
Tete Tilda ¢ Bhozhongora Live Zim 🇿🇼 home remedies, Secrets & Confe$$!on$,News
June 12, 2025 at 07:58 AM
Hie Admin, ini ndakakura ndichichengetwa nasekuru baba vanozvara amai vangu. Nekufamba kwenguwa mai vangu vakazofa. Nambuya vanozvara mai ndobva vafawo. Sekuru ndokuroora step gogo vakaita vechidiki ummm mukadzi ayive nehutsinye iyeye kwete zvekumbotamba dobo umm. Nanhasi ndinoti ndakangoona uso hwake haaa ndinoita kuzvimba mumoyo nehasha. Ayitinyima chikafu uku achitishandisa sedhongi chairo. Zvipfeko chaizvo taiita zvekukumurirwawo nevamwe iye otora ipa hama dzake ne mwana wake waakasiya kuna mai vake. Sipo chaiyo nemafuta ekuzora taitopiwawo nevamwe tichiviga muchikwenzi tozozora tave kuenda kuchikoro😭😭😭. Sekuru vaishanda vachitotumira mari yezvose zvekuxool mabook uniforms etc..bt hapana chataitengerwa naye. Mateacher kuxool akange ave kutoziva situation yedu kuti yakamira sei. Saka taiti kana nguwa dzelunch dzasvika taitonzi chiendai henyu kumaricho enyu. Taiita maricho ekusakura mumunda mevanhu kuti tione mabook nezvose zvinodiwa kuxool. Kana vamwe vabuda kuxool taitomhanyawo kuenda kumba bcoz ukazosvikq vamwe vadarika wairira ukachitaura chatadzisa imbwa kuseka kunyenama ichigona. Ma underwear chaiwo ayitorwa navo step gogo ivavo vachipfeka kana vari kunguwa vopedza vosiya akadero havaisaiwacha svina yavo😭😭 mkadzi iyeye akatibata rough imwe isingafe yakapera mumoyo mangu shem.. taiwashiswa manapukeni kusvika maoko asvuuku zvichinzi haana kuchena. Ndakazvika pakumhanyira kunoroora ndichangopedza grade seven. Nekutoona kuti hupenyu hwachioma wesi sezvo sekuru vangu vaye vakazofa. Ndopandakati zvazvaidai sekuru vachivapenyu aaah kuzoti zvavachizorora kudai ummm zvakaoma. Ndaimbopota ndichinyararidzwa nenziyo ya killer T iya yokuti hupenyu hwenherera handina kana wekuchemera mizodzi pamatama yoyerera😭. Vanin,ina vamai vangu vaivepo bt hapana kana ayive nehanya nesu. Asi nhasi ndaroorwawo ndane musha mwari akandibvisawo muhurombe, ikozvino vana mainini vaye ndopavave kundida zvisingaiti😭. Handingazvipedzi zvose bt iiii zvinhu zvinondirwadza mumoyo mangu shem 😢 💔. Sorry nekurebesa. Muvhunzo ndewekuti ndovaudza here zviri mumoyo mangu. Kana kuti ndongosiyana nazvo......
https://whatsapp.com/channel/0029VaIKglG8V0tfLJWjcE3a
😢
👍
🙏
❤️
😮
82