
TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
June 13, 2025 at 04:15 PM
China chemadzimai nana baba
*chidzidzo chedu chanhasi*
*Kugarisana mese maroorana*
_*Follow & Share this channe*👇🏽
https://whatsapp.com/channel/0029VaCsPB5GZNCp7laHPI0V
Kuvaka musha wenyu muri vaviri hakusi nyore asi imi munokwanisa kurerusa nhamo dzemumba nemaitiro enyu mumba menyu Chokutanga ndechokuzwisisa kuti makakurira mumhuri mbiri dzakasiyana saka maonero enyu pazvinhu zvinoitwa mumusha akasiyana. Izvi zvinoreva kuti muchapokana panyaya dzakawanda. Rudo rwenyu uye kushamwaridzana kwenyu ndiko kuchaita kuti musha urambe uripo
Kutaurirana nokunzwisisana
Kana paita nyaya dzidzai kugara pasi motaura nyaya yenyu mopedzerana pasina arova umwe kana kudzinga umwe mumba Musajaira kuti nyaya yaitika nhasi, mopedza vhiki yese makamirira kutaura nezvayo. Kana iri nyaya inoda kuti mutaure wanai nguva yokutaura muitaure ipere mudzokere mukuvaka mhuri
Kana muchida kutaura taurai muri muimba yokugara kwete yokuvata(bedroom) Dzidzai kuti nyaya inokasira kupera (One sitting) kwete kuti nhasi, mangwana, kuswera mangwana, muchingotaura nyaya iyoyo
Pane dzimwe nyaya dzisingafaniri kuti vanhu vapokane/vakonane nadzo. Toti mukadzi anoda fridge asi murume ari kuti mari hapana Mese munoziva kuti pamusha pane marii saka hazvifaniri kupokana nenyaya yakadai. Varipo vakadzi vanoti kumurume asina hembe, yamirira yakutoda zve bonde iye otanga kuti heee“Haundikwiri kusvika wandipromisa fridge yangu” Uku ndo kusanzwisisa Musaunza nyaya dzezvimwe panguva yebonde Murume/mukadzi ngaangogara achiziva kuti chero zvodii bonde ndinoriwana kubva kune umwe wangu pasina macondition
Kuchengeta nyaya dzemumba
Kana une musha, usajaira kuti ukaenda kumba kwevamwe wonodembademba nhamo dzako dzese ikoko uchivaudza zvinhu zvakadzika zvemumba mako. Imba yako ngaifukidzwe nedenga rayo kureva kuti ukabuda mumba siya zvemo zvirimo. Kana uchitaura nevekunze taura nyaya dzingori general chete
Chinhu chinogwadza moyo chose kuziva kuti murume/mukadzi wako akaudza mai/baba nhingi nyaya yaunofunga kuti ndeye private eg Toti waziva kuti umwe wako ange asiri mhandara/jaya iwe wonoudza umwe munhu, zvofumura umwe wako Hazvina kunaka izvozvo Iwe kana unaye chigara naye sokumuda kwawakaita
Pane nyaya dzomumba dzakawanda dzisingafaniri kubuda. Chengetedza musha wako nezvinotaurwa pamusoro penyu mese Kana ukanzwa vamwe vachitaura nezvavo, iwe usajoinira ipapo wotanga kutaurawo nezvako. Siya vataure. Usavapa mazano kusvika vakukumbira kana vakumbira taura zvinovake kwete zvinoputsa. Usamboudza munhu kuti arambe murume/mukadzi wake. Kurudzira vanhu vakumbire ruregerero vavake musha wavo. Iwe chero uchiziva kuti wako akadai unomuramba, usaudza vamwe kuti varambane
Kuterera umwe achitaura
Kana murume/mukadzi wako achitaura, iwe dzidza kuterera. Hakuna chinhu chakakosha sokuterera. Unodzidza zvakawanda kana uchiterera . Apedza kutaura bvunza mibvunzo kuti unyatso kunzwisisa. Vanhu vakawanda vanotanga kupopota vasati vanzwa kuti point inoda kubudiswa nemunhu ari kutaura ndeip
