
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 10, 2025 at 03:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
*COLOURS OF LOVE*
A Story Written by..
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
_1 November 2022_
Chapter 1
"Asi kana paine munhu one wandino bigger ndiwe Metabel handisati ndakamboona hushingi hunenge hwako. You are a cut about the rest my friend ramba wakadaro chokwadi"
"It's not by mighty shamwari its God's grace and ndinotonetawo but hapana yekutamba"
"Asi Mwari achakunzwa rimwe zuva ramba wakadaro. I know God.. nezvese zvaunoitira amai vako ne vanini'na wako you will be a great person Metabel believe me."
"Thank you so much Tino i appreciate. Thank you. I believe so too"
" Chiregedza ndiende ndisati ndatukwa na Gogo vangu I guess unovaziva zvavanoita.
"Kkkk it's ok Tino waita basa nekundibatsira kutakura mvura hameno ndaipedza nguvai
"Unotendeiko shamwari. Rega ndimhanye"
We hugged. And said goodbye kwakuparadzana ndakuenda kumba iye achiendawo kwavo... Tino anga andibatsira kuchera mvura ma buckets ne zvigubhu zvandaiva nazvo zvanga zvakawandisa but she chose kusiya zvaaiita kuti azondibatsira...
Life wasn't fair if you want to hear from me. It really wasn't at all....
Recap...
I had grown up mu village medu muSagambe kuHonde Valley . Mu family medu we were 3 me as the first born and my two young sisters Melody na Melenia... My mother was blind not that she was born blind but I strongly believe that something happened to her. My father was a promiscuous man and vaidhakwa foshoro zvisingabatsire. We tolerated our father though he didn't take care of us. Vaigaroti unozvara vana vasikana vanondipei ivavo. Vaiva builder vaivaka dzimba nekuchera migodhi but vapedza vaibva vanodhakwa zvavo. Ukaona vaita mazuva vasingauye kumba vobva waziva kuti vari kufara zvavo and madays iwayo vanenge vane mari. Kuti tidye tiende kuchikoro vaiva mhamha vedu vainotengesa ma banana ku Hauna but ndokwega kwavaibvumirwa kuenda otherwise vaitotumira ne vamwe ku Harare. But munongoziva zvekutumira hakuna chisvinu chinonyatsouya. But we thank God from the little she got we managed to survive.
When Mhamha became blind that's when life turned worse daddy married another woman Mainini vedu varipo izvozvi. Daddy completely neglected us and I had to drop out of school so as to look after mhamha and my siblings....
My name is Metabel Chirobo ndiri musikana anemakore 16 ekuberekwa. Like I said chikoro ndaiva ndasiya and I was hustling to bring food on the table for my mother and two sisters.... Life wasn't easy taigara mu kitchen yaiva kitchen yamai vangu yavakavaka. Imomo ndimo matairara nekubikira zvekare. Yes we used to stay muimba yaiva yakavakwa na baba but when he married mainini takanzi endai munogara na mai venyu mukamba kavo. Life wasn't like this zvaiva nani ndichitokwanisa kuenda kuchikoro nevamwe asi mhamha vakazorwara vakaita bofu from there the hands that fed us had seized and it only meant that I was the only one who had to look after Mai vangu ne vanini'na vangu. Melody anga ane 12years and Melania aine 5years... Dzimwe nguva taishaya chekudya torarira porridge risina kana sugar dzimwe nguva taibika riri sadza toseva mumvura ine salt ndowaive hupenyu.
I was a big girl interms of body both vabereki vangu vanga vari vanhu vahombe. Ukasaudzwa kuti ndine 16 waigona kufunga kuti pamwe am 20 or 21.
Zvinoita hama so zvakaoma. Hama dzamai vangu dzaigara ku Mozambique and the family vaiita zvema rituals zvekuti kuita bofu kwa Mhamha vakati vaitiswa na Daddy ne mukadzi vavo so they had to rectify it. One of my mother's brothers akamboda kutora mhamha pamashure apo but vaida kuti vatisiye ivo voenda ne hama yavo mhamha vakazviramba.
"Iye Tino anoshaya zvekuita handiti... handina kukuti handidi kuona muzukuru waGogo Machinga achibata zvinhu zvangu here iwewe
Me " haana kubata enyu Mainini.
" Pwititi pwatata kudini. Manje iyi mvura ndiri kutorasa uri kuzonochera imwe uri kundinzwa Metabel!!!
Vakabva vatanga kubheura mabucket aya pachiwanze zvehutsinye chaizvo. Uku vachipopota. I was pained chokwadi nekwandinocherera mvura munhu oita zvekudai here.
