimbai aiva atovaudza zvese kana zvekuti ndaiva ndakapfeka mapushi.
"Handina Ku......."
"Nyarara, usade kundikwidza hasha wanzwa. Mapushi awaswera wakapfeka kuchikoro ndeani?. Mwana auya achichema nzara panapa kuti wamudyira chikafu chake."
Runyararo paakanzwa izvozvo akabva ati
"Iii mhamha, kunyepa , haana kumbondidyira"
"Iwe nyarara wanzwa, ibva pano"
Ndakatoona ndega kuti Runyararo haana chaakanga ataura asi vangu sisi Vimbai. Ndakaramba ndakati vavava ndokuburitsa tsamba iye ndokubva ndavati.
*Amai Vimbai*
Ndairarama nekutengesa muviri kunyanya kuma truck driver. Vimbai ndakamumitiswa neumwe murume wekuMalawi akazoenda asina kundibhadhara mari yangu. Ndakarera mwana wangu kusvika pamakore matanhatu ndichibva ndawana murume akandiroora. Murume uyu aiva nemwana wake aiva ne3years akafirwa naamai. Ini semunhu aida imba ndakazvipira kumuchengeta asi kwete nemoyo wese. Aitengerwa poridge ndosara ndichimubikira maheu asina sugar baba vake vaenda kubasa. Chishuwo changu ndaitoda afe ndinyatsosara ndichichengetana nemurume wangu. Zvadaro ndakabva ndatobviswa Jadel randaiva naro ndichibva ndamuitira mwana. Mwana akakura zvakanaka uye ndaimuda nekuti ndiye aiva akasimbisa imba. Akazotanga kuenda kuchikoro ave nemakore mashanu. Sekai ipapo aiva ari grade 3 wangu Vimbai ari grade 6. Sekai aigona chikoro zvekuti ndakatanga kurwadziwa nazvo. Vimbai aingoendawo hake kuchikoro asi hapana chaizivikanwa. Baba vaSekai vaida mwana wavo vachimutengera hembe asi ini ndaidzitora ndopa wangu mwana. Musi waakauya netsamba ndaiva ndaudzwa naVimbai kuti Sekai aiva achikumbira chikafu kudzimba dzemateacher. Ipapo ndaiva ndakamugarira aiva munhu rudzii aida kushatisa zita rangu kuvarairidzi.
"Hanzi namadam oyi tsamba iyi mozouya kuchikoro Monday."
Ndakaramba ndakamutarisa ndokubva ndati:
"Vari kudechii madam ivavo, handifambire zvisina basa ini,
"Vangoti ndikuudzei chete , handisi kuziva kuti vari kudei."
"Izvezvi wataura zvisina basa kuchikoro ikoko, ndikangoshedzerwa nyaya dzisina musoro tiri kuburana. Enda unochinja unform ubva wawacha neyasisi vako."
Ndakaridza tsamwa aiva munhu rudzii asingachengeteke. Ndakavhura tsamba iye yaiva isina mazwi akawanda ndokubva ndangomonya monya ndokupotsera kwakadaro.
"Ndipoo mvura yekunwa Vimbai"
"Oky mhamha."
Nguva yaakati anotora mvura ndakabva ndaona baba Runyararo vachipinda kugate vakabata kaplastic bag mumaoko.
"Aah titambire, ko matadza nei kufona ndafanokubikirai.?"
*To be continued*
❤️
👍
😢
🙏
❤
😂
😮
🥰
54