Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 13, 2025 at 05:00 AM
*Chishanu 13 Chikumi - June 2025*
*Kurangarira Antoni wePadua, Mupristi*
*neNgwazi yezvechitendero*
*Chiverengo chokutanga:* _2 VaKorinde 4,7-15_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_
7 Hama dzangu, upfumi uhu tinaho huri muhari
dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose
nderaMwari, kwete redu. 8Tinotambudzwa nenzira
dzakasiyanasiyana asi hatishai pokupunyuka napo,
tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo;
9 tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa
pasi asi hatiparadzwi.
10Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu, kuti
upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu.
11 Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana
narwo rufu pamusana paJesu, kuti upenyu
hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
12 Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu
asi imi muri muupenyu. 13 Zvino zvatine mweya
mumwechetewo wechitendero wakanga uine uyo
akanyora achiti, “Ndakatenda ndikataura, saizvozvo,” isuwo takatenda tinotaura saizvozvo, 14 tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu, achatimutsawo
naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari. 15Zvose izvi kuitira imi, kuti nyasha nokupararira
kwadzinoita kuvanhu vakawanda, kutendawo
kuwande, kuti Mwari agorumbidzwa nazvo.
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 116,10-11.15-16.17-18. (D - 17)_
*(D) - TENZI, ndichapira kwamuri, chibayiro chokutenda.*
10 Ndakaramba ndiine chitendero changu,
kunyange ndaiti zvangu, “Ndiri kutambudzika
zvikuru.”
11 Pandakanga ndazunzika kudaro ndakati,
“Kuvimba nomunhu hakuna maturo.”
*(D) - TENZI, ndichapira kwamuri, chibayiro chokutenda.*
15 Kuna TENZI, rufu rwavarurami vake
rwakakosha.
16 TENZI ini ndiri muranda wenyu.
Ndiri muranda wenyu, mwanakomana
womurandakadzi wenyu,
makandinunura kurufu.
*(D) - TENZI, ndichapira kwamuri, chibayiro chokutenda.*
17 Ndichapira kwamuri chibayiro chokutenda,
ndichinamata zita raTENZI.
18 Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI,
vanhu vake vose vachizviona
*(D) - TENZI, ndichapira kwamuri, chibayiro chokutenda.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:*
_VaFiripi 2,15d-16a_
*Areruya, Areruya* Muchapenya sechiedza
panyika, nokuti makabatisisa shoko roupenyu.
*Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Mateu 5,27-32_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti:
27 “Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe.
28 Asi ini ndinoti kwamuri,
‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva
atoita upombwe naye mumwoyo make.’
29 Kana ziso rako rorudyi richikukonzera
kutadza risvukunure urikande kwakadaro.
Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo
yomuviri wako panze pokuti muviri wako
wose ukandwe mugomba romoto.
30 Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera
kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo
dzako panze pokuti muviri wako wose uende
kugomba remoto.
31 Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake
ngaamupe tsamba yegupuro.
32 Asi ini ndinoti, ‘Ani naani anoramba
mudzimai wake kunze kokunge chikonzero
chacho chiri choupombwe,
anomuita kuti aite upombwe.
Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa
anoita upombwe.’ ”
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
👍
😢
🙏
3