Joseph Simango novels
June 10, 2025 at 07:13 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E *Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️ *Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *Yeukai* 📚🖊️ *Written by J Simango* 0778784895 0712485287 *Join , like & comment👍💓* *_Chapter 4* "Mira ndikuwachire munin'ina wangu" Mazwi aya aimataura kana baba varipo ndipo chete paainyepedzera kuita rudo neni. "Rega hako ndiwache, wakuda kundiwachira nhasi nekuti vangu baba vauya" "Uuuumm Sekai , usaite kunge ndisingambo batanidzirawo hembe dzako pandinowacha dzangu. Plus ndiro dzungu ranga tichataurwa namhamha iroro" "Wacha, but nhai Vimbai!, why uchipindira nyaya yangu namhamha. Do you know kuti tiri vana tose?" Akabva amirawo akabata muchiuno achibva ati: "Apindira nyaya dzako ndiyani?, uri kuda ndikuwachire or hausi kuda?. Plus ndakakuudza kare kuti kana uchitaura neni taura neshona. Icho chirungu chemu new ventures or ventures in wakachinzwisisa." "Ndozvaunondivengera izvozvo apa hausi kutoziva kuti rinonzi chii book racho. Zvino yeukai kuti kugona ndekwedzinza. Unoda ndiende nepi ddy vangu vaigonawo. Takasiyana newe usingazive history yababa vako." "Shit! , wacha wega , vari kudzokera tichaona kwazvinosvika. Magrade 3 munofarisa apa hausati wambone kana 6 months uchinyora nepen." Akabva abvisa hembe dzangu mubucket ndokuisa padombo . Ivo pavaindiita rough zvainakidza ndoshaya anondinyaradza apa zvaiva zvaiwana ngwarati. Ini vaindiona sekunge ndakapusa asi kwaisava kupusa ndaitya kuvapindura nekuti ndaizoshaya anondimiririra. Ndakapedzesa kuwacha ndokuenda mudinning ndipo pandakanzwa mhamha naddy vachiita sekunge vaipopotedzana. "Baba Rue, ukutoramba uchifuga musoro hausi kunzwa zvandiri kutaura here?" "Ndati ndozokuona ndazorora, why uri kundimanikidza kunge une zvauri kuda kundivanzira?" "Ndichikuvanzira chii, kunobikirwa porridge here kana kana kukudyisa mabanana?" "Mave kutaura zvamunoita tisipoka, itai zvamagara muchiita. Ndichaita kana ndave kunzwa kudawo." Ndakashaya kuti nyaya yacho yaiva yei ini ndipo pandakatanga kuimba hangu karwiyo kataiimba tichienda paassembly. "Ndaisaziva kuti mwari makanaka. Ndaisaziva kuti mwarii. Ndatimuimbire mwari makanaka." Ndakanzwa zhowe zhowe iye yapera ndokunzwa mhamha vachiti: "Sakai , enda unowacha kune umwe uko, wapinda imomo nguvai" "Wazvionaka , uri kuda kukanganisa mwana wangu panapa , tozviona manheru" "Ndizvo zvamanga muchingoda chete." Kupopotedzana kwavaiita kwaiita kundinakidza chaiko. Ndainzwa ropa rangu tichiita kuflow asi dzimwe nguva ndaizobatwa nemwaya wekuregerera. Weekend yakapera Monday ndokusvika. Musi uyu Vimbai akamuka ndokugadzirira zvekuenda kuchikoro achindisiya ndakavata mumachira. Ndakatoshamisika achiti: "Ndozokumutsa kana mvura yekugeza yapisa" "Shuwa here Vimbai, usazondiita rough ndomuka iwe warova pasi." "Handidaro munin'ina wangu," Akabva abuda ndokusara ndichidhonzerera machira. Baba vangu semunhu aiva ajaira zvekukasika kumuka nebasa ravo musi uyu vakamukirana naVimbai. Ndakanzwa kutaura panze ini ndakateerera. "Ko Sekai achiri akarara?" "Sekai here baba, anotozomuka kana anzwa bhero rarira. Mhamha ndivo vanomujaidza vachiti mwana mudiki" "Ayewa ngaamuke nevamwe, achazondinetsa mwana iyeye." Ko ndaizivei kuti dzaisava tsitsi kunditi sara wakarara. Ndakamuka nokubata mutsvairo mhamha