Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 11, 2025 at 05:29 AM
*11 Chikumi - Chitatu*
Kurangarira Bhanabhasi Mupositori
noMufiriwechitendero
*Chiverengo chokutanga: 2 VaKorinde 3,4-11*
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba
yechipiri yaPauro kuvaKorinde_
Hama dzangu. Ndicho chivimbo chatinacho
naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri.
Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita
kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano
chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. 6Nokuti
chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi
Mweya anopa upenyu.
Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa
zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya
kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa
uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo
kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya
zvakadii?
Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure
kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya
kukuru hachichambopenya zvacho pamusana
pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya
kunopera chakauya nokupenya kukuru,
chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva
nokupenya kwakatokurisisa.
*Shoko raMwari.*
Rwiyo rwokutsinhira: Nziyo 99,5.6.7.8.9. (D - 9)
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
5 Rumbidzai TENZI Mwari wedu,
mugwadamirei pachitambarariko chake.
Iye anoera.
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
6 Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake,
uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake,
vaidana kuna TENZI iye achivapindura.
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
7 Aitaura navo ari mugore,
ivo vakachengeta mirao yake,
nemitemo yaakavapa.
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
8 Imi TENZI Mwari wedu maivapindura,
maiva kwavari Mwari anoregerera,
asi muchiranga zvavainge vatadza.
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
9 Rumbidzai TENZI Mwari wedu,
mumunamate pagomo rake rinoera
nokuti TENZI Mwari wedu anoera.
(D) - TENZI Mwari wedu anoera.
Kupemberera Shoko Rakanaka: Nziyo 25,4-5
Areruya, Areruya Ndidzidziseiwo nzira
dzenyu TENZI, Nditungamirireiwo muchokwadi
chenyu. Areruya.
*Shoko Rakanaka: Mateu 5,17-19*
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti:
“Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya
kuzoparadza mutemo kana vaporofita.
Handina kuuya kuzozviparadza, asi
kuzozvizadzisa.
Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo
kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo,
asi hapana kana kabhii kana kaga zvako
komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira
zvose zvaitika.
Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo
iyi, achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki
muumambo hwedenga.
Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi
mukuru muumambo hwedenga.
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
🍆
🙏
2