Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 12, 2025 at 05:05 AM
*China 12 Chikumi - June 2025*
*Zuvaguru raJesu Kristu Mupristi Mukuru*
*Kurangarira vapikiri, vafiriwechitendero vamaSVD*
**Chiverengo chokutanga:*
_2 VaKorinde 3,15—4,1.3-6_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_
Hama dzangu. Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa
dzavo, asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi,
jira riya rinobva rabviswa. Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko.
Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi
inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana
naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa
basa iri hatirasi mwoyo.
Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara.
Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza
pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona
mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye
akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi, asi
watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri
varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye
Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke
murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu,
kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri
muuso hwaKristu.
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 85,8ab+9.10-11.12-13. (D - 9)_
*(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.*
8 Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari,
nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake,
kuna vatsvene vake.
9 Hongu, ruponeso rwake rwuri padyo kuna
vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara
munyika medu.
*(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.*
10 Mwoyochena nokutendeka zvichasangana,
ururami norugare zvichambundirana.
11 Kutendeka kuchakura kuchibva pasi;
ururami huchatarisa pasi huri kudenga.
*(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.*
12 TENZI achapawo zvakanaka;
nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.
13Ururami huchatungamira pamberi pake,
huchimugadzirira paanozofamba napo.
*(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Johani 13,34_
*Areruya, Areruya*
Tenzi anoti: Ndinokupai
mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai
kwandakaita. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Mateu 5,20-26_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_
Jesu akataurira vadzidzi vake achiti: “Kana
ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi
dzomutemo navaFarisei, hamumbopinda muumambo hwedenga.
Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye.
Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti
kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake
achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri
munhu pasina’ achakwidzwa padare. Ani naani
anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba
romoto. Ipapo kana uchindopira chipo chako
paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine
chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi
peatari, uende utange wayanana nehama yako.
Wozouya zvako, opira chipo chako.
Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare,
angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa
kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko
omupurisa, uye uchizoiswa mujeri. Zvechokwadi
ndinokutaurira kuti haumbomubuda kusvikira
waripa sendi rokupedzisira.”
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏
😀
5