Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 12, 2025 at 05:05 AM
*China 12 Chikumi - June 2025* *Zuvaguru raJesu Kristu Mupristi Mukuru* *Kurangarira vapikiri, vafiriwechitendero vamaSVD* **Chiverengo chokutanga:* _2 VaKorinde 3,15—4,1.3-6_ _Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_ Hama dzangu. Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo, asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa. Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko. Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya. Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi, asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. *Shoko raMwari.* *Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 85,8ab+9.10-11.12-13. (D - 9)_ *(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.* 8 Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari, nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake, kuna vatsvene vake. 9 Hongu, ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu. *(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.* 10 Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana. 11 Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga. *(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.* 12 TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda. 13Ururami huchatungamira pamberi pake, huchimugadzirira paanozofamba napo. *(D) - Mbiri yokuvapo kwake, ichagara munyika medu.* *Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Johani 13,34_ *Areruya, Areruya* Tenzi anoti: Ndinokupai mutemo mutsva unoti, ‘Idanai.’ Sokukudai kwandakaita. *Areruya.* *Shoko Rakanaka:* _Mateu 5,20-26_ _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_ Jesu akataurira vadzidzi vake achiti: “Kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei, hamumbopinda muumambo hwedenga. Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina’ achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende utange wayanana nehama yako. Wozouya zvako, opira chipo chako. Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare, angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri. Zvechokwadi ndinokutaurira kuti haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira.” *Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏 😀 5

Comments