
Ladies Talk Official🇿🇼
June 13, 2025 at 04:25 PM
Hide 🆔
Ndakatorana nemukadzi wangu ndichishandira kwaMutare. Iye anobva kuChivhu. So takaronga kuti ndizonoroora ndikati imi adzimai chifanotungamirai kumusha kwenyu since anga achiri musikana. Ndichiti vafanoudza vanaTete ikoko.
Musi wekuuya kuzoroora ndasvika muChivhu panokwirirwa Makombi nezvipipipi zvinoenda Murambinda ndakamira ndichiti ndinongewo vaviri pakabva pasvikawo imwe mota achiti Daramombe Dollar vabereki varikuda kufamba fast.
Ndakabva ndaConfronter mudhara uya ndikati KO Indaba kujairira kudai mudhara tikabva tatanga kunetsana ..ndakamurova imwe skuna iya inonzi 6 one 9 achinotemera negotsi ndichibva ndamutambidza shangu mbiri paItsvo apa akabva angoti rabada paya achigomera...ndokupinda mumota mangu ndiye hutu.
Ndasvika kuya ndikanzwa zvavakunzi AHH vakuwasha vasvika tamiririra kusvika kwaTezvara hameno varikunzi varohwa Chivhu vakakuvara vamboenda nekuchipatara manje vanzi kurikudiwa police report. Haa zvinhu zvacho zvine mhepo kani.
Ndakangotora mukadzi ndikati babes ndaporonga 😔😔ndini ndadhaura mudhara wako ...ini ndakuenda pano hapachatogariki.
Ndakazongosiya Baba vangu vachifambisa basa ini ndarova Pasi nemota. 😔😔Zvakazogadziriswa ndikaripa hangu asi Advice yangu guys musangotsamwa or kungorova vanhu nekuda kwetunyaya tusina basa ..control your anger .
😂
🙏
😢
❤️
👍
😮
❤
🤣
117