
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 11, 2025 at 06:22 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
*COLOURS OF LOVE*
A Story Written by
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
*Chapter 5*
_3 months later_
Metabel
Mwari anochengeta weduwe. Mr Fungo vaye vanga vakatigonera chokwadi mwedzi mitatu yadarika tanga tambonakirwa kani. And nekuti mainini na Baba vaisapinda mumba medu havana kumboona kuti tiri kurara muhupfu isu. Vaingoona tichigaisa chibage chavo vachingoti tine nhamo nyamba pamwe ndivo vaitova nayo.
Ndanga ndane nguva yakareba trying number ya Mr Fungo but yaisaita kwakuri kungoda kuvamhoresa kungoratidza appreciation. Zvekukumbira ndaisada hangu but kuzonyarara iwe munhu wakaitirwa zvakanaka kwaisaita. Ndakazongozvisiya hangu ndaona kuti haisi kutoita.
Rimwe zuva ndichibva kumashops kunotengesa ndakasangana na Gogo vaTino. Takamhoresana zvedu.
"Ko iwe mazuvaano ne shamwari yako muri kuzvifambisa sei
Ndakatoshamisika.
Me " Aaah Gogo na Tino mazuvaano hatisi kuonana zvekudaro
Her " Hamusi kuonana hoo. Umm ndanzwa ufunge hako vanhu vari kungotaura nezvake awonekwa kwakati na Ranga azodii. Saka ipapa ndanga ndichitoshaya kuti ndokuonera kupi pamba penyu pakamera shumba hationanane
Ndakaseka hangu zva Mainini
Me " Aah Tino mazuvaano haasi kubatika zvekudaro. Asi ndichamubvunza hangu.
Her " Handisi kufara Metabel haafanirwe kusiyana hushamwari newe Tino. Izvozvi nekupedza kunyora kwaaita uku hameno kuti pane chabuda here ipapo
You could see Gogo was worried. Iyewo Tino anga akuzviwanza. Ini kubva pandakaonana na vaFungo ndanga ndamuona ka 2 chaiko zvekutodhumana ana Ranga iyeye. Zvekuti nyaya ya Mr Fungo ndanga ndisina kumbomuudza ini. Akangoti musi watasangana ndakanzwa kuti wane binga ine mota wakaramba Leonard. Yaa makuhwa had done the rounds havo ne nyaya ya Mr Fungo but sechinhu chaisava ne substance it quickly died out plus it was just a once off thing kuonekwa ndinawo
She was worried zvekuti but ndakazovasimbisa hangu. That day ndopandakaudza mhamha about Tino nekusaonana kwedu uye kuti Gogo vake was worried.
"Mutsvage ugare pasi naye Metabel. Tino ishamwari yako haudi kumusiya achirasika
Mhamha had a point I promised her that I will...
Days passed ndichizama kutsvaga Tino asiri kunyatsa kubatika. 3 days before Christmas ndopaakauya kumba kwedu. Akaonana na mhamha achibva ataura kuti auya kuzotioneka anga ari kuenda ku Harare hanzi ndambowana basa. Mhamha prayed for her takatandara tikadya. Ndakazubuditsa ndakabereka Paida.
"Vasikana ndozvinoitwa here izvozvo hamudaro
Her " Sorry kani Meta but iwewe uri rough Leonard ari kukuda uko iwe uri kumurambirei dai so nhamo yese usina boys dzino hustler idzodzo.
"Ku hustler kupi vanhu vanoswera vachitenderera mumaraini kudaro
"Problem yako it's one chete unoshoora apo nhamo unayo hako.
Me " Regai ndigare ne nhamo yangu haa Leonard nooo.
"Vana Nyarai vari kudya ma benefits ako haambovade vanhu ivavo anoda iwewe apa kudada usazodaro. Regai tiende kuHarare.
Ndakangoseka zvangu.
Me " Muchisiya Ranga wenyu here vasikana
Her " Ndiri kutomutevera Ranga akawana basa so ku Harare anouya after new year. So ini pane muroora wa Mai Gwande ati ari kuda munhu urgent saka ndabva ndatoti chance given
Me " Kuri kuda kutevera Ranga chete here
Akaseka zvake.
