Joseph Simango novels
June 8, 2025 at 06:19 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E *Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️ *Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *Yeukai* 📚🖊️ *Written by J Simango* 0778784895 0712485287 *Join , like & comment👍💓* *_Chapter 3_* *Mai vimbai* Nguva yaakati anotora mvura ndakabva ndaona baba Runyararo vachipinda kugate vakabata kaplastic bag mumaoko. "Aah titambire, ko matadza nei kufona tafanokubikirai.?" "Asi une dzauri kutsikisa here pamba pangu dzawanga usati wapedza nadzo." "Aah dzinengei murume wangu, kungoti zvee seumwe wako anofanira kufona ndofanogadzirira zvee." Ndakadaro ndichienda kunotambira kaplastic kaiva mumaoko mavo. Semazuva ose ndakafunga kuti maiva netumagunanzi izvo kwaani maiva nema work suit. Ndakabva ndatoseka hangu nemudiwa wangu ndichiti: "Ko kutozomhanya ndiri kuti wandivigirawo something?" "Unongofunga kudya bedzi, kana kumbobvunzawo kuti kwanga kuri sei kubasa." "Zvebasa ndizvo zvandichabvunzira panze here , ko handiti tiri kupinda mumba." Sakai paakanzwa kutaura akabva auya achimhanya ndokusviko mbundira baba vake. Baba vacho vakaratidza kufarira mwana wavo zvinova zvakatondibata pamoyo. Wanguwo Vimbai aiva angomira akabata cup yemvura ndobva ndamuti: "Ko hamumhanyire ddy here nhai Vimbai?. "Tingabva tatova kutsira here mhamha, ndakamirira kuti vapinde mumba ndivamhorese" "Aah iweka, ita saSekai uyu." Takapinda kumba ndokubvunzana mufaro ndokubva vati: "Zvakaoma mudzimai wangu" "Chii chaoma nhai baba Vimb.., sorry zita remwana wako rinombobuda , chii chaoma baba Runyararo." "Hanzi ndimbomira kuuya kubasa here , pane zviri kuda kutanga zvambogadziriswa. Saka waona ndauya netumawork suit hazvina kutombomira zvakanaka." "Ko ivo varungu venyu vari kuti tinodyei manje?, hanzi kwaitikeiko?." "Dai watombondipawo mvura yekugeza ndambogeza ndazorora." "Mungangosvika nekuzorora here, Sekai enda unobikira baba vako muriwo vadye nesadza riye randasiya kuseni" "Nhaiwe mai Runyararo, ungatume Sekai anogonei mwana mudiki iyeye. Ko Vimbai ari kuitei kana iwewe zvako." "Mwana mudiki upi manje nhai baba Runyararo?, ndiye wauri kuti mwana mudiki iyeyu." "Ko Runyararo aripi mwana wangu?" "Ungabvunze Rue masikati ano, ayenda kunotamba uyu." Pandakataura zvekubika Sekai akamboda kuramba akagara ndokubva ndakamupa ziso repaside achibva asumuka. Ini ndaisada munhu anoda kuonererwa pana baba vake kana kuda kunyepedzera kuita tumamoods ndaizopedzerana naye. Ayenda kudaro wangu mwana akabva asara akagara ndokubva ndati kuti ndivhare mahwani rega nditi kuna Vimbai aende anobatsira munin'ina wake. "Saka iwe uri kusara wakagara ipapo umwe wako ayenda kunobika?" "Aah mhamha!" "Aaah iwe!, enda kune umwe uko. Ndanga ndichitoti pandati Sekai enda unobika iwe uchati regai ini ndibike. Uchandinetsa iwe." Mashoko aya aiva ekuvhara vhara kuti hubby asazofunge zvakawanda. Takasara ndokubva ndati kumurume wangu. "Uri kurevesa here kuti wamiswa kubasa?" "Saka uri kuti ndiri kunyepa here nhai mai Rue, pakaipa mudzimai wangu. Pamari yandakaku chengetesa iye ndichiti ndoda kuzoendesa kumusha kwamai Sekai kuti vauye vatore nhumbi dzakasara dzehama yavo ndiyo yototombofanoshandisa kuita zvepamba." "Imbori mariiko nhai baba Sekai yamuri kutaura?" "Iyoyo chero ikaita $5 , handizive kuti kubasa ndichadzokera here" Nyaya yemari yavaiva vave kutaura yakabva yaita kuti mufaro wangu upere wezuva iri. Chokwadi chaivepo ndechekuti mari ndaiva ndakasendera amai vangu kuGuruve vachiti vaida kutenga fetlizar yekuisa mufodya. Nyaya yaiva yave apa kutoruka nyaya ndonyepa kuti ndaishaya yabiwa. Kana vachinge vazoramba vachida kuoma musoro ndaigona kutotsvaka munhu angandibatsire kuti ndimudyise murume