Tete Tilda ¢ Bhozhongora   Live Zim 🇿🇼  home remedies, Secrets & Confe$$!on$,News
Tete Tilda ¢ Bhozhongora Live Zim 🇿🇼 home remedies, Secrets & Confe$$!on$,News
June 13, 2025 at 08:16 AM
Hie Admin chitupa vigai. ndiri mukadzi anemakore 27 akuberekwa. Pakashaya amai vangu 2023 vakashaikira kuSA vakazochemerwa kuno kuZim nhamo yakaita 7dys takamirira body hama dzamai dzakazouya day4 munhu ashaya ende pandakafonerawo sekuru hanzvadzi yavo kuti mai vashaika vakangondipindura one word *aah zvinowanika mzaya* ndobva vakata havo apo aive manheru kuseni ndakati regai ndifone futi pamwe Havana kundinzwa mushe vakataura mashoko mamwe chete hama dzangu dzekwababa ndodzaiva neni kubva pandakagamuchira shoko vachizouya sekuru vaye nedzimwe hama dzaamai ndopakatangira nyaya dzese vakandideedza musi wavasvika kwakunditi eeeh toda list repakaroorwa amai vako plus kwakasara mombe yehumai"ndikati aaah koini ndoriwanepi mai vakaroorwa 1991 or 92 vakazochata 1997 anditozvizive ini ndaive ndisati ndazvarwa ko munhu anozochatasei iye asina kubvisirwa zvkanzi hoo tichaona paachauya kuti monomuviga here zuva remangwana murume wangu akanotenga mbudzi yekuti vanhu vawane muriwo kwakutenga gotora maihweeeeee☹️haaa vakapengasei madii kutsvaga hadzi itoripai kwakutengeswa huku 2 dzekuripa kwakunzi ya mbudzi iyoyo ndeyedu nekuti ihama yedu yafa ende shuwa vakadya vega vakadzi vavo vakabva vatoita choto Chavo kwakutanga kubika vega mari yechema yaibviswa sekuru vaibva vaisa Pahomwe.body ichizosvika day7 takanga tanwa nemashoko veduwe muzuva ramangwana kuseni tave kuda kunoradzika amai zvikanzi hapana kwaari kuenda tipei mari kuti body ibude mumba plus mombe yehumai zvisinei hama dzanguwo dzakabva dzavati hombe tinadzo handei kumusha tinokupai zvikanzi ya ko mari? kwakuzopihwa mari kuti body ibude kuenda kunoradzikwa asi zvanga zvisiri nyore veduwe pain yekufirwa anamai 💔wobva watanga kuitwa rough nevataifunga kuti vachamiranesu ende kubva zuva ratakafusira mai atina kuzomboona kana hama imwechete haya yekwaamai yakazombouyawo kuzotiona.... https://whatsapp.com/channel/0029VaIKglG8V0tfLJWjcE3a
😢 😮 ❤️ 😂 🙏 62

Comments