TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
June 12, 2025 at 07:47 PM
Ndiri musikana ane 26 years ndikudawo mazano Ndine boyfriend yandakadanana nayo since high school ndikazoenda kuVarsity iye hana kubuda zvakanaka paO level yake asi hazvina kumisa rudo rwedu..ndakaita Varsity yangu paGZ so aimbopota achishanya zvake here and thr nekuti anga awanirwa kabasa kekuti asangogare pamba so he started working rudo rwuchipisa.. after 5yrs ndapedza degree randaida plan yedu yaive yekuti aizobva andiroora asi hazvina kuzofamba seizvozvo nekuti aive asati ave nemari so ndakambozama kutsvaga tsvaga basa semunhu ane mapaper ake ndokubva ndariwana..ndiripabasa apa ndinohora mari irinani zvangu zvekuti ndinokwanisa kuzvichengeta so ndakabuda mumba mevabereki ndokubva ndatanga kugara ndega zvinove zvakakonzera bf yangu atsamwe nazvo..dambudziko ravepo mukomana uyu handichanzwi kumuda like zvandaita kudhara.. ndakuona sekuti neclass yangu hazvichaita ndonyara chero kufamba naye chaiko ini ndiri munhu akadzidza zvekut I need munhuwo wekuti akasvika palevel rangu ndoziva hangu bf iyi ndakabva nayo kure asi ndinganziwo ndatadza here mari yacho yekuroora anoti haisati yakwana so iniwo pabasa I met a guy asi anga akamboroora hake akazosiyana nemukadzi so ths guy is planning to marry again achirimudiki (30) akandizivisawo kuhama dzake ini ndikamuzivisawo kwedu asi 1 of my sstr is not happy nekuti vaida uyu wakudhara but ini handikwanise kuzvimanikidza kuita marriage nemunhu wandisinganzwe kuda kana achishaya yekuroora anozogona kundichengeta here?Ndakudawo kutanga musha wangu ndichidanwa kuti mai nhingi and ndakazviudza kuti gore rino harifanirwe kupera hameno ndinganzi mdatadza here ndikabudira uyu pachena atsvage anoenderana naye hake nguva ichiripo?
😢 😮 🚮 💩 😭 👍 👎 💔 🖕 😂 80

Comments