iyeye cz zvemunhu anoda kundiendera kumberi ndaisazvida. Pavakati basa raiva rapera ndakabva ndatofunga umwe truck driver aindishadagura achindivigira hove kubva kumozambique kuti aitogona kundibatsira. Ndiri mukufunga izvozvo ndakazovhunduka ndave kunzi : "Ko wanyarara, asi mari wakashandisa?" "Kwete murume wangu, ndingashandise mari yandisina kupihwa here, ndiri kutofunga kuti saka muchaita sei zvamave kusaenda kubasa nekuti kuti tiswere tese pano kunge madzvinyu hazviite?" "Ndine kumwe kwandakatarisira saka usatya hako, ndiisire mvura ndigeze" Ndakasimuka ndokuisa mvura vachibva vaenda kunogeza. Ndakasara ndichifunga maths dzangu dzekuti ndotora mari yeberial ndovati ndiyo yavo then kana vaiona ndodzorera ndozoti mari iye ndaishaya. Pakuronga ndaiva mudzimai chaiye saka ndaisapererwa zvekudaro ndosaka ndaipihwa chigaro mumaprogram emubhuku medu. Ndakabuda muddining mandaiva ndokuenda kukitchen kwaiva nevasikana ndichibva ndatora Sekai ndokumuti: "Zvauriwe utaure zvisina basa kuna baba vako" "Zvisina basa zvei mhamha?" "Ita kunge munhu kwaye, ndinosara ndakakurova vadzokera. Kana vakubvunza kuti zvinhu zvose zviri bhoe here unoti ehe wanzwa." "Horaiti mhamha" "Ehe , handisi kuda kukuudza zvekare, wanga wapedza kubika here ndipedzise." "Handisati" "Siya ndipedzise." Ndakapedzisa kucheka madomasi ndokubva ndavakangira bhoe bhoe ndokuvaendesera muddinng. Vachingotanga kudya Runyararo akabva asvika achibva kunotamba ndokutanga kutaura nababa vake. "Hessy mwanangu" "Ndiri right, ko mazepi angu?" "Ndinokutengera mangwana mwanangu , kuri kunakidza here kuchikoro.?" "Munonyepa kuti mangwana ddy apa mhamha vanenge vachingotengera Vimbai chete isu vasingambotitengere." Ndakashaya kuti mwana uyu aiva apindwa nei chaizvo uye aizviwana kupi zvaaitaura. Ndakabva ndati kwaari "Hauna kutakura mazepi nhasi kuchikoro here Runyararo?" "Tatakura" Saka zvauri kutaura wazviwanepi, kana uchida sadza geza maoko udye nababa vako kwete kutaura zvisina basa" Akabva apihwa dollar nababa vake achibva atanga kutaura dzekumahumbwe. Vapedza kudya baba Sekai vakabva vati ndishevedze vana vese vaida kutaura navo vasati varara. "Kuri cy kuchikoro vanangu?" "Kuri bhoe hako ddy" "Dzidzai nesimba muzotichengetawo isu takazvitadza izvi." Sekai aingo similar ko zvaiva pachenaka kuti ndipo pavaiva vakatarisira. Vapedza kudya vakabva vati ndakunorara ndichibva ndavatevera mubedroom. "Nhai murume wangu, ungangosvika nekurara here munhu ava nemwedzi asipo pamba." "Uri kuda ndiite sei mai Rue, ndakuudza kuti ndakaneta ndoda kuzorora." "Hoo wakaneta, kuratidza kuti kune kwawakwataka, aiwa babamwana, itai zvinoitwa tione. Kana imi makaguta hazvireve kuti tose takaguta. *Sekai* Handina kuzombopedza kuwacha ndaona ddy vachisvika. Kunyange zuva iroro ndaiva ndakatsamwa mufaro wangu wakabva wauya wose. Baba vangu vaiva munhu akanyarara uye vaida mhuri yavo. Patakangopedza kuvamhoresa mhamha vakabva vatotidzinga pavaiva. Zvimwe pada vaifunga kuti ndaizotaura zvisina basa here kwavari kana kuti vaidawo nguva nemurume wavo. Pandaibika mukithen ndakaona mhamha vatevera ndokubva vatanga kundiudza kuti ndisataure kuti ndaiitiswa mabasa. Ini hangu ndaiva ndisina basa nazvo plus ndaitoziva kuti nerimwe divi vari kundidzidzisa. Ndakazovapa ndokupedzesa kubika tichibva tazoshevedzwa nababa. Pazvose zvavakandibvunza ndaingodavira kuti zvaiva zvakanaka sezvo ndini ndaizosara ndichiona moto kana vadzokera. Vapedza kutaura nesu vakabva vaenda mubedroom mavo ini ndokuenda kunopedzisa kuwacha naVimabi aiva andijoinawo. "Mira ndikuwachire munin'ina wangu" Mazwi aya aimataura kana baba varipo ndipo chete paainyepedzera kuita rudo neni *To be continued*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🤣 50

Comments