Her " Muchasara vana Metabel ndikuudzei kkkk
I laughed hangu but this was disaster I felt kunge ndisisazive my own friend. People change.
Takabva tanzwa kukosora kucheuka kudai Leonard uya. Munoziva so ndakangoboikana.
"Hesi kani bamnini.
Akadaro Tino... ende futi ka.
Leo " Hesi Gulez Tino. Hesi Meta
Me " Hesi...
Pakamboita ka moment of silence.
Him " Meta ndokumbirawo just 5 mins of your time chete chete please
Akapfugama pasi anga akabereka satchel.
Me " Handikwanise. Tino ndakuona bye
Ndakacheuka kuti ndifambe Tino akandibata
" Metabel usaite kunge munhu asina kukwana iwe munhu ari kuda kungotaura newe 5 mins chete wati anokuiteiko aaah.
Ndakaita calm kwakufunga kuti maybe I was being too harsh regai ndingonzwe ndomuramba pa fair arege kundinetsa.
Tino akatora Paida kumusana kwangu
" Ndakusanofamba unondibata pamberi apo.
Akabva aenda direction yekumba kwedu.
I walked naye Leo kuenda pane rimwe dombo so kwakugara he sat next to me.
" Thank you ufunge hako Metabel I really like you but unondivharira kunze.
Akambonyarara
Me " Taura nyaya yako upedze handidi zve noise na Nyarai.
Him "haana basa uyo. You are so beautiful baby gal and my heart beats for you baby gal. Ndinokuda Metabel huh unotiiko babie
Ende futi ndakamboda kuseka vakomana vemuSagambe muno Mwari ave navo shuwa baby gal kuzonoza kwacho haada, *seka zvako Meta*
" Manje ini handikude ufunge
Him " Asi chii nhai newe baby gal unoda ndife here nemarwadzo emoyo shaa. You won't regret this guy
Me " Imboitai zvana Nyarai. Ndakuenda Leonard"
Him " Mira kani sweet heart wait"
Akatora satchel kwakubuditsa card akandipa. I opened it and rairira. It read..
Metabel my love.
I love you to the moon and back. Please ndipoo rudo rwushoma haro baby gal.
I love you
Njeks
Hayaa ndiwo miyedzo manje iyi ndakada kumboseka hangu kwakuzvidzora I gave him back his card anga akunditambidza ma chocolate coated biscuits ne something material like ndakamudzosera tunhu twake.
"Handidi kuzviona izvi Leonard. Handikude ini"
Kuda kunditeya nechikafu inini manje, rubbish!!Ndakasimuka ndini speed kumba. Ndakasvikonyamura Paida aiwa akabatwa na Tino vakagara muside me road. Ndini uyo yambukei rukowa gumbo ndibereke kumba.
Christmas Day ndakamukira kubika bika Rice, Chicken ne mapotatoe. Zvanga zviri zvemaskati. Kuseni takadya Mazai ne Chingwa. At least pachikafu apa zvinhu zvanga zvavanani kujegwa kwatakaitwa na Mr Fungo then negrocery randainotora kwa Mambo zvakamboti nakei zvishoma. Takafara semhuri kuseni ikoko. Melenia ndiye watanga tatengera hembe dzemubhero afarewo pane vamwe. Ndakazobuda kuma 11am ndakuenda kuma shops ndaida kutenga 2litrs ye coke yekuti tigonwa kana takudya kuma 2pm. Ndakasiya mhamha na Melenia. Uyu Melo anga abuda na Paida kunoona shamwari yake anga akakokwa ikoko.
Ndavakuda kusvika pama shops ndakasangana na Jonso mwana we umwe mukadzi aigara muraini redu.
" better Sis Meta ndanga ndiri kutouya ikoko pane andituma ndikudeedzei ari kuma shops"
Mupfungwa mangu makauya Leonard chete
Me " Iwee ani iyeye"
Him " Hanzi nditi Fungo here hameno ikoko"
Ndakabva ndatoziva mandiri makauya mufaro mhani. I walked with him kwakuvaona vakamira pane imwe mota. Mota yacho yaiva yakaparkwa paside peshop. Ndavakutoda kusvika vakabva vapinda mumota. I went nechepa hwindo.
