
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 10, 2025 at 05:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
COLOURS OF LOVE
A Story Written by
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
Chapter 2
Kudonha kwakaita mhamha vanenge vakadonha zvakashata vanga vakungo complainer shoulder ravo. I dreaded that day. Ndaivaitei amai vangu mari yandakangowana ndeye kutenga ma pain killer pa clinic ndaenda navo ikoko kunorapwa. Vainzi vanofanhirwa kuenda ku Hauna kuchipatara kunoitwa ma xray... Apa mari yacho kana yebhazi chaiyo ndanga ndisina. Zvaibuda here izvi. Ndakangodzoka navo asi moyo wairwadza.
Pain vaingoti iri nani vachinwa ma pain killer. Taivatova daily kana ka 2 nekutwasanura ruoko rwacho. Munamato wangu wanga vave wekuti Mwari avaporese.
Mazuva akafamba Mai vangu vaingoshinga zvakadaro. Baba ndaiva ndakataura navo but zvainzwikwa naniko kwanga kuri kungotaura apa waiudzwa magara moyo chaiwo zvekuti unonzwa hasha. Life wasn't easy but at times unoita sekunge wajaira nhamo yako mufunge.
"Ndiri kushaya kuti ndoita zvekuita sei Tino nenyaya ya mhamha she is in pain but unoziva vanhu vakuru vanonyebera kushinga
"Hey I am sorry shamwari yangu very sorry ufunge. But ummm hazviite. Ndanga ndafunga kuti hazviite here umbojoiner vana Jane kana kwaSanhanga hanty akat....
Haana kupedza ndakamugamha....
"Yuhwi yuhwi nhaiwe Tino. Vana Jane vaye vanoita zvechipfambi uri kuti ndinoita chihure here Tino... Sanhanga wauri kutaura iyeye is older than my own father I can't sleep with him. Humhandara hwangu hunokosha
_Tino thinking_.
_I felt bad but there was no option poverty ya Metabel yaindirwadza and hapana zvandaigona kumubatsira nazvo._
Tino " I am sorry Metabel... ( _crying_) ndinopererwa Meta ne hupenyu hwako shamwari.
I took my hand and put it over her shoulder
" I forgive you Tino. I know zvinokurwadza sei. But I will never sell my body for money. No!! Mwari kana ati tife tinofa but what I know is God is not deaf kuti asanzwe mwana wevanhu. One day just one day.
"You are awesome Metabel. I love you my dear friend... Rega tichienda unosvika kumba uko mainini vako vachidya gaka
Me " Taura hako Mai inonetsa iyoyi shem.
We laughed.
Me " Apa vanongofunga kuti munhu wese anoita chihure kunge chavo imagine
Her " Haa vaye here I just wish dai Mwari akasika kumboisa mutongo vanondimara manje kkk
We laughed...
Ndakamutsigisa huni dzake ini ndikatsiga dzangu then kwakuparadzana tichienda umwe ne umwe kwake. Kwanga kwatodoka zvako but kusati kwanyatsoti tsvaa
I sang my favorite song "Pandinonyengetera" as I walked home.
Ndavakusvika pakarwizi kuti ndiyambuke dhuma dhuma na Leonard Njeke. Mukomana uyu aindida but ndaisamuda. Kundida kwake was for the wrong reasons and I knew that chaaingoda kurara neni. Munhu aidiwa ne vasikana vakawanda semunhu anga akatsvuka uye akanaka. So aizviti Mr Sagambe.
Ndakamira akatanga kundivharira road ndichida kudarika.
"Handina nguva newe Leonard ndoda kudarika
"Ko kungoti sweetheart unobvei Meta
Ndakasvipa mate pasi
"Puuu haurware here iwewe nxaa"
Him " Ukanzi bata murwere unobata inini here.
Ndakaramba ndakanyarara.
Him " Une maramba kudiwa iwe Metabel. Shuwa ini sezvandiri kudai wondiramba une shuwa
Nxaa kuzvida kwacho kwaitosembura
Me " Zvauri kudii usafunge kuti munhu wese anokurwarira ka. Chibva munzira yangu it's getting dark ndoda kuenda
Akaramba akamira. I tried kuenda neuku iye achiendawo ikoko blocking me.
"Leonard Njeke ibva munzira mangu mhani!!!
Ndanga ndashatirwa
From nowhere akabva andidzvanya mazamu ese. Ndakakanda svinga rehuni pasi fast chaiyo ndikabva ndamudzemura mbama.
"Stupid!!!
Akadeedzera achindibata ndakuda kutiza. Ndakabva ndaziva kuti nhasi ndadenha chamangwiro ko airova zve Njeke.
"Nhasi ndoda kukudzidzisa kuti they don't call me Njeke zvemahara. Unoda kuonererwa nekanhu kanonhuwa ikaka
Akandipinga makumbo ndikadonhera pasi. Akandikava bhutsu ndakairidza mhere. Ende time idzi nenzira yandaiva ndashandisa vanhu vaisambonzwa. Akadzika ndichizama kusimuka takaumburudzana mujeche nemu huswa imomo achizama kundirova iniwo simba ndaiva naro ko ndaiva ndisina kukura mhumhu zvemahara but ndaiita zvezera rangu mukomana aiva nesimba iyeye. Akazondipinner zvekuti kana kurwisa kwainetsa anga andidzipa pahuro uku achivhura trousers.
