Shona📡 Jokes 24/7🇿🇼
June 12, 2025 at 01:10 PM
Hie king viga hako zita nyaya yangu iyo
https://whatsapp.com/channel/0029VaDvimWHwXbB7GnHFF32
Zuva rangu rekutanga kupinda Harare
Part 1
Ini ndakakurira kumusha kuya kunonzi kumusha kusinga svike mota. Taingoona bhazi rainzi mazarura ndiro raifamba netime table. Nguva zhinji taiti kana rakupfuura tainomira muroad tichibhabhaisa. Izvi zvinhu zvekuti ndaisava nefungidziro kuti ndichapindawo mubhazi here ini.Ndakanyora bvunzo dzangu dzegrade 7 pachimango primari kuMudzi mutoko. Hanzvadzi yamai vangu yaigara muharare pavakauya kumusha ndakavavimbisa kuti ndaizodawo kuuya kuharare sezvo hapana zvaizivikanwa
Ndakafara sekuru vanyora tsamba kuti ndaizofanira kukwira bhazi nechitatu sezvo bhazi iri raifamba kamwe chete pasvondo . Kutaura chkwadi zuva iri kwandiri rakandinonokera kusvika. Heuno musi wekukwira bhazi wasvika husiku hwese ndaive ndakasvinura ndichimirira kuedze sezvo ndaitya kusiiwa nebhazi. Mwedzi waive wakachena kuti ngwee apa gogo vakanga vanditi ndizovamutsa kana koedza. Ini semunhu akanga aine chedokwa dokwa. Kungobuda panze kwandakaita hana yangu yakarova kuti kunze zvakwakange kotochena ndisati ndageza ndakanorovera gogo sasa ravo ndichiti manonoka mukai kunze kwaedza. Sezvo kwaive kusina zviringazuva gogo vakamuka nechimbi chimbi iniwo ndakanga ndave bishi kuvesa moto kuti ndividze mvura yekugeza. Vakauya muimba yekubikira munova ndimo mandairara vachindibatsira kurongedza. Ukuwo nekanguva kandakanga ndarara ndakatenge ndatozviwetera imba yese ichinhuwa mutundo. Ndakambodzikira mufaro gogo vave kunditi hauchaenda unonondinyadzisa newet dzako idzodzo
Takagara kunze hakunga chene izvo takanga tamuka kuma 1.kwazooneka hutonga nenyeredzi iya inonzi nyamatsatsi iya ndipo patakaoneka oneka ndakaperekedzwa nemhuri yese kuchiteshi. Nenguva isipi bhazi takarinzwa kutinhira richiridza bhera ipapo kahana kangu kainge kakurova nemufaro. Bhazi rakasvika ndikapinda mukati gogo vakataura nakondakita kuti ndaizonosarira kumbare. Bhazi rakarohwa pandakangoona tabuda mudust road ndakabva ndabereka bag rangu ndobva ndasimuka ndakufamba kuenda kumberi 2
Zuva rangu rekutanga kupinda Harare 2
Party 2.
Kusaziva kufa chkwadi ndakange hana yangu ichirova kuti zvino ko ndikapfurikidzwa. Ndaive ndkabatirira zvakasimba ndichitarisa mutyairi achiita zvidobi zvake ndakaburitsa maboni boni angu matema tema ndikapfeka mushure mekunge ndaona vamwe anasisi vachikwenyana kuratidza kuti vaindinyeya ini ndikati kana hanya nazvo,mabonifero angu mumaziso zii ndakadaro. Yaidzingirirana miti kwete zvishoma ukuwo mota dzaive dzerudzi nerudzi takasvika mtoko center zvikanzi vanoda kumbodzika vachinozvibatsira ini ndakangotsveta bag rangu ipapo ndikatobuda asi kwekuenda woye handichazive ndakanomira kunze ndakazongoteera vamwe mukuru vaizviendera kunotenga chkafu vakandinongedzera kwaive nezvimbudzi ndakazoti ndobvako kuvarairwa nevanhu ko ndakambenge ndaona vanhu vakawanda kudaro. Ndakazochechuka ndahwezurwa ruoko ndichinzi urikudeedzwa uko ndopandakaona kuti ndakatenge ndatorasika. Takanopinda mubhazi ndichingotukwa nevanhu ndipo pakabva patangira confusion ipapo
Bhazi rakarohwa kuzoti tichinopfuura murehwa post pakabuda chi sign chainge chakanzi Harare 80 ndakarova bhazi neruzha ndichideedzera kuti makundipfuudza pliz ndidzikisei conducter uya akanga akatofa hake nehope ndakatakura bag rangu ndikadzika mubhazi muya pasango ipapo ndakatsveta bag rangu ndichiita wet. Ndapeda ndakarova tuckinn zvangu ndaive ndaive ndakapfeka mudhebhe wangu we kodhoro nesikipa yekirimu. Ndakachiti nditsvage munhu anondibatira sekuru sezvo ndaive nenmber yavo yefn pabepa. Kunotarisa kuno nekoko ndingawane munhu ko aizobva nepi musango maiva nemagwavha imomo 3
😂
😢
😮
3️⃣
❤️
🙏
20