Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 10, 2025 at 07:18 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p *COLOURS OF LOVE* A Story Written by Sabz aka Shamiso 💋 0771719077 0772110988 Chapter 3 Metabel Ndakaita 2 months ndisinganzwe mushe zvakasangana kurohwa kwandanga ndaita plus kutorwarawo chaiko.. Pa 2 months idzodzo Melo ndiye anga achienda kunotengesa ndokudzidzira kwaakaita zvekutengesa izvi. Panga pasina yekutamba. Ndakarwara zvekusvika pakuda kufa chaiko. Ndakabvuma kuti muviri uyu unodzikira nhai... "Maswera sei mhamha. Hesi Meta waswera sei nhasi Akadaro Tino achisvika pamba pedu. Mhamha " Ndaswera hangu Tino vari sei Gogo vako Tino " Vanodakara havo. Meta wakunzwa sei shamwari Me " Ndapora manje Tino iii Satan anga ada kuita zvimwe chokwadi. Tino " Tinotenda Mwari aiwa uri kuratidza kuti wasimba from marimwe zuro andakakuona. Mhamha " Kana inzwi aiwa zvanani. Wakaita hako Tino handigone kukutenda zvakakwana mwanangu asi denga iri rikurangarire. I could see my mother was now emotional. Tino wacho aiziva hake masystem acho "Musanetseke mhamha zvinonzi husahwira hunokunda hukama wani. I am happy Metabel apora manje. I was also grateful to Tino. Kutaura chokwadi dai asipo dai pamwe ndakaimbirwa waigara kare. I had been sick for 2 months. Nekushaya mari ndakatadza kuenda ku hospital kunorapwa. Ndaipindwa ne chando, kurutsa, musoro kutema, kupera simba. Baba vangu na Mainini vaingoti inhumbu. Panga pasina help. Infact vakatombondirova vandimanikidza kunochera mvura ndikadonha pachivanze. Kubva day iroro vakambondisiya. Tino aiuya every other day achindigezesa. Mai vangu nehubofu vakamira mira mufunge it wasn't easy. Tino akatanga kuenda ku Clinic akapihwa mapiritsi but hazvina kuchinja until azokwira kuenda ku Hauna kuchipatara kutaura kwaaiita akavachemera achiti ndine munhu avakufa nekuti vaiti huya ne munhu wacho zvekuti anditakure ndiende hazvaiita. So akazopihwa mapiritsi akawanda. Ndiwo andakazonwa for the past 2 weeks ago ndokutanga kuchiona change. I was much better now taste yanga yadzoka. Even though Melo would go kunotengesa but aisatengesa zviri meaningful. Tino ndiye aitouya ne chikafu. Taidya mutsine ne sadza or Cabbage nesadza taiswerera madhumbe, magogoya ne mabanana iwayo. Ndakazotangawo kubuda ndichinobatsira Melo ndaigona kuenda kumasikati ndoita kana 2 hrs ndodzoka. Rimwe zuva it was on a Saturday ndichibika porridge kuseni tainge takagara mumba medu Melo akangobuda achimhanya zviya zvinoita munhu achida kurutsa. Ndakasiya poto kwakumutevera and found her vomiting zvisingaite. I helped her kusvika apedza. "Ko chii Melo. Her " Hameno ndangonzwa kuda kurutsa Me " I just hope hausi kuda kurwara murwariro wandakaita iii zvinganetse. Her " Kuti kudaro here umm aiwa hatizvidi. I gave her water akasuka mumukanwa and we went back. The vomiting did not even stop. I began kufunga kuti chii chaizvo. She was looking very frail but achiratidza kuti she had gained weight. Ndakashinga ndikatengesa about 6 days ndikawana mari kwakuenda naye ku Hauna ku chipatara tanga tanzwa nekuenda pa Clinic achingopihwa ma MMT ne paracetamol Takasvika akaonekwa. The nurse recommended ma tests. Apa ndaisava ne kana cent yaikwana zvavaitaura. I pleaded with them kuti vangoita since tauya taidzokera tisina treatment here vanhu vanga vatouya kwese uku. Zvakaramba manzwa. Ndakapererwa chaiko. Nhamo zvainoita ka. Ndakachema kuchema kwekupererwa apa akangogara zvake Melo. Mwari wakangonaka vamwe nurse ndovakazouya pandiri vakanditi vakubvisa mari yekuti aitwe ma tests. Ipapo ndanga ndakugaya kuti ndongobvisa pamari yebhazi tozongokwira kusvika pa half topedzisa ne tsoka ndakamubereka. I had no choice. I was grateful. Akaitwa ma tests acho. Ndakazonzwa zita rake rakudeedzerwa kwakunzi tipinde tione vamwe sister " Melody ndeupi pakati penyu Me " Ndiye uyu. Vakashama... " Une makore mangani mwana Melo "12 years turning 13 Her " Iwe uri chii cha Melody Me " Ndiri Sisi vake ndinonzi Metabel Her " Yaa pane basa munogara nani kumba kwenyu. Me " Vabereki vangu. Togara na Mai. baba vane umwe mukadzi asi togara tese Her " Zvakaoma Melo ane pamuviri patova ne 5 months uri kuzviziva