
💑MARRIAGE TIPS, HEALTH AND BUSINESS ADVICES 💞💃
June 13, 2025 at 10:07 AM
*Muroora*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGhjo07tkjCfXdy322U
Muroora uchipinda mumusha mevanhu unotanga nokuziva tsika dzekwavaroorwa. Haubve netsika dzekwenyu kunoisa mumusha mevanhu.
Muroora uchingoroorwa hauchatenderwe kutaura nemax ako pangave paphone kana pameso.
Muroora uchiroorwa ibva watotanga kutsvagawo tumidziyo twako.
Muroora ndiwe muyananisi ndiwe muridzi wenyaya. Kana ukaroorwa mumusha mune mhirizhonga usasvike nokutora divi zviri nani kunyarara kana kuyananisa.
Muroora uchisvika mumusha mevanhu vamwe vachakufarira vamwe vachakuvenga. Amwene ndiamwene muvengane sei ndiwe mudiki zvipete zvidzore.
Muroora tsika nehunhu ndizvo zvakaita kuti uroorwe nokudaro ngazvisachinja nokuti waroorwa.
Muroora kana waroorwa chirega kushora avo vasina kuroorwa. Nokuti hauzivi kuti mangwana kwako zvinopererepi.
Patsika dzedu Muroora uchiroorwa muroora wese anofanira kuve nekitchen yake kumusha.
Muroora chaiye tinomuona nokusununguka kana waroorwa watokura. Ita zvinoita kuti unzi amai nhingi avo. Mapfekero kamutairiro ngazvitaridze musiyano nezvinoitwa neuyo asati aroorwa.
Muroora uchingoroorwa chirega kutamba nevasati varoorwa tamba nevakaroorwa uchipihwawo mazano pfungwa dzikure
🙏
❤️
👍
❤
👏
🤌
19