
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 ๐ฟ๐ผ
June 7, 2025 at 06:38 PM
๐๐น *NDANA... MY LOVE๐
๐ฝ*
๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น
*A Collaboration written by*
*Sabz aka Shamiso* ๐
๐ฒ0772110988
And
*Enn Medic aka Mai Kuu*๐
๐ฒ 0773979100
๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น
*Based on a true story*
*Chapter 12*
*Takudzwa*
Week rakafamba Ndana ndichitoita wekufungidzisa daily ndisati ndabuda kuti wamutsa ana mhamha here. Handizive kuti ihanganwa here kana kuti kwakuri kusatoda chaiko
Thursday ndakanotenga magroceries ekuti vana mhamha vaende navo. Ndakatenga in cartons because ndaiziva kuti zvaigona kuzotora nguva refu pasina aendako futi
Ndakazotenga necake. Nxt week yacho rariri birthday ramhamha. Ndakatsvaga fruit cake rinolaster risati rashata. Ndakarongedza zvinhu zvangu kwakuenda kumba
Ndakasvika ndikatambirwa namainini Beau. Ndivo vaiburitsa zvinhu mumota vachiisa mumba. Ini ndakabuda ndakabata cake kwakupinda mumba. Ndana anga akarara pasofa zvake achiona marepeat series epazee world
Akasekerera zvekuti paakandiona ndichipinda
Her:hes hun
Me:hes bae waswera sei
Her:ndaswera zvangu. Thanks for bringing me a cake. I was actually craving for it
Me:kodai watauraka this one nderana mhamha. Nxt week ndopane birthday ramhamha . I wanted to celebrate navo kuno manje vaita nharo hanzi takuenda saka ndangofunga kuvatengera
Her:you can always buy another one
Me: Ndana this one is a fruit cake because richanogara haridyiwe ne1 day. And ndatorinyoresa zita ravo. Tomoro ndokutsvagira rako and plus mangwana wacho get an off because tinosimuka after ndapedza basa
Her:handifungi kuti ndokwanisa kuenda ini. Boss vangu vaiti hazviite kuti nditore off tiri short staffed
Me:i was actually thinking kuti kubasa kwako kuri kukustrainer. Maworking hours acho are too much plus mashifts as well hazvisi kundiitira. Now they cant give you off. I think you need to leave that job
_Ndana thinking_
_Hmmmm kusiya basa not now. I still want that job. Kukumbira off ndandisina zvangu but ndandisiri kuda zvekuenda kumusha_
Her: let me call boss vangu i think ndikavaudza kuti my husband is not happy anobvuma
Me:let me know kuti atii
Ndakapinda mumba kwakunosweresa vana mhamha. Ndakabva ndavaudza kuti tinosimuka following day ndabva kubasa
Takurara i noticed kuti Ndana anga ari moody. I think inyaya yekuenda kumusha yanga yamutsamwisa. Ndakangosiyawo zvakadaro kwakurara
Following day ndakasvika kubasa ndikawana mapayslip auya. To my surprise overtime yandakashanda yanga isipo. Ndakangotora payslip yangu kwakunanga ku human resources. Ndakawana muine a new lady. Ndandisati ndambomuona kubva zvandatanga kushanda pabasa apa
Me:morning
Her:morning how are you sir
Me:good. Ndinonzi Takudzwa Mujeni from engeenering department. Ndiri kudawo assistance.
Her:murikuda assistance yechii sir
Ndakamutambidza payslip yangu. Ndichangomupa makabva mapinda this other guy wandaiziva
Me:hey man. Long time. Watitsika kuno obvious une chichemo. Haungouye uye kuno ndinokuziva
Me:komunenge muchida kuti nditange ndauya kuno kuti mundipe mari yangu yandakashandira here
Him:ko hindava
Me:papayslip pangu hapana kuiswa overtime
Him:let me see
Akadaro achitora payslip iya
Him: aaa sorry Mr Mujeni. Muchaneta kindly pull file reovertime utarise madays avakashanda
Me:ok saka muri kusara muchindiitira here
Him:yaa we have a new hr cleck anonzi Muchaneta. Ndiye achakuitirai baba dont worry. Kana apedza achatoita zvekukunyorerai voucher monotora kubanking hall kwedu because hatikwanise kurunner mari yemunhu one papayroll
Me:oh thank you. Saka ndokuonai
Ndakabuda kwakuenda zvangu kubasa. Ndakashanda zuva rese kwakuzobuda na3. Ndandakunogadzirira kuenda kumusha
Ndakafonera Ndana akati azopihwa off saka atove kumba. Ndakasvika vese vatopedza kugadzirira. Mainini tatichienda navo. Ndaiitira kuti vazopota vachisukawo. Wangu Ndana ndaiziva kuti haana chaainobata ikoko. Ndakasweresa vese kwakunochinja. Ndana as usual anga ari glued patv watching zee world
Me: mainini vanhu vatopedza kudya here
Her:ehe
Me:mavabikira sadza here. Kwatiri kuenda kure patinozosvika it wil be late.