here Metabel Ndakaita kunzwa dzungu chairo nhumbu iye Melody unopera strong yese. Vakatanga kumubvunza and all ndopandakaziva kuti nhumbu yaiva ya Admire. Her " Admire wacho akura sei Me " Ane 14years mwana wa mainini. Her " Mune shuwa kuti ane 14 here Me " Hongu tinotogara tese mwana wa mainini Her " Inga zvakaoma zvamuri tuvana mese... Vakapererwa kwakudeedza vamwe Sister vakataurirana. Her " Ok Zvawati muri kuSagambe munoona vanhu vakuru kumusha ikoko nyaya iyi yakaoma. Usazogara ka Metabel iri kutoda muende kumapurisa itongwe Me " Ndazvinzwa maita basa. Vakatipa ma card ese vakatipa mushonga unoita asarambe achirutsa kwakubva taenda. Ndakapererwa munonzwa. Nhumbu ende futi. Uku Admire anga abata mwana chibharo Me " Wairegererei kutaura nhai Melody Her " Aindityisidzira hanzi ukangotaura kuti pane zvataita munodzingwa pamba pano. Ende zvakaoma chokwadi. Takafamba mushe kusvika kumba. Takatodarika nepama shop tikaona mudhara achinwa zvake doro. Moyo wangu wakarwadza cause I asked for money yekurapisa Melo ndikanzi handina mari ipapo kutiona tichidarika pamashops vakatodeedzera kuti uri kuda mari here ooh. Handina kumbozvidaira. Ndakaomerwa nekutaura kuna mhamha. Pavakandibvunza ndakangoti hanzi imalaria kwakunyarara zvangu. Munhu wandaida kumbokwapaidza ndi Admire asi for the past 3 days anga asipo Days passed ndichienda kunotengesa uku ndichizvidya moyo. Ndaitoshaya kuti ndozvitanga sei. Ndakazoti papera a week ndokuonana na Tino ndikamuudza. "Mashura akaboiliswa nhai Mwari ko vadirei kuti dai. Me " Handitozive shaa I am just confused ini. Takakurukura and she convinced me tikaenda kumba kwavo kuna Gogo vake. Ndakavaudza vakati inoda kuti ndiende kwa mambo nyaya iyi ndisati ndaenda ku police. Zvekwa Sabhuku zvaigona kuramba cause Sabhuku vaiwirirana na Baba vangu. I thanked her so much. The following day ndakaenda na Tino and we met Ranga anga ari mwana waChief and vaiwirirana na Tino sort of kumuda hameno ikoko. So he helped me kuti ndisvike kumba kwavo. Ndakataura nyaya yangu vakati vachadana vanhu kudare..... Pakaita 4 days tichibva tadeedzwa kudare. Ndakangosiya mhamha vasingazive. Tese takaenda but not pamwe chete takanoonana ikoko. Nyaya yakataurwa haa takaudziridzwa chihure chese ipapo. Hanzi tiri mahure atidi kuita basa takaramba chikoro tichida zvekunoita chihure pama shops. Vakairamba nhumbu iye Admire akaramba. Baba vakati vanochengeta mwana wa Melo hanzi hupenzi hwemwana. I suspected hangu kuti vanenge vaiziva vese na mainini kuti Admire akabata mwana.... Takazobva ikoko Mambo vati vachasara vachifunga. Ndakasvikoudza Mai vangu vakachema kani. Iii ndanga ndakugaya kuti dai ndisina kutaura hangu but there was no way yandainyarara she would have found out anyway. My mother cried hanzi Mwari makandiseka dai ndikangogona kuona chete chete zvimwe zvese handina basa nazvo. _2 months later_ "Iwe ndiri kutomunzwira tsitsi weduwe apa nhumbu yakura. "Eish zvakaoma kani. But God will bless you Metabel you are an awesome person. Me " You always say that Tino haa hameno shaa Takanzwa kukosora kucheuka wanikwe ndi Ranga.. "Hie girls... Tino " Ndeipi. Me " Mushe zvirisei Ranga " Ndiri bhoo ini. Ndauya ne visitor Takashamisika tichiona Leonard achibudikira munoziva so ka I had respect for Ranga but uyu munhu haa kana. "I think am done regai ndiende kumba Tino ndozokuona. Ndakada kusimudza tsvinga rangu rehuni Ranga kwakundibata ruoko. Ranga " Metabel asi chii nhai. Me " Ranga ndisiye. Ranga " Dzikama kani unofunga pane zvatingakuitei here. Tino taura naye Tino " Imbobvai pano horaiti. Vakafamba vachienda ndikasara na Tino. Me " Hausi serious Tino. Her " Sorry kani Meta Ranga told me kuti Leonard ari kuda kutaura newe Me " What about??? ndotaurei naye he is a rapist. Handina kukuudza zvaakandiita anoda kutaura neni kuti chii chaizvo Tino " Maybe to apologize who knows give the guy a chance. Me " Umm Tino is this you? I can't believe this I really can't. Anyway you know what ini ndaenda sara uchinzwa kuti anoda kutii on my behalf. Ndakasimudza huni dzangu ndikaenda. Tino aitondipengera chete nxaa End of Chapter 3
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 58

Comments