"Nhasi ndoda kukapedza kanokuitisa manyemwe nxaaa
Ndakatoona kuti panoka ndinoperera pano mweya chaiwo wanga wakundiperera. Munamato wangu wanga wave wekuti Mwari dai paita miracle pangodarika munhu pano. But kwanga kuri kungoitawo hangu prayer hakwaidarika munhu zvekumhanya ku area iyi plus time dzacho. Akabvarura bhurugwa rangu ndikaziva kuti pangu papera. Haa I was trying I knew what this meant.
Hameno simba rakangouya pandiri ndichinzwa chinhu chake muzvidya mangu I pushed him akanowira kwakadakaro ndikabva ndada kusimuka. He came back ndikamupushira uko negokora I managed to stand akandibata dress rikabvaruka I tried to ran but he was fast achingondibata ndakati ndikatadza kubuda apa zvatopera. Ndakabva ndangoti dzvii ndichidhonza zvekugwinya ma turusi iwayo shasha ikandirega. Ini ndini uyo tsoka ndibereke kuenda kumba......
Haucheuke pakadaro and ndaifemeruka sei ndanga ndamhanya kani. Ndakasvikotora dress raiva pa line kwakunochinja mubathroom ndaisada amai vangu vazive zvaiva zvaitika. Vana Mela vaizongotaura vakubvunza kuti dress raita sei mhamha vakabvunza. I stayed mu bathroom imomo kwekanguva ndikatombochema zvishoma. I couldn't believe kuti ndanga ndoda kubatwa na Leonard pasango ipapo. Dai nhasi ndatorasa humhandara hwangu...
Ndakazobuda hangu. Hapana kana akaziva kuti ndanga ndisina kutouya ne huni dzacho. Muviri wangu wairwadza semunhu anga arwa nekurohwa zvese. Handina kudya sadza manheru iwayo and Melo ndiye anga abika.
Ndakaita madays ndichirwadziwa ne muviri after kurwisana na Leonard anga andibhohwa fani. At least huni dzangu anga asina kudzitakura zvake ndanga ndakazonodzitakura the following day
Days passed tingoripo pamba pedu. Melo aimbonoswera kumashops achitengesa at least anga ati tsamhukei aindibatsira. Some days taichinjana ini ndomboenda. Yes aitengesa hake but anga asina that push. Aingoti chero yaauya nayo iyoyo nyangwe zvikasatengwa. Manje ini ndaisadaro I knew kuti ndopane zvese ipapo. I couldn't afford kuswera zuva rese ndichidzoka ndisina mari inotenga something inenge iri loss chaiyo.... mazuvaano taiva ne madhumbe uye Tino aimbouya nema banana kubva kumba kwavo ndotengesa towana cheruviri
Rimwe zuva ndakabva kunotengesa zvese zvanga zvakasika kupera ndakangoita lucky rekutengerwa ne munhu aiva mubhazi kwakutora zvese zvanga zvasara. Ndakasvika pamba Admire achipura chibage asi aiisira mhamha dust.
"Iwe Admire hausi kuona here kuti uri kuisira Mai vangu dust nezvauri kuita.
Melo " Imbomuudzaiwo Sisi Meta ndaneta naye. Ndatoshaya kuti mhamha vogara pai mumba muri kupisa
"Mpfanha unoda kundijairira iwewe ndoda kukumamisa."
Akayerekana adeedzera Admire wacho
Me "Iwe Admire wakajaidzwa stereki unotaura zvekumamisa unozvigona here nyarara uko ndokurova
Him "Nxaa unondiiteiko iwewe mazizamuuu!!
Ndakaenda paanga ari ndikamudzemura mbama akada kundidzosera ndikamukwidibira neimwe. Haana kupagara akabva atoti tsoka ndibereke achindituka nezvinyadzi.
Nxaa mwana aisvota zvake iyeye anoti hutsinye kutodza amai stupid.... Admire anga ari mwana wa Mainini. Ehe mainini vanga vakauya ne vana vavo 3. Admire, Farai na Tongai. Na Baba vangu vanga vasati vane mwana vese. Admire aiva ne 15 years uyu Farai ane 10 years then ka Tongai kane 5 years. Vana vese ava vaiva ne ma surname akasiyana kuratidza kuti baba havasi one. Uyu Admire anga akaramba chikoro zvekuti aifanirwa ari Form 3. Aionererwa chaizvo apa aine hunhu hunenge hwa Mai vake. Ngavafanani chiso ne moyo kushata nxaa
Manheru takati takagara mumagumbeze tapedza kudya tichitandara door taiva tisati tanyatsa kuri locker. Baba vakangoerekana vapinda vakabata bucket takangonzwa kudirwa mvura.
" Metabel buda umu unoda kuzviita ani iwewe buda mumachira tione.
" Ngaabude imomo auye pano unorova mwana wangu kuti zvaita sei.
Ndakasimuka ndikasiya vana vachichema mumachira ko anga atota ne mvura
" Metabel gara pasi ndinoenda inini !!
Vakadaro mhamha vachideedzera. Kwanga kuri kungotaura vaiendepiko vasinga wone.
Ndakangovasiya vachitaura ndichingobuda panze ndakanzi pfugama pasi. Mainini vaiita kutukirira. Ndakapfugama pasi. Admire akabva apihwa chihwepu. Ndakamutarisa so iye kwakusekerera. Ndakarohwa ka 5 ndikaita sekunge ndavakufa nekurwadziwa Mai vangu vakanga vatokambaira. Uku Melo achichema achideedzera. Vakangoti siya panze ipapo vachipinda mumba mavo...
End of Chapter 2
❤️
👍
😢
😭
🙏
😮
👏
41