
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 12, 2025 at 11:43 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
COLOURS OF LOVE
A Story Written by
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
Chapter 6
*Metabel
Ndakati ndati fambe zvishoma dhuma dhuma na Baba vangu na Mainini haa munoziva ndakadikitira ne ma minutes iwaya.
"Uri kubva kupi iwe?
Me " Kuma shops maswera sei.
"Hehede hurrriii ende Chiwambu muchatobvuma so. Aiwanepi mari yekutenga zvaakatakura tione uko.
Mainini pulled down plastic riya randaiva ndakatsiga zvinhu zvikati mwarara pasi...
"Wazviwana kupi zvinhu zvese izvi. Mazoe aya..
"Zvinotoshamisa mufunge chikomba ichi mwana wako tiri kungomunzwa muraini mese umu."
Me " Zvikomba zvipi asi munoti toswera takarara semi here?"
Ndakaerekana ndataura vaindibhohwa mainini.
" Shut up uri kupindura mainini vako rough iwewe"
Handina kuvadaira
" Unomujaidza uyu hanty uri kutoona kuti akugona kumisidzana neni taenzana ka akuziva varume mwana wako uyu....
"Nxaa iwe Metabel ndiwe wandichauraya chaiko. Takura magrocery iwayo ndikadzoka kumba ikoko I will deal newe ne tunhu twako. Iwe handei.
Vakadhonza mukadzi wavo vakaenda. Eiish. I packed zvinhu zviya kwakutsiga. At least phone yanga isina kuonekwa chokwadi ndaizvitaura sei.
Ndakasvika kumba. Melenia aitamba hake panze. Mhamha vari mumba.
"Ko magara mumba zvadii kuri kupisa kudai.
Her " Musoro wangu uri kutema uyu
Me " Ko Melenia haana kukupai mapiritsi here
Her " Kupiko ndamuti ndipe kwakuuya ne akawanda ndichiabata kudai akasiyana siyana shape ndikati ndopihwa asiriwo.
Me " Haa nxaa anoda zvekutamba stereki ndichamurova uyu, *mirai muone henyu*
I quickly took ma tablets kwakupa mhamha. Vakamborara zvavo. My mind was on the idea ya Mr Fungo. It was a very good idea at least taibva pano. I just hoped he was genuine pane zvekunouraiwa ikoko... iyi nyaya yekuti baba vanga vati vari kuzotora grocery didn't worry me much ngavadye zvavo pano ndopandiri kuzobva hangu. Melo akasvika kuma past 3 kwakubva tadziisa food yedu akauya ne salad cream tikacheka Cabbage kwakutoita salad yedu ndokudya mhamha vakanga vamuka.
"Ko chikafu ichi chabvepi nhai Sis
Akadaro achinongedzera kune plastic bag riya
Me " Mr Fungo
"Hiii ko mavaonepi nhai imi.
Me "pandaenda kuma shops
Mhamha " Ko hanzii kurova ko wadii kuuya navo kuno.
Me " Vanga vachimhanya plus pano ndatya panoita nyaya. Ipapo pandapihwa ma grocery dhuma dhuma na Chiwambu na Sokostina wake haa zvakaoma
Melo " Yuhwii zvino vatii ne ma grocery.
Me " Vati vari kuuya kuzodealer neni ne chikafu chacho. Hure ravo ndorati ndine chikomba zve.
Mum " Ummm mukadzi uya muroyi chaiye dai ndangoona chete haa ndaipedzerana naye. Anoda kuti ufe nekurohwa here
Me " It's ok mhamha regai tizoona kuti vanodii besides nhasi ichristmas mudhara anodzoka akapera mangwana achinohuranga zvekare inogona kutopera nyaya yacho. Ngatichidyai chikafu tingadzipwe
Ndakaita kuti nyaya ipere nekuti i had seen how emotional my mother had become. Havaitana ku catcher manje. We enjoyed our food. Melo akanosuka. Melenia achitsvaira mumba. Takanogara pasi pemumango waiva mumunda na mhamha na Paida ndakatanga kutsanangura nyaya ya Mr Fungo. I explained all that I was told
"Saka vati ndiuye ndinzwe imimi
"Ichokwadi ichokwadi Mwari variko. Ichokwadi Mwari variko Ichokwadi Mwari variko ichokwadi Mwari variko!!
Vakaimba zvavo Mai vangu she was very happy. We discussed more vakati let's go pane kugara pano hanzi tasunungurwa muhunhapwa
I was happy kuona Mai vangu vachifara kani. Vakabva vatoti mangwana chaiye ndivaphonere.
"Tinogarirei pano Metabel. Kugara pano kushaya kwekuenda chaiko tingadai takapabva uye dai ndaiona tichiri pano here mwanangu. Handei kwa VaFungo .
Mhamha vakafara kani...
Mainini vakazodzoka kuma 6pm vega vachida kutora chikafu. Haa ndakavashura chaiko but she forced herself vakatora plastic bag rira although ndanga ndabvisa mafuta ne sugar. Ndakazongosiya Mai vangu vati imhepo.
Handina kurara so excited ndichifunga kuti kuHarare kwakamira sei. Ende Tino achashamisika kuona ndava ku Harare chokwadi. Ende kurara kwanga kwagara kuchitonetsa zuva iri baba vangu vakararira kuridza gindimukindi zvavo vakadhakwa zvekuperevedza vaiwanza vachingodeedzera zita ra Mai vangu panze ipapo. Nechavaiva deedzera chiiko. Hanzi "Mai Metabel!! mukadzi wangu wekutanga iwe Mai