Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 14, 2025 at 05:20 AM
*Mugovera 14 Chikumi - June 2025*
*Chiverengo chokutanga:* _2 VaKorinde 5,14-21_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_
14 Hama dzangu, rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona
ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu
vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. 15 Iye akafira
vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira
asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa.
16 Saizvozvo, kubvira zvino hatichaona munhu
sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange
zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. 17Saizvozvo, kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa
chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya.
18Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa
naye nokuna Kristu, akatipawo basa rokuwadzanisa
19 zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti
pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye
achitipawo shoko rokuwadzanisa.
20Naizvozvo, tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa
chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai,
takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari.
21Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo, uyo
akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive
noururami hwaMwari.
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 103,1-2.3-4.9-10.11-12. (D - 8)_
*(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.*
1Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose
zviri mandiri, rumbidza zita rake rinoera.
2Rumbidza TENZI iwe mweya wangu;
usakanganwe zvikomborero zvake zvose.
*(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.*
3 Iye anoregerera uipi hwako hwose;
anokurapa zvirwere zvako zvose, 4 anokununura kuti urege kuenda kuguva.
Pamusoro pazvose, anokuitira mwoyochena
netsitsi.
*(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.*
8TENZI ane tsitsi nengoni,
haakurumidzi kushatirwa uye ane
mwoyochena wakawanda.
10 Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu
kana kutipa mubayiro maererano nouipi
hwedu.
*(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.*
12Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva
nokumadokero, ndokutaramutsa kwaanoita
zvikanganiso zvedu kubva kwatiri.
13Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo,
TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya.
*(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:*
_Nziyo 119,36+29_
*Areruya, Areruya* Rerekerai mwoyo
wangu kumitemo yenyu. Ndichengetei ndirege
kurasika. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Mateu 5,33-37_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti:
33 “Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare
musapike nhema, asi kuti munotofanira kuita
zvamakapika kuna Tenzi.
34 Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako
naTenzi, kana nedenga nokuti chigaro
choumambo chaMwari;
kana kupika nenyika nokuti chitambarariko
chetsoka dzake;
35 kana kupika neJerusaremu nokuti iguta
ramambo mukuru.
36 Usapike nomusoro wako,
nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako
kuti ruve ruchena kana rutema.
37 Regai hongu wenyu angova hongu,
nakwete wenyu angova kwete;
zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva
kuna wakaipa uya.”
*Shoko Rakanaka raTenzi*