Joseph Simango novels
June 12, 2025 at 07:29 PM
Follow Joseph Simango novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E
*Kana usimo muchannel munomu wakarasikirwa shamwari*⬆️⬆️⬆️⬆️
*Vaindikumbira link regroup ndeiri riri pazasi apa.*⬇️⬇️⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy
*Mudiwa Rue/mudiwa wangu Joe.*
*Love story💓💋💓💋💓*
📚🖊️
Written by J Simango
0778784895
0712485287
*Join , like & comment👍💓*
*_Chapter 5_*
*Mai Vimbai*
Ndakaramba ndakamutarisa ndichifunga kuti aizondiramba pamberi pemurairidzi wake.
"Ehe ndivo"
"Saka muri kuti anganyepe here mwana nhai madam."
"Kwete amai Sekai , ibasa redu kubvunza nekuti tinenge tichiona situation mamiriro ayakaita."
"Mabvunziro acho manje , oky ndakaona tsamba ndikati regai ndiuye kuno sezvamakataura."
"Tsamba yakabva nekuna headmaster vachiti ndibvunze magariro amunoita kumba kwenyu."
"Muchirevei ipapo?"
"Pane chirongwa chekuisa vana mu BEAM vanenge vachikundika kubhadharirwa maschool fees. Nyaya yamashevedzerwa ndeyekuti munobhadharira vaviri chete Vimbai naRunyararo"
"Ini handisirini ndinobhadhara maschool fees motobvunza baba vacho."
"Varipi baba vevana?"
"Havatogari kuno , ndivo vanosender maschool fees. Chamungatondibvunza ndechekuti vana vadya here."
"Oky, imwe nyaya ndeyekuti mwana anouya kuchikoro asina shangu. Ndakatozosvika pakutora mapatapata angu ekugezesa ndikamupa."
"Kana muchiti haana bhutsu munorevei. Izvezvi akapfekei mugumbo?"
"Zvatondinetsawo kuti nhasi nekuti mauya naye ndipo paauya achiratidzika."
"Imi itai mushe imi. Muri kuti mwana wangu anouya asina bhutsu kuchikoro nemazariro akaita bhutsu kumba. OK , ko iwe sekai mapushi awakapihwa nemadam aripi ?"
"Ndakamaviga musango."
Ndakabva ndaona iri advantage yekuti ndiwedzere kunyepa plus hapana pavaizondipikisa izvo zvaiva neevidence.
"Mazviona madam. Sekai ane misakanzwa anobva kumba nebhutsu obva adziviga musango. Kana nemi munoti kuitawo here ikoko. Izvezvi BP yangu inogara yakakwira nekuda kwemwana iyeyu."
"Chiregai kudaro mai Sekai, misakanzwa yemwana."
"Kana school fees yacho inobhadharirwei munhu asingade chikoro anoviga bhutsu. Ini Sekai ndaneta naye ini"
"Hamufanire kuneta amai Sekai, kukushevedzai kwatakuitai mwana wenyu anogona, toda kugadzirisa nyaya. Munofanira kumu monitor zvaanenge achiita. Munogona kuchidzokera henyu maita basa nekuuya."
"Dai ndaziva kuti ndizvo zvamandishevedzera ndisina kuuya."
Ndakabuda ndichitosekera mumoyo kuti vakada kutamba neni ndaivaitisa. Sekai dai akada kuita zvekuonererwa paaidzoka ndaimuuraya nekumurova. Ndakasvika kumba baba Rue vakabata news paper vachiverenga.
"Nanhasi muchiri panapa?"
"Unoda ndiendepi ini ndiri pamusha pangu?"
"Ko kutsvaka basa?"
"Kana ndariwana ndinoenda. Ko iwewe sei uri kundi mhanyisa kudaro?"
"Munhu ngaaende kubasa. Pano hatidye nyaya."
"Hanzi chii kuchikoro ?"
"Hakuna nyaya uku, ndatoshaya chandaiva ndaendera kusada kupfuurwa kwangu."
"Hauvazive here mateacher. Izvezvi nyaya dzemari."
"Zvakaoma kani, hanzi pari kudiwa mafayera here. Ndizvo zvavandishevedzera"
"Chiita ubike nzara"
Ndakavesa moto ndokubika fast fast ndaiva ndatoronga rwendo rwekuda kubuda. Chinhu chandaisada kuswera nemurume pamba izvo kana. Ndaiva ndafunga kunoona imwe shamwari yangu yaiti yakapihwa mushonga wekudyisa murume namai Rubheni KwaChoma.
*Sekai*
Ndakashaya marambiro emhosva dzavaindipomera. Vari pakati pekutaura ndakambopotsa ndataura kuti havasi amai vangu. Pakabuda mhamha madam vakasara vakandituka asi zvekuita ndaiva ndisina. Vakabva vanditi ndiende ndinotora mapushi avo andaiva ndaviga musango. Zvinoitawo Satan zvakabva zvaita sekunge mugariro apa kaingova kekutanga. Zvisinei ndakabuda gate palunch ndokuenda kunze kwegate. Ndakashamisika ndichiona sango rakachena rapiswa nemoto nevakomana vekuvhima mhuka. Ndakambofunga kuti kurota asi chaiva chokwadi. Ndaiva ndave kutya kuti madam ndovaudza ndichiti chii. Kana vainge vachida kundibatsira vaigona kungondiudza kuti handibatsirike. Kuti ndivaudze chokwadi vaindirambira vachiti saka chokwadi chaicho ndechipi. Ndaiva ndisisina munhu achakwanisa kunditeerera nenyaya yetsitsi dzangu. Zvisineni ndakadzokera muschool yard ndazvipira kungonovaudza chokwadi.
"Madam sango randakaviga bhutsu ratsva."
"Sekai mwanangu, zvaunoita haune here kuti unoshungurudza mubereki."
"Inini?"
"Uri kuti ndiri kutaura nani?. Pane umwe here Sekai aripanapa?"
Misodzi yangu yakabva yatanga kuyerera madam vachibva vati:
"Kuchema kwaunoita ndiko kunokupusisa. Enda unoti sorry kuna mhamha handichazviita futi"
Hapana chinhu chinorwadza chekunzi kumbira ruregero iwe uchiziva kuti hauna kutadza. Ndakangodavira kuti zvindibve ndokubva ndatofamba ndichienda kuground kwaiva nevamwe.
*To be continued*
❤️
🙏
😢
👍
😂
❤
🇿🇼
😮
42