" Kurumidza zvako handidi zvisina basa mvura iyoyo ndoda kuishandisa manheru ano.
Ndakangotora ma bucket aya kwakuenda navo kumba ndaida kutanga ndabikira Mai vangu ne vanini'na vangu ndozonochera mvura yacho.
Ndakasviko tanga kubika chikafu at least Melo anga asanogadzira moto. Anga akugonawo muninina wangu. We had our supper that day takadya ne maveggie ne matemba andaiva ndapihwa na Tino mukabepa
" Sisi Metabel honai Mele madyire aari kuita...
Ndakaseka
Mhamha " Ari kudiiko Melenia wangu
Melo " Kudyira nhafu chaiyo apedza
" Metabel ndipoo amwe matemba
Me " Apera Melenia
Akairidza mhere.
Mhamha " Mupe aya Metabel
Vakadaro vachifambisa maoko muplate
Me " Aiwa mhamha zvinozoita here munodyei handidi kumujaidza Melenia
Mhamha vakabva vatotanga kuchema haa she got too emotional at times. Ndakapedzisira ndamupa angu...
Life wasn't easy vanhu vaiti ndadii kutsvaga basa ndinoshanda but ndaienda ndichisiya mhamha ne vana here. Kusara kwavo kutongovasiya vachifa. I used to do marikicho zvangu but zvaisabhadhara kuma misha kauku. Ma banana ese epamusha anga ava a mainini zvekuti kana isu kudya taisambomadya taitoti tapihwawo mumaraini or kupihwa na Gogo Machinga. Because mainini vanga vatora mabanana kuita avo zvekutengesa zvaiitwa na mhamha ndaisakwanisa kuzviita.
"Ndakumbobuda na Melo mhamha kunochera mvura dza mainini
Her " Ko hauna kuti Tino akubatsira here
Me " Ndizvo hazvo. Mainini varasa mvura yese hanzi handidi kubatirwa mabucket ne mwana wekwa Machinga
" Mwari wee inzwai kuchema kwangu. Ndiitei ndione ndigone kumiririra vana vangu kani.. ndakatadzeiko Jehovha shamu yamandirova nayo ine munyu iyi. Joko iri rarema Mwari....
Vakadeedzera Mai vangu vachichema. We all gathered around her tichivanyararidza.... I had to control myself but vanini'na vangu vanga vakuchema chaiko.
Takazobuda na Melo although mhamha vaisada iye akatakura ka bucket kadiki ndiko kaaigona ikako kwakubva tadzika kunochera mvura. Kwanga kwakutyisa kwadoka zvekuti vanhu vaisamboenda kunochera mvura husiku kutya mabhinya.
Ndakanamata kuti Mwari vatichengete pakuenda nekudzoka. We did 10 trips mutsipa wanga wakundirwadza uyu. Ko hanty ndainge ndambotuta imwe here. Tichibva ku last trip takawana baba vakatimirira padoor remba ravo.
" Muri kubva kupi ne husiku huno Metabel ndiyo time yekuchera mvura here ino.
"Ndakakuudza wani kuti haadi zvekuchera mvura kwakachena ane tukomana twake twaanoda kuona husiku
"Hanty ndimi marasa mvura yacherwa na Sisi Meta mukati tinochera nehusiku
Akabva adaira Melody
"Nyarara uko unoganhira fani kunge Mai. Neikaka kanoda varume fani. Manje nhasi ndoda kukuratidzai kuti ndinonzi ani
Vakapinda mumba ndikaziva kuti chamboko chiya baba. Takadzikisa mvura. Melo uya anga ava kuseri kwangu. Vachibuda mumba hameno kuti havana kuona sei ma steps vakabva vawira kwakadaro.
"Damit munoda kundiisa zvitsinga na Mai vako vakakudzwa nemari yen'anga manje nhasi munondiguta.
Vakadaro vachisimuka ndakangonzwa shamu one ichindirova ne cheparuoko ichino crosser kumusana. I screamed nekuita weti ipapo. Melo ran kutiza chaiko. Ndakarohwa imwe ndikati pasi . The next thing I heard was
"Uri kundiuraira vana vangu kani." Mhamha called vachibuda mumba ndakatoziva kuti it's disaster cause she couldn't see vakabva vadhonha zve pain ndezvimwe ndakamhanya kunobatsira Mai vangu.....
End of Chapter 1
❤️
😢
👍
😭
🙏
😂
😮
❤
👆
👏
58