Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 7, 2025 at 02:26 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p 💝🌹 *NDANA... MY LOVE💅🏽* 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 *A Collaboration written by* *Sabz aka Shamiso* 💋 📲0772110988 And *Enn Medic aka Mai Kuu*💞 📲 0773979100 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 *Based on a true story* *Chapter 11* *Mbuya Mujeni* Ummm mukadzi wa Takudzwa anga ari error chaiyo ummm handizozive zvangu but murererwo wacho zvakaoma. Ndakazotenda ndaona Ndana kuti kune vanhu vasingagone kusuka ndiro chaiyo.... nguva yese pandaizvinzwa ndaizviramba ini kuti munhu angatadze kusuka ndiro but hey ndanga ndazvionera nemaziso angu aya maviri.... Kutaura chokwadi pamberi pamwari muroora wangu ndaimuda... kubva zvakauya Takudzwa naye vachiwonekera moyo wangu wakangomufarira so and ndaidawo zvakanaka pana Taku and Taku ndopese paiva nemoyo wangu. Mumhuri mese kune mwana anoenda pedyo nemoyo... vana vangu ndaivada wose asi Taku aiva pedyo not because ndiye aiwana asi kuti ndaingomuda chete... Zvaiva zvakuitika pamba paTakudzwa ndakaona zviri nani tidzokere zvedu kumusha baba vainoporera ikoko. Hatingati taibatwa rough zvedu but Ndana munhu aingova nehusimbe ndakamboda kufunga kuti pamwe imimba but semunhu ati kurei ndakatoona kuti isimbe. Handingashore vamukurungai vangu ndaa ivo vaishanda but hameno kuti why Ndana anga akadero... Me "Taku nyaya yangu wainzwa ka tati unotiperekedza rinhi" Him " Mhamha imbogarai kani weduwe baba havasati vanyatsakupora ava" Me " Aiwa hatidi kuramba tichitaura nyaya iyi Takudzwa uyu muroora anodawo freedom pamba pake... isuwo tagarisa" Him " Ok Mhamha ndinofunga kuti weekend ndopatinokwanisa ndaida kumboitawo weekend kumusha saka Ndana anoita off weekend" Me " Aaah mazvinetserei mwanangu pamwe Ndana haadi kuenda zvake kumusha" Him " Achirambirei Mhamha zvine sarudzo here izvozvo mukamutevedzera Ndana anotopedza gore asina kukutsika hameno kahunhu kaanako mazuvaano" Me " Aiwa mwanangu hazvinzwarwo ziva kuti kwatinobva kwakasiyana uye takarerwa nevanhu vakasiyana umwe akarerwa na Gogo mumwe naMhamha umwe nevabereki vasiri vake saka unoda kuita moyo murefu mwanangu" Akaratidza kutambudzika nemashoko angu but ndaisada kuputsa imba yaTakudzwa na Ndanatsei nezvinhu zvisina basa... Him " Ndazvinzwwa Mhamha saka ndichamunzwa kuti anoti chii Ndana wacho" Me " Very good mwanangu" Ndana kana panoti mamukasei kana maswera sei aisatogona tisu taitopinda busy kuti waswera sei otobata muromo zvake kunyara zvakaoma.. *Takudzwa* Handina zvangu kuda kunetsana na Ndana ndakangosiya in no time we were back home. Musi uyu ndakatoshama kumuona achiswedza vana Mhamha na Daddy like she always says I forgot..... ndakatoti Tale aita zvake basa... Ndakazosara ndakutaura naMhamha Ndana aenda kunorara. Vanga vazvipira kuenda kumba kwavo. Pane zvandakaona zvangu Pana Mhamha she loved Ndana zvisingaite. Ndakangovati ndaizoenda navo weekend... Ndakapinda mubedroom kwakutanga kubata munhu wangu anga arara zvake zvimwe angakurambira achiti ndaneta but pabonde aisaramba these days ndaitoita zvekusara ndagutiswa... The following morning ndakagaya kuti ndiudze Ndana about trip yeweekend the last time she complained nenyaya yekusaudzwa pane time so today was Sunday and time was there to prepare... Me " Babie vana Mhamha are going back this weekend" Her " Ooh ok" Me " Yes so wanted us timboenda kumusha patova perekedza" Akamboita zii kwakuti "Will confirm ndakambonzwa my boss vachiti he wants to change shifts ndiende he Saturday" Ndakatoziva kuti kunyepa but haambondi... anyway kuenda tanga tiri kuenda hedu. I got out of bed and bathed ndaida kuenda kuChurch. Ndakadzoka ndikawana ari pa App... Me " Aren't you going kuChurch??" Her " I am feeling a little tired enda zvako" Me " Ok cool saka ndiwane wabika sadza plus don't forget kupa vana mudhara chikafu na 10am vanoda kunwa mapills avo" Her " Ok just tell Beau anobika" Me " Actually Beau ndiri kuda kumutuma mutown pane