
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
June 13, 2025 at 06:58 PM
Rhapsody Light-Shona
Sat Jun 14 2025
SIMBA REVHIZHENI NESIMBA ROKUFUNGIDZIRA
Zvino Jakobho akatora matanda o m u s i t o r a k i s i , n o o m u a m a n d a , noomupurani, akasvuura mitaro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari… (Genesisi 30:37).
Nyaya yaJakobho muna Genesisi 30 na 31 chiratidzo chinonakidza chesimba revhizheni nesimba rokufungidzira. Apo Jakobho akabvuma kushandira Rabhani, akapromiswa mombe somubhadharo. Zvisinei, Rabhani akachinja mutemo ndokubirira Jakobho. Asi Jakobho, kuburikidza nehuchenjeri hwoMweya nestrateji yokusika, akashandura mamiriro ezvinhu.
Jakobho akatora matanda omusitorakisi, noomuamanda, noomupurani, akasviura mitauro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari. Iye akaisa matanda aya muzvinwiro umo maiuya zvipfuwo zvichizonwa. Apo zvipfuwa zvakasangana pamberi pematanda, zvakabereka zvibereko chaizvo zvaidiwa naJakobho. Nekufamba kwenguva, Jakobho ainge asisade matanda. Iye akaparadzanisa zvipfuyo zvidiki, zvine mavara nemakwapa pamberi pemombe dzakasimba. Nokuita izvi, Iye akasika vhizheni yezvipfuyo, uye zvakabereka zvaienderana nezvadzakaona.
Nzira yaJakobho yaive chiratidzo chesimba rokusika revhizheni. Iye akashandisa kugona kwake kufungidzira kuunza rizauti. Apo mombe dzakasimba dzakabata zamu, Jakobho akaisa matanda mberi kwadzo, kuitira kuti dzibereke zvibereko zvakasimba uye zvakanaka. Kana mombe dzainge dzakaonda aisaisa matanda, saka dzaive dzisina simba dzaive dzaRabhani.
Nekufamba kwenguva, zvipfuwo zvaJakobho zvakave nesimba uye zvakawanda, asi zvaRabhani zvakaramba zvisina simba. Budiriro yaJakobho yaive revharesheni yoMweya. Muchiroto akaona nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa. Uye ngirozi yakasimbisa vhizheni iyi, ichiti Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara…" (Genesisi 31:12c NKJV).
Zvakakosha sei izvi! Une simba rokusika ramangwana raunoda nokufokasa pane zvaunoda kuona. Sika vhizheni yaunoda nepfungwa dzako. Kuburikidza neShoko nesimba roMweya Mutsvene rinoshanda mauri, unokwanisa kusika nokushepa chokwadi chako panyama. Hareruya!
Prayer / Confession
Baba vanodiwa, ndinokutendai nokundipa simba rokugona kuona nokusika ramangwana randinoda kuburikidza nesimba revhizheni uye nokuda kweShoko renyu. Apo ndinoshandisa simba rangu rekufungidzira, ndichikurudzirwa noMweya wenyu, ndinovaka upenyu hwangu zvinoenderana nechinangwa chehumwari hwenyu, nukukunda nekukura munzira dzose. Ndinosimbiswa kubatsira nyika yangu nokuzadzisa dhestini yangu, muZita raJesu. Ameni.
Further study
Genesisi 13:14-17; Habhakuki 2:2; VaEfeso 3:20
1-year bible reading plan
Mabasa 4:32-5:1-11 & 2 Makoronike 20-22
2-year bible reading plan
Ruka 1:39-56 & Dhuteronomi 12
WhatsApp Chanel for rhapsody Translation :
https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F