Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
June 12, 2025 at 05:25 PM
Rhapsody Botswana-Zezuru Fri Jun 13 2025 MIRA WAKASIMBA – RAMBA KUTSUKUNYUKA Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi (Isaya 43:2). Unogona kuona uchinetswa nekutambudzwa kumativi ose nokuda kweVhangeri; usaora mwoyo. Zvauri kuita zvine ramangwana. Kubata kwenyu muna Ishe hakusi kushandira mahara; kune chinangwa nekusingaperi. Mwari hawana kubvira vavimbisa kuti zvinhu zvese zvaizofamba zvakanaka pasina matambudziko. Wakatiudza kuti kwaizova nematambudziko, miedzo, nevadzivisi. Asi pakati pazvo zvose, wakativimbisa nezvekuvapo kwavo nekukunda. Rangarira zvataverenga mundima yatavhura nayo; Hawana kutaura kuti kwaisazova nedutu kana moto. Vakavimbisa huvepo hwavo nekukudzivirira mukati mematambudziko. Zvinokubatsira kunzwisisa chikonzero chawanoti, “Zvitorei semufaro wose kana muchipfuura nemumiedzo yakasiyana-siyana” (Jakobho 1:2). Bhaibheri rinotiudza muna Dhanieri 3 nezvaShadraki, Misheki, naAbhedhinego, majaya matatu akamira akasimba mukutenda kwawo kunyange waishorwa zvinotyisa. Nhau yavo inowanzorangarirwa nokuda kwechoto chomwoto nokununurwa kwavo kunoshamisa, asi pakaitika zvakawanda. Vasati vakandwa mumoto, vatarisana nekutongwa, kurambwa kupomerwa nhema. Vakaramba vakashinga mukuvengwa nemukushorwa nokuti vakaramba kuzunguzwa pakutenda kwavo. 2 Vakorinde 4:17 inoti, "Nokuti kutambudzika kwedu kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusingaperi." Saka, pane zvinhu zvaunogona kusangana nazvo, kupinda mazviri, kumirisana nekupikisa kuti urarame hupenyu hwehumwari hwawakapihwa naIshe. Panogona kunge paine mhandu kumativi ese, asi pakati pavo vese, iwe unopfuura mukundi. 2 Timoti 3:12 inoti, "Hongu, navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa." Ari mamuri mukuru pane ari munyika (1 Johani 4:4). Anovimbisa muna Mateo 28:20 (NIV), “...Uye zvirokwazvo ndinemi nguva dzose, kusvikira pakuguma kwenyika.” Tarisa pane ramangwana nepakubwinya kwavo. Ramba kutsauswa nematambudziko enguva pfupi. Iva nechokwadi chekuti, Shoko rawo richakunda muhupenyu hwako, uye mbiri yawo inogara ichiratidzwa mauri. Prayer / Confession Ndinomira ndakasimba mukutenda, zvisinei nematambudziko, wawengi, nokuti ari mukuru anogara mandiri. Shoko renyu rinondikundisa pakuedzwa kwese, uye ndinofamba mukukunda kusingaperi. Ndinotenda nehuvepo hwenyu, kuchengetedzwa neShoko renyu risingakundikani, muZita raJesu. Ameni. Further study 1 Vakorinde 15:57-58; Varoma 8:31-37; 2 Vakorinde 4:17 AMPC 1-year bible reading plan Mabasa Evapostori 4:1-31 & 2 Makoronike 16-19 2-year bible reading plan Ruka 1:26-38 & Dhuteronomi 11 WhatsApp Chanel for rhapsody Translation : https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F
🙏 1

Comments