
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 11, 2025 at 01:20 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
COLOURS OF LOVE
A Story Written by
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
*Chapter 4*
*Metabel*
Mwedzi yakadarika hayo Melo akabatsirwa ne mwana wake musikana. Mhamha vakamupa zita rekuti Paidamoyo. Melo was so strong considering her age. Ndakatoenda naye kune vamwe mbuya vekumusha vaibatsira vanhu kuzvara ndokwaakanobatsirwa. But zvakanetsa zvisingaite ndaingonamata kuti Mwari dai akasafa mwana uyu nekuti ndozvaingotaurwa ne vanhu kuti mudiki. Zveku clinic handina kumbozozviita ko mari yacho yaibvepi. I was struggling.
Nyaya ya Melo yakatsikwa tsikwa kwa mambo na sabhuku. Ndanga ndakadzifambira kasingaperi but it was beyond my power.
Chandakakwanisa kunzwikwa was when I told mambo mugariro wedu ndopakanzi nekuda kwezvaitika baba vaifanirwa kutipa bucket rechibage, 2kg Flour, 2kg Sugar, 2litre cooking oil ne 2 bars dze sipo every month vainosiya kwa mambo ndotorera ikoko.
Every day kubva Mambo vataura zvekupihwa support ndai haraswa na Mainini na Baba nenyaya yekuti ndakarambirei kunzwisisana navo ne nyaya ya Melody ndichida kusungisa Admire. Ehe ndakambodaro but hameno corruption dzacho ndikapedzisira ndadzoswa kwamambo
If that wasn't enough munhu ainzi Leonard was a throne ine the flesh tikazogara hedu. I had never liked him but he thought he could have it all especially considering he was the most handsome loved guy around. Tino hadn't been good to me nenyaya iyoyo she really thought that Leonard had reformed. Ini whether reformation or not it was just a simple no. This Leonard issue had affected my friendship na Tino in a way cause most of her time she would spend na Ranga sezvo vanga vakunyatsodanana and Ranga wacho anenge anga anyatsobata brain dzasahwira wangu. Ini wacho I was also busy with my family zvekuti kumutsvaga chaiko ndaitoshaya nguva remember ndaiti kumba kuna Mhamha, My two sisters then na Baby Paida kwoti kutsvaga chekubata kuzoti mabasa epamusha kunochera mvura ya Mainini haa zvinhu zvacho.
Time passed mwana aikura we had to work extra hard for the family. At least Melo anga akuitawo effort since she had a responsibility. Kana ari sa Admire haana kuzombodzoka kubva zvaakaendeswa kwa Sekuru vake. Apa mwana wacho ngaafanane na Admire wacho.
Mazuva akafamba zvavo Mwari achindipa simba rekuramba ndichichengeta amai vangu nevaninina vangu.
Rimwe zuva ndaitoita washen hangu ndaiwacha hembe dza Baby ne dzedu when Melo came home achifambisa. Ndakashaya kuti ko sei adzoka munhu anofanirwa kunge achitengesa. Ndakamira ndakabata sipo ne hembe mumaoko.
"Chii Melo
Her "Sis Meta handei kuma shops kune munhu ari kuda kukuonai handei.
Ende futi ndakatoshaya kuti chiiko achindidhonza...
"Munhu?? Munhu wepi ini zvekudanidzirwa vana Leonard ndokurova ini Melo handimbodi zvangu
"Haa imi ndingakudeedzerei mbiti iya handei kani akoma.
Ndakaisa hembe mudish kwakusukurudza maoko angu ndichimupa ma warning ekuti akandisiisa basa zvisina musoro anondiona. Ndakanopfeka ma push kwakuudza mhamha kuti ndiri kudzoka ndokubereka mwana kwakubva taenda hedu.
Takasvika paine mota yanga iripo...
"Iwe Melo ndiani uyu...
Ndakatodaro ndichizeza kusvika pamota yacho. Pakabva pabuda umwe murume.
"Saka ndivo sis vako here Melody
Melo " Ehe ndivava
Me " Makadini henyu Baba
Vakaseka.