" Pinda mumota ne door rekuseri tibve pano pakazara vanhu"
Ndakaita seizvozvo kwakunopinda. Vakabva vamutsa mota. Hana yangu yakarova kuti ko ini ndiri kuendepi chaizvo. Vakati fambe chinhambwe ndokuzomira. He opened ma windows. I was seated pa back seat so vakaita zvekugara vachindiona.
"Hesi Metabel.
Me " Makadini henyu.
Him " Ndiri right kurisei kumba. Vari sei mhamha na Melo nevamwe
Me "vari right havo.
Him " Ndofunga wakazama kundiphonera eish sorry hako. I had gone ku Sudan nebasa for 4 months. Ndakangoti ndichibva kuno handina kumboita week kwakutonzi basa
Me " Ooh ok ehe ndakambozama ikasaita
Him " You know what I have had sleepless nights about your family and after leaving you that day I knew you would get into trouble that made it worse apa I couldn't reach out. I am sorry wena.
Me " It's ok Sir..
Pakamboita ka zii.
Him " So to be honest meeting Melo touched me a lot. Metabel can you please tell me a bit more about yourself and your family.
Yanga yava nyaya yanga yatanga. I told him everything it was an interactive conversation. Chandisina kutaura was about Paida. Ndakamusiya out of the equation
Me " That's about it. So tiripo pamba my father doesn't care kuti tadyei
"Eiish thats cruel. Anyway like I said Ihave been having sleepless nights. Ummm Metabel I feel you need my assistance. I have been thinking on ways I can assist. And look from what you said it maybe so difficult for me to help you muri ipapo. I may put effort but inogona ku benefittwa ne the wrong people
Me" Pamakatisiira zvinhu we were lucky kuti hatina kuonekwa but dai vakazviona vakatora
_Mr Fungo thinking_
_I had come wanting to see her nekungovapa assistance but after hearing her story ummm hazvibatsire. Metabel looks clever hake. Ko ndikavatora ku Farm then help them. Ooh yes that's the best idea_
Pakamboita silence. Hameno vaifungei ndakazonzwa
Him "I have an offer dear... umm its not big though but something chinoita mubve pamuri and start afresh and probably I can assist nemaziso amhamha. I have a farm in Mt Hampden so was thinking kuti I can take you and your family monogara ikoko it's close to town and maybe you can start from there. I really need someone who can helpe manage my farming activities like stocks etc as I am very busy so maybe you can assist me. Munouya mese and we try and see how best I can help
Munoziva soo ndakapererwa chaiko. This man was he God sent or what.... Chandaisagona kubvuma.
Me " Thank you for the offer but can I discuss with mhamha first since muri kuti family yese. If it was only me dai ndaramba cause I have an obligation to look after my mother.
Him "I know dear ndinotoziva. You know what? My mother was blind and she passed away. I took care of her. I know how it feels allow to extend this gesture to you. It's the best I can do to help.
I got so emotional and began to cry. He took some tissues kwakundipa and took my hand vachipuruzira
After a while he decided to drive me back.
"I am happy today that I saw you. I won't go and see mhamha hangu ndakutya kukupinza mu trouble talk to mhamha and tell me what she says. Don't worry on logistics to get you out of this place I will arrange. Here is a phone ine battery fully charged. Iyi its a power bank and you can use it for back up battery and you can use this charger kuno charger kuma shops.
I looked at the phone.
" Thank you but I don't know how to use it
"Chipukuta misodzi ndikudzidzise.
I did that he taught me well. So hanzi kana ndataura na mhamha ndotaura navo. Ndakazonosiiwa paka road before ma shops. I took out a plastic of groceries.
"I didn't buy much semunhu anga asiri kuziva kuti ndokuonai here. Here mari iyi $50 kana pane chamusina buy. Let's do this fast hanty.
Me " Ok thank you.
He got out of the car and hugged me and I left... Ndakazoisa zi plastic riya mumusoro kuri tsiga kwakufamba kuenda kumba ne musango imomo....
End of Chapter 5
❤️
🙏
👍
😢
😂
❤
👏
111