Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 14, 2025 at 05:20 AM
*Mugovera 14 Chikumi - June 2025* *Chiverengo chokutanga:* _2 VaKorinde 5,14-21_ _Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_ 14 Hama dzangu, rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. 15 Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. 16 Saizvozvo, kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. 17Saizvozvo, kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. 18Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu, akatipawo basa rokuwadzanisa 19 zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. 20Naizvozvo, tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. 21Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo, uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari. *Shoko raMwari.* *Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 103,1-2.3-4.9-10.11-12. (D - 8)_ *(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.* 1Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose zviri mandiri, rumbidza zita rake rinoera. 2Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. *(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.* 3 Iye anoregerera uipi hwako hwose; anokurapa zvirwere zvako zvose, 4 anokununura kuti urege kuenda kuguva. Pamusoro pazvose, anokuitira mwoyochena netsitsi. *(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.* 8TENZI ane tsitsi nengoni, haakurumidzi kushatirwa uye ane mwoyochena wakawanda. 10 Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu. *(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.* 12Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero, ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. 13Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya. *(D) - TENZI ane tsitsi nengoni, ane mwoyochena wakawanda.* *Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Nziyo 119,36+29_ *Areruya, Areruya* Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu. Ndichengetei ndirege kurasika. *Areruya.* *Shoko Rakanaka:* _Mateu 5,33-37_ _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_ Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti: 33 “Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema, asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi. 34 Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi, kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; 35 kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. 36 Usapike nomusoro wako, nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. 37 Regai hongu wenyu angova hongu, nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.” *Shoko Rakanaka raTenzi*

Comments