Him " Ndiripo hangu. Ndinonzi Mr Fungo and you are??
Me " Metabel Chirobo. Nice to meet you Sir
Him " My pleasure. Ndanga ndiri pano tiri kuita campaign kubasa kwedu when I met Melody. Ndangoitawo ma interests in knowing her then she told me her mothers story I was touched. I wanted to buy her grocery manje ndaona zvisingaite ndimutengere pasina munhu mukuru so she said muriko kumba that's why I called for you.
Woow mumoyo mangu makauya mufaro kani... I was short of words I couldn't respond. Ndakangoshama. But then mupfungwa mangu makauya nyaya yekuti he was a stranger. As much as I was in need but umm
Me "Sir we don't take assistance from strangers
Him " Come on Metabel inga ndataura wani kuti am on a campaign. Check the car ndeye USAID hauizive here. I just want to help Melo out.
Ndakambo sticker ndichifunga ndakazongonzwa
Him " It's ok vasikana let's get mu shop and you can pick some groceries then I will drop you kumba would want to see your mother
Seems Melo aitoda ndakazongoti ok. We went mu shop. Kungonhonga chinhu one vaibva vaisa zvinhu 2. We ended up having 2 kana 3 of each item I couldn't believe this at all. Grocery racho raitova ne zvimwe zvatanga tisingatozive kudya isu. Mazoe yeku diluter iii.
Tapedza he gave me $50 vachibva vati handei kumba kwenyu. Takaenda navo we couldn't go pachivanze chaipo cause mota yaisasvika. He insisted kuti vaida kuona mhamha kwakubva ndavati tiende. At least mainini vanga vasipo.
Vakasvika vakaona Mhamha panze. My mother was grateful. He explained how he had met na Melo and his gesture to us.
"Ini handichagara mhamha Mwari anorwira vanhu arambe achikurwirai regai ndinamate.
Vakanamata zvekuti neniwo I was touched ne prayer yavo.
"Maita basa mwanangu Mwari vekudenga akukomborere ne mhuri yako muchengetwe ne denga
Him " Munotendeiko mhamha regai ndiende
Mhamha " Mufambe munyasha dzashe.
Vakasimuka. Ndakavaperekedza kumota tichingoti pote tatarisana ne kwaiva ne mota dhuma dhuma na Mainini hana yangu yakarova kani.
"Makadini"
Vakadaro mainini vachimhoresa Mr Fungo.
Mr Fungo " Tiripo makadini
Ndakashaya kuti ndochiita sei manje pa intro kwakuramba ndakanyarara takabva tafamba kuenda kumota kwa Mr Fungo ivo mainini vakafambawo kuenda kumba
" So avo ndiani
Me " Mainini my fathers wife.
Him " Oooh ok. Here is my business card. Please if you need anything you can call. Melo explained about your mum's predicament and I was touched will see how best I can assist your mother.
Yaa kuphoner kwacho ndaitozoenda pa call box kumashops cause phone ndaiizivirepi zvangu
Me " Thank you Sir. I am grateful.
Him " Take care bye.
Me " bye and thank you once again.
Vakasimudza mota yavo ndichingo waver vachibva vaenda. Pane team reku Sagambe secondary raidarika that time vakangoita zvekunge kunditaura vakadarika vachiseka. Ndakamboda kuvaitira tuhasha but I remembered ndaitova ne nhamo yangu pandinosvika kumba
Ndakangowana mainini vakagara paveranda pamba. Havana chavakataura ini ndakangonanga mumba. I quickly hid mari iya pakasiyana siyana then kwakubva ndaviga card riya. I was so happy mandiri Mwari anga atuma munhu at the right time.
I sat pasi na Melo ndakabata zvangu Paida achitsanangura hake how she met this man achitengesa. Uye anga amuudza kuti chii. Ndaitya kuti ataura zve mwana wake tikatangirwa zvimwe pano. I had been given warning yekuti ukaramba uchisimudzira nyaya dzaMelo tichmuendesa anogara na Admire wacho nekuti ndozvauri kuda kuti Admire atore mwana wake apa ini zvekuti aende kuna Admire ndaisamboda
Melo " Sis ndangotaura zvenhamo yedu zvekuti mwana handina kuvaudza kuti ndewangu.