envelope yekubasa iri kuda kupihwa munhu so I don't know anosvika what time" Akabva akanda phone pasi kwakumuka.. . Her " I think I should go kuChurch maybe I need the Pastor to pray for me" Handina kutaura zvangu akangonanga kubathroom. I went kuKitchen kwakuraira zvangu Beau kuti azobude kuenda mutown kunotambidza munhu envelop yaiva nemadocuments aidiwa. She had to go pa Mega watt omirira munhu wacho pafoyer Ndana akabuda akachena zvake kwakugara patable nekuisirwa cereal na Beauty. She didn't take long she was done. Ndakabva ndamuti hande... Akatora her hand bag kwakufamba kubuda ndatove kumota ndopandakamuti Me "Handina kumbokunzwa uchiraira Beauty wani I mean zvaachabika and all for vana Mhamha Her " I forgot don't worry I will app her" Me " And are you also going to App ma good morning kunana Mhamha Akamboita zii zvake kwakuzoti " Taku ndiwe wanditi hande I was going there but wandimhanyisa" Me " Babie but you could have done that kare usati wadya izvozvi wakubuda no good morning no nothing and what do you expect them to do... ( _Ndakamutsa zvangu mota kwakutotanga kudriver on our way to church ndichitaura_) kwandiri it seems hausi kuziva role yako semukadzi wangu ne role ya Beau... maybe takamhanya kudeedza Beauty what do you think" Akamboita zii zvekare kwakuzoti... "I am sorry Taku" Handina zvangu kuzotaura. Haa Ndana imwe behaviour so yanga yakundimara chaizvo I really wondered what really was wrong with her chokwadi. Her attitude was just wrong. Munoziva at times unombofunga kuti asi pandakaroora ndakachinjirwa mukadzi here. Dai aiva ne Twin ndaitoti shuwa this was not my girl. Takasvika kuChurch she was on WhatsApp zvake. Ndakatoita wekuudza kuti tasvika we got in and got seats kumberi ikoko. I wad very active kana ndasvika kuChurch I loved doing God's work unlike Ndana yes Mwari aimuda but aiva relaxed... Patakapedza service Pastor Zizhou called us ku office kwavo... Pastor " Makadini baba na Mai Mujeni" Me " Mufundisi isu tinofara makadini zvenyu Pastor " We are well thank you... eeeh Mai Mujeni how is the new house" She looked at me Her "Ndizvowo mufundisi" Pastor " Ummm ndizvovo asi Taku uri kunetsa mwana here iwewe" My Pastor was really close to me apparently ndovaive Mufundisi wangu wakandichatisa.... Me " Aah kana kungodaira uku hanty ka sweety" Her " Kkkk everything is well Pastor" Pastor " I am happy.. right firstly I would like to apologise nekusasvika kumba up till now we were out on missionary work and patakadzoka ndopanga pane ma crusade aya zvekuti tiri kuda kutouya kuzoona baba please forgive us" Me " Its ok Pastor. You were praying for us over the phone ndochikuru baba cave nani zvavo ava Him " Better we thank God for healing. But tiri kuuya this week. Now secondly... There are proposals for you to serve Elders but report yandakapihwa off late was Mai havasi kubatika muzvinhu zvekuchurch." It was true that she wasn't involved but chi elder ndaichida zvangu ko ibasa ramwari ka. Me " I am sorry Pastor vari kuita challenge yepamuviri pavo so she hasn't been coming.... I think we have heard and we will improve" Pastor " Thank you Takudzwa zvinhu zvekwa Mwari zvinoda kutokurudzirana mumba menyu I am glad you acknowledge so for now you will remain Deacons pa next quarter tozoona kuti toita zvipi." Me " Thank you Pastor" Ndakabuda ndatogumbuka zvangu. All my friends were now Elders ini ndichingonzi Deacon. We got into the car kwakunanga kumba... Takasvika kumba atorara zvake kwakumumutsa takapinda mumba tikasweresa vana Mhamha... We went and changed our clothes iye achibva arara pabed Me "Ko zvaunenge warara wanhi" Her " I am feeling tired Taku apa mangwana kubasa iiish" Me " Babie ko wadii kungouya kulounge tingotaure nana Mhamha you can sit kana pafloor tichitandara zvedu pane kugara muno" Her " Taku ndati ndaneta shaa and handina nyaya dzacho dzekutaura anyway" Ndakambomirazvangu kwakubuda zva Ndana🙌🏽 Love you all😘 End of Chapter 11
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 😕 🙌 🤣 103

Comments