Ladies Talk Official🇿🇼
Ladies Talk Official🇿🇼
June 14, 2025 at 02:50 AM
*💫Munamato wemangwanani.🙇🏻‍♀️* Baba vedu vari kudenga zita renyu ngarikudzwe.Humambo hwenyu ngahuuye,kuda kwenyu ngakuitwe panyika kufanana sezvirikuitwa kudenga. Mazvita nezuva rinonzi nhasi . Matimutsa nyama nemweya zviri pamwe chete. Endayi kumberi kwangu muguta, kumusika nekwandichaswera muzuva ranhasi. Ndaramba kuenda kwamusina kuti ndiende.., ndaramba kunyadziswa zuva ranhasi.Ndinoramba tsaona pamugwagwa kana pamba chaipo. Ndisanganiseyi nevachandichabatsira uyezve nevachandibatsirawo. Hakuna achateketerera zita rangu zvikashanda , hun'anga kanahuroyi munozviramba mushoko renyu benyu. Ndinotaura ropa raJesu kuvana vangu,marriage yangu,basa rangu ne vandinoberekwa navo, ropa raJESU pese pese. Simbisayi maoko angu ,simbisayi mabvi angu mundidzidzise kurwa hondo dzemweya nezita raJESU. Tungamirayi tsoka dzangu padzichafamba nekutsika. Ndinotaura ndakamira pashoko renyu benyu hakuna chombo chinogadzirwa nemuvengi chichadikuvadza.Ndinohwanda muropa rine simba, ropa rinotaura zvirinani kupfurira raAbel kupfuura remadzinza. Kuteketererwa , hun'anga nehuroyi hazvisi kuzoitika kana kushanda nezita raJESU. Mwari irwayi hondo dzangu panotaurwa zita rangu kumatare ewakaipa, Mwari pindirayi. Mwari munosvinurira shoko renyu kusvika rizadzikiswe. Mwari wonekwayi muhupenyu hwangu, musatendera kuti wakaipa andivhiringidze ini ndakatenda kuzita renyu. Ndinoramba mhiko dzandakaitirwa mudumbu raamayi vangu, mhiko dzakaitwa nanyamukuta, mhiko dzeguvhu, mhiko dzekusabudirira, mhiko dzekusagara mumba. Sungano dzose dzisiri dzaMwari ngadziparare nezita raJESU. Ma aritari anotaura rufu, kunyadziswa, ngozi, huroyi, kusungiswa, kuburitswa basa ngaanyarare nezita neropa raJESU. Handife nguva yangu isati yakwana, Handisi kuzoviga wekwedu mwaka uno. Handisi muswe ndiri musoro, handisi wezasi ndiri wepa pamusoro. Ndinoramba mweya wekunonotswa zuva ranhasi. Ndipeyi kufunga kwakanaka, mutauriro wakanaka. Mazvita Mwari. Mazvita Jesu Mazvita nekupindura munamato wangu. Endayi kumberi kwangu mazuva ose, mwedzi uno ne mwedzi yasara yegore rino. ElShaddai, wamasimba ose Jehovah Shalom Mwari runyararo rwedu. Jehovah Jaireh mupi wedu. Musharukwa, mutana wamazuva. Shumba yerudzi rwa Juda, Imi musingashanduke, Mudzi wa Jesse, Mwari we hondo, Mwari wa Elijah anopindura nemoto, Ndinosimudza zita renyu. Mbiri kwamuri imi Mwari makafanira kurumbidzwa , Muridzi wedenga Nepasi. Ndakutendayi Mwari . Ndoda kufamba nemi. Muzita ramambo Jesu anorarama nekusingaperi. AMEN! *Mangwana akanaka hama dzerwendo,ndinokushuwirai zuva nevhiki rakaropafadzwa*🙏🏽
Image from Ladies Talk Official🇿🇼: *💫Munamato wemangwanani.🙇🏻‍♀️*  Baba vedu vari kudenga zita renyu n...
🙏 ❤️ 👍 69

Comments