Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
June 13, 2025 at 06:56 PM
Rhapsody Shona Sat Jun 14 2025 KUVONA ZVINHU MUPFUNGWA KWAKAKOSHA Jakobho akabva atora matavi. Matavi aya akanga ari manyoro. Akaatora pamiti yemhando nhatu. Ndokuasvuura pane dzimwe nzvimbo. Dzichisara dzakachena. Achisiya dzimwe nzvimbo (Genesi 30 ndima 37). Genesi yemakumi matatu kusvika yemakumi matatu neimwe ine nhoroondo yainotipa. Iyi inhoroondo yaJakobo. Nhoroondo iyi inotidzidzisa pamusoro pekuvona zvinhu mupfungwa. Inotitaridza zvatinogona kuita kana tikavona zvinhu mupfungwa dzedu kudai. Apa Jakobo akanga ari kushandira Rabhani. Rabhani uyu akanga avimbisa kumubhadhara nemombe. Asi Rabhani akaramba achitapudza mubhadharo uyu. Achibira Jakobo. Jakobo akazobatsirwa naMwari. Akagona kuwana mubhadharo wake uyu. Akagona kuuwana wakakwana. Jakobo akatora matavi. Akatora matavi aya pamhando nhatu dzemiti. Akabva asvuura dzimwe nzvimbo dzematavi aya. Saka matavi acho akasara ava nemakwapa machena. Jakobo akatora matavi aya. Ndokuaisa painwira zvipfuwo mvura. Zvipfuwo zvaizouya panzvimbo apa. Zvobva zvakwirana zvakatarisa matavi aya. Zvaibva zvazvara mhuru dzine mavara. Mhuru dzerudzi urwu ndidzo dzaifanira kutorwa naJakobo. Jakobo akazopedzisira asisafaniri kushandisa matavi aya. Akanga ava kungotora mhuru dzaiva nemakwapa dziya. Odziisa pamberi pemombe dzakasimba dzacho. Mombe dziya dzaibva dzazvara vana vane makwapa. Apa Jakobo akanga ari kushandisa meso epfungwa dzake. Zvaunovona mupfungwa dzako ndizvo zvinoitika. Saka Jakobo aiisa matavi aya pamberi pemombe dzakasimba. Aidziisira padzinenge dziri kukwirana. Aida kuti pfungwa dzake dzivone mombe idzi dzichizvara vana vaiva nemavara. Mombe dzacho dzakanga dzisina mavara. Asi aida kuti dzizvare mhuru dzine mavara. Jakobo aisaisa matavi aya pamberi pemombe dzakaondoroka. Idzi aidzirega dzichibereka mhuru dzisina makwapa. Dzisina makwapa ndidzo dzaifanira kupiwa Rabhani. Saka danga raJakobo rakatanga kukura. Uye rakanga rakazara nemombe dzakasimba. Asi danga raRabhani rakasara riri doko. Rakazara mombe dzakaondoroka. Mwari ndivo vakanga vapa Jakobo zano iri. Iro zano rekuisa matavi aya pamberi pemombe. Ngirozi yakatomuzivisavo nezvezano racho. Izvi ndizvo zvatinovona muna Genesi yemakumi matatu neimwe ndima yegumi nembiri. Inoti, “Tarira uvone. Nhongo dzose dziri kukwira hadzi idzo. Dzimwe dzine manyerekete. Dzimwe dzine mitsetse. Dzimwe dzine makwapa….” Izvi zvakakosha chose. Iwe unogona kuisa pfungwa dzako pazvinhu zvaunoshuvira. Izvi zvinobva zvakuwanisa zvinhu zvacho. Saka unogona kushandisa Shoko raMwari. Uchibatsirwa naMweya Mutsvene. Wobva wasika zvaunoshuva chaizvo. Hareruya! Prayer / Confession Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kuvona zvinhu mupfungwa dzangu. Ndichibva ndashandisa Shoko raMwari. Ndichigadzira ramangwana randinoshuvira. Saka ndinoshandisa pfungwa dzangu. Ndichifemerwa naMweya Mutsvene. Ndichironga hupenyu hwangu. Ndichiita kuti huwirirane nezvamakaronga imi. Saka ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Fuma yangu ichiwedzera kuwanda. Simba rangu rawedzerwa. Saka ndava kugona kugadzirisa nyika yangu. Ndichirarama hupenyu hwamakandirongera chaihwo. Muzita raJesu. Ameni. Further study Genesi 13:14-17; Habakuki 2:2; VaEfeso 3:20 1-year bible reading plan Mabasa Avapostora4:32-5:1-11 & 2 Makoronike 20-22 2-year bible reading plan Ruka 1:39-56 & Deuteronomio 12 WhatsApp Chanel for rhapsody Translation : https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F

Comments