Me " Wagona iii asi Mwari waita havo.
Mhamha " Anotuma vatumwa chokwadi.
Me " Chandiri kutya ndi mainini vandiona avo ikasaita nyaya.
Mhamha " Unongoti ihanzvadzi yangu Kwinjo baba vako vanomuziva aimboita zvemabanana kuno uchiri mudiki Metabel asi akazoenda kuDRC akarovera ikoko zvekuti taingonzwa nezvake nekungoti aitumira chikafu.
Melo " Asi mhamha munotaura zvemhuri dzenyu vangabva vati ramwa zvekudaro. Vanoziva kuti hamuone wani
Mum " Zvinonetsa mwanangu izvi neniwo handitonzwisisewo kuti kutsamwa kwacho vabva vatsamwa zvekudaro here.
Me " Yaa zvakaoma even vana sekuru Daniel vaye kutadzawo kungokucheukai here
Mum " Daniel was angry paakati handei ndikaramba aida kuti ini ndiende naye asi ndosiya imi senzira yeku fixer baba venyu but ndakaramba pane vana vangu ndopatiri.
I knew the story zvangu pazvakaitika I was there. Mhamha started to cry isu tikapedzisira tavakuchemawo. Takazongonzwa door richivhurwa zviya zvechisimba.
"Uyo mwana wako mubvunze kuti haana chikomba here chaauya nacho pano. Kupimaidzika zvake achindiona abuda muno achibva kuno kwirwa.
" Iwe hure iwe wakajaira language yemubhawa nhaika unotaura mashoko ekukwirwa mune vana vangu muno unoda vadzidzei stupid yemunhu.
Vakaerekana vadeedzera Mai vangu.
"Iwe Mai Metabel ati utaure ndiani
Mainini " Nhai henyu vakavhengedzera bofu remunhu. And ndichakumamisira word rekuti hure
" Ndinenge ndakatakura mazai ka"
Ndakaerekana ndataura vanotaura zvekumamisa Mai vangu nekuvati bofu nxaa. Ndakaerekana ndamharwa ne mbama ya mainini. Ndakavasimukira ndichivasundidzira kwakadaro.
" Iwe Steven zimwana rako roda kundiuraya iri wakamira ipapo.
Ndakadhonzwa na Baba vangu vachindizvuvira panze chaipo. Mai vangu vaingodeedzera kuti chii chiri kuitika siyane ne vana vangu. Mainini vakamhanya kunotora chihwepu. Ndakarohwa one ndikaita wet ipapo ipapo kwakuona kuti ndinofa pano ndokuzoti
" Munondirovera Sekuru Kwinjo vakadzoka ndoda kuvaudza.
Vanga vatosimudza chihwepu chiya but pavakanzwa kuti Sekuru Kwinjo vakabva vadzikisa
"Zvamuri kutomira rovai hure iri.
Mainini vakatora chihwepu vakandirova nacho ndakasimuka fast ndikanovapushira kwakadaro. Ndakaona baba vatorana nemudzimai wavo aipupa ne mashoko vachimurwisa kupinda mumba uku vana Farai vachindiseka. I didn't understand what the word Kwinjo had done. It was as if baba vangu vanga vatya the mention of Sekuru Kwinjo.
Takazoita mazuva vanhu vari zii zvavo. Rimwe zuva ndakabva zvangu ku huni ko mazuvaano Tino aibatika here ndofunga aingoenda ku huni na Ranga wacho hameno. Ndakasvikobatsirana na Melo aibika. Iye akabva ambogara achiyamwisa mwana
Baba vakazouya pandaibika vakati havadi kuona Sekuru Kwinjo pamba pano uye kana kunzwa kuti tambotaura navo. Hanzi ndikangonzwa kuti vasvika pano munondiona. Vakangosiya vapopota popota kwakubva vanopinda mumba mavo...
End of Chapter 4
❤️
🙏
👍
😂
😢
❤
😮
😭
117