Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 11, 2025 at 05:29 AM
*11 Chikumi - Chitatu* Kurangarira Bhanabhasi Mupositori noMufiriwechitendero *Chiverengo chokutanga: 2 VaKorinde 3,4-11* _Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_ Hama dzangu. Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. 6Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa. *Shoko raMwari.* Rwiyo rwokutsinhira: Nziyo 99,5.6.7.8.9. (D - 9) (D) - TENZI Mwari wedu anoera. 5 Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera. (D) - TENZI Mwari wedu anoera. 6 Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake, uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura. (D) - TENZI Mwari wedu anoera. 7 Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake, nemitemo yaakavapa. (D) - TENZI Mwari wedu anoera. 8 Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera, asi muchiranga zvavainge vatadza. (D) - TENZI Mwari wedu anoera. 9 Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera. (D) - TENZI Mwari wedu anoera. Kupemberera Shoko Rakanaka: Nziyo 25,4-5 Areruya, Areruya Ndidzidziseiwo nzira dzenyu TENZI, Nditungamirireiwo muchokwadi chenyu. Areruya. *Shoko Rakanaka: Mateu 5,17-19* _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_ Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti: “Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo, asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi, achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. *Shoko Rakanaka raTenzi.*
🍆 🙏 2

Comments