vachibva vamukawo. Tichibuda panze baba vakabva vati: "Amai Rue , vana ngavamuke vose kuti uyu adzidzewo mabasa handiti." "Nofunga nhasi wazvionera murume wangu, wakada kumumutsa anokuudza kuti baba vangu ndivo vanoenda kubasa panapa. Saka ndomuka nguva dzandinoda." "Sakai ziva kuti ava ndiamai vako wanzwa mwanangu" "Baba varikunyepa ava, madays mazhinj ndini...." "Inzwa mwanangu, unongoitawo zvinoitwa naVimbai. Oky nhasi ndokupai ma$1 dollar ekuti mutakure kuchikoro. Ndoda kuti musachive zvinhu zvevanhu kana kukumbira." Moyo munyoro ndiwo waindidzora kuti ndisataure zvakaipa zvaiitwa naamai. Pamhosva dzavaindipomera pamberi pababa ndaidzigamuchira. Ndaisada kuputsa marriage yavo pamwe ndaigona kuzowana vamwe step mother vakaoma kudarika ivavo. Vachipedza kutaura ddy vakabva vati kuna mhamha hande mumba. Ndakasara nasisi Vimbai ndichibva ndaburitsa midziyo inetsvina ndokutanga kusuka. "Asi ddy havasi kudzokera kubasa?" "Vanonzi baba , ava ndiddy vangu kwete iwewe. Usafunge kuti zvamunoita muchiti handizvinzwi hazvisike munzeve mangu." "Une pamuromo Sakai, chienda unogeza." *Mai Vimbai* Zvemunhu anoda kurara nezamu mukanwa ndaimbozvida here. Hanzi hee ndakaneta ,hee vana vanonzwa , zvaiva nebasa rei panyaya dzedu dzekufadza muviri. After mwedzi munhu ouya nekusvingorara. Manje akazongorikava bhora racho asingade achida. Chandaiziva ndechekuti murume wakamuti ajunge snukar hasha dzose kana zvekubvunza mari zvinonyararwa. Weekend yakatozopera ndisina kubvunzwa mari iye. Musi weMonday pàakataura zvekuda kupa vana madollar dollar , ndipo pakatangira nyaya yandaifunga kuti yapera. "Ndipoo zvee mari iye ndakuda kuishandisa." "Ndoda kukubatsira murume wangu, kana dziri nyaya dzekwaambhya vako hadzíitwe mwedzi inoyi yatiri. Mirai August naSeptember." "Chimbondipa kuno mari yacho, iwe chiri kukutadzisa kungoiisa apa chii?" Ndakatora yemukando yekubarial ndokubva ndavatambidza. Vakanyemwerera ndokubvisa 3dollars vachibva vati: "Wakavimbika mukadzi wangu, chichengeta iyi yasara wozondipa." "So waiti ndakadya mari, saka waisanditruster handiti." "Ndokutruster mai mwana, chienda unopa vana ini rega ndirare ndomuka time time." "Ko kubasa?" "Ndakakuudza kare kuti ndakamiswa wani, chimboita vana vaende tozotaura." Madhiri ekuti tose tiswere padheni aiva asingabude. Kana raiva rapera vaitofanira kutsvaka rimwe inga vanoti vakadzidza wani. Ndakabuda mubedroom ndokuenda kukitchen kwaiva nevana. Sekai akabva ati: "Ko hamusati magadzirira wani kuti mundiperedze kuchikoro" "Kutokanganwa mwanangu, rega ndiudze baba vako tiende. Vimbai wopawo munin'ina wako bhutsu apfeke hantiti" "Oky mhamha" Ndini ndaitofanira kuenda kuchikoro nekuti baba vake vakaenda vaigona kuzotaura kwavasina kuswera. Ndakaudza baba ndokubva vati: "Enda unonzwa kuti chii chiri kudiwa, zvevana vechikoro here misikanzwa chete." "Rega ndibva ndatobuda navo ndikasike kudzoka." Takatungamidzana ndokuenda kuchikoro kuye. Pa3 dollars yandaiva ndanzi ndivape ndakapa Vimbai dollar ndobva ndapa ava vadiki va share dollar ini ndotenga airtime ndaida kufonera chikomba changu. After vapedza kuita assembly ndakaenda kuclass kwana Sekai ndokutanga nekubvunzwa mubvunzo. "Ndimi amai vaSekai?" "Hongu ndini? "Pindai henyu" Ndakapinda muclass ndokugara pachair yavakanditambidza. "Sekai ndivo mhamha vako here ava?" *To be continued*
❤️ 🙏 👍 😢 😂 41

Comments