Her:ndavaisira mascones nedrink
Me:mainini munomboitawo kunge mwana mudiki. Mungape vanhu vakuru mascone here
Her:sisi vati ndivape mascones
Me:kurumidzai zvenyu kubika sadza. Munoda kuudzwa zvinhu zviri simple kudaro here
Ndakaenda kwakuina Ndana
Me:nhai Ndana shuwa vanhu vari kuda kufamba rwendo rurefu kudaro movapa mascone
Her: hmmm hun. Thought tinombodyawo out on our way. Was thinking kuti we are going to spoil them on our way iwe wakutoita issue
Me:if thats the case then no problem. Unogara watauraka.Udza mainini vachirega zvavo kubika.
Ndakaenda kuguest room kwakutakura mabag ana mhamha kuisa mumota.
Me:mainini Beau musakanganwe cake
Her: ok
Tese takapinda mumota kwakubuda kuenda. Ndakamira pafood court yepamasasa kwakutenga chikafu.
Ndopandakafunga kuti handina kuona kupinda kwecake mumota
Ndakadaidza maini Beau vasati vaisa chikafu mumota
Me:komaini cake riya mariisa papi
Her:silent
Me:kohamupindure here mainini. Cake mariisa pai
Her: rasara
Me:ko rasarirei
Vakaramba vakanyarara misodzi yanga yakutodonha
Me:komainini ndataura zvinochemedza here apa inga ndiri kubvunza zvakanaka wani
Her: sisi vati ndirisiye
Me:nekuti
Her: havana kutaura
Kana ndakambobhoikana apa ndakabhoikana kwete zvekutamba. Ndakatora time ndakamira mufood court. Ndana kahunhu kekunyima hameno kuti anga akawanepi shuwa. Angabva aita semunhu akakura achitambura kudaro. Manje iro cake ndoraitozoenda kumusha. Kuti ndive zvandiri vabereki vangu ivava
Ndakabudamo kwakunopinda mutown. Ndakaita u turn kwakudzokera kwatabva. Ndana akamboda kundibvunza kuti kozvazvipi but ndandisina mashoko ekutaura naye in front of my parents. Taizotaurirana tatega
Ndakasvika pagate kwakuburuka ndakakinura gate kwakuudza mainini kuti vamhanye kunotora cake. Vakauya naro kwakuisa mumota kwakutangisa zvedu rwendo rwedu rwekuenda kwamutare
Takaenda ndichikurukura zvangu namhamha namudhara. Ndana akangoita nguva diki ari pawhatsapp kwakutokotsira. Avawo mainini vanga vakotsira
Takasvika pamusha midnight chaiyo. Takaburuka kwakunorara. Zvizhinji taizozviona kwachena. Ndana was moody anga asiri kutombotaura zvake
Kuseni ndakamutsa Ndana kuti abatsirewo Beau basa
Her:babe ndichiri nehope hanti takanonoka kusvika here
Me:ehe unozorara wapedza
Her:ko Beau hanti anoita here
Me:hazvipe picture yakanaka kuti aite ega
Akatora time yake zvake kwakuzomuka. Mhamha na mainini Beau vanga vatomuka kare. Vanga vakuda kuenda kumvura kuchibhorani.
Mhamha:mamuka sei mai Mujeni
Ndana:ndamuka zvangu mhamha mamukawo sei
Mhamha:ndamuka zvangu. Kowazvinetserei nekumuka. Dai wambozorora zvako
Ndana:haa ndatomuka regai ndikubikirei breakfast imi muchienda zvenyu kumvura
Mhamha:hapana chakaipa muroora.
Ndana:pane mvura here pamoto ndoda kutanga ndageza.
Mhamha:ehe iripo muroora. Rega ndikuisire ugeze
Ndana akapinda mumba kwakutora towel nesipo kwakubuda. Ndakaona vadungamidzana mhamha vakamutakurira bucket remvura iye ari kumashure.
Takazobikirwa tea tikanwa. Beauty akasuka tikaswera zvedu tichitandara. Baba vakatiti batai mbudzi tiwane muriwo wekutakura
Zvese zvekusvina matumbu Ndana aingoti ari kusemeswa. Sadza remanheru rakabikwa nezvinyenze mumwe wangu akaramba. Ini i really enjoyed mu supper.
Takagadzirira kudzokera mangwana acho sunday. Mhamha vakarongedza nyemba mufushwa mbambaira. Ndakavasiya vachirongedza because i knew kuti Beau ariko aizondibikira otherwise naNdana zvaisvika pakuora
Sunday takarova road takananga kwedu. Ndana was complaing kuti ane nzara chikafu chese haana kuchikwanisa chaive kumusha. Ndakapinda mamutare kwakumutengera pizza ndokubva tazoenderera nerwendo rwedu...
Lots of love๐
End of chapter 12
โค๏ธ
๐
๐
๐
โค
๐ข
๐ฎ
๐
๐ฅ
๐
86