Chimwezve ndechokuti ukaterera umwe achitaura uchaona kuti anokwanisa kutanga ane hasha asi akaona wakaterera anoderedza inzwi rake mopedzisira makungotaura zvakanaka, chero nyaya yacho yange iri nyaya hombe
Kuterera kunoenderanawo nokutaura chokwadi. Ukavanza zvinhu, umwe wako akazozviziva kuti wakamunyebera, anogumbuka kupfuura kuti dai angotaurirwa chokwadi pekutanga
Rangarira kuterera umwe wako achitaura
Kupiwa mazano nevamwe
Kana waita nhamo inoda mazano kubva kune vamwe, tsvaka munhu anovimbika satete kana mbuya kana babamukuru womuudza kana ma church elders Ivo vakakupa mazano usamhanya kunoita zvavareva. Tanga wafunga maitiro auchaitausati waita. Iwe unoziva umwe wako saka unokwanisa kufunga kuti achaitei kana ukaita izvi kana izvo
*⚠️Kana waverenga usaende usina kusiya reaction or emoji❤️💖💗‼️*
Kupiwa mazano hazvirevi kuti unofanira kutoita zvarehwa/zvawaudzwa Zvinongoreva kuti zvaunokwanisa kuita zvawanda chasara kungoziva kuti woita chipi. Kozoti mamwe mazana aunoziva kuti anouraya muchato wako haufaniri kuva nebasa nawo. Munhu akakuudza kuti enda unotenga mushonga wekuti murume/mukadzi akude, ziva kuti akupa zano risingakubatsiri. Zano rega rega rinofanira kuva rinovaka musha chete
Chioko muhomwe (bribe)
Mumba potai muchiitirana chioko muhomwe Umwe wako akakuitira chinhu chaunoda muitirewo chaunoziva kuti anoda mangwana. Kana uchigara nomunhu mumba menyu unokasira kuziva zvinhu zvaanoda Varume havanetsi kunzwisisa zvavanoda uye zvavanoda zvishoma. Murume anoda kungogara achiziva kuti mukadzi wake anoziva kuti mukadzi wake zvekumuitirq uye hapana nharo panyaya iyoyo. Mukadzi anodawo kudiwa nomurume wake nomoyo wose
Toti murume ange ari muroad ndokuona munhu achitengesa mbambaira dzakachipa ndokudzitenga ndokuuya nadzo kumba. Hazvina kusiyana nomuvhimi anouya nemhuka yaauraya kumba. Tenda murume, uye pava paya mupe twakawanda somukadzi. Imi vakadzi hamunetsi. Ukapfuura nepamusika ukamu tengera kamwe kanhu kasina nebasa rese kanoita chero $1 rimwe chete, wouya nako kumbazvatopera. Iye kungoziva kuti wanga uchimufunga uri pamusika zvinotomufadza Iwewo chingowedzererera nokumuudza kuti pawaona chinhu ichi wafunga kuti mukadzi wako angangachida. Zvoreva kuti unoziva zvaanoda uye unomufunga.
Kana mukadzi akakubikira zvaunoda ukati gotsi papata, azviita somukadzi wako, iwewo chiita chimwe chinhu somurume wake
Rudo mumba
Zvese zvaunoita mumba unoita hako asi usakangamwa kutaridza umwe wako kuti unomuda chero zvodii. Kana mapopotedzana mukachemedzana mukaramwirana sadza, rangarira kuudza umwe wako kuti unomuda uye uchamuda kusvika wafa chero hake achikugumbura. Kana akakumbira ruregerero unofanira kumuudza kuti wamuregerera, kwete kumurambira. Kuregerera munhu hazvirevi kuti wakangamwa chinhu chaaita chakugumbura. Zvinoreva kuti zvaita zvakaipa asi waona kuti anzwisisa uye haachazviiti futi. Rudo chinhu chikuru, zvikuru kuvakadyzi mukadzi akasavimba kuti murume anomuda anotanga kudyiwa pamoyo nazvo. So murime Usambokangamwa kutaridza rudo mumba
*⚠️Kana waverenga usaende usina kusiya reaction or emoji❤️💖💗‼️*
❤️
👍
🙏
❤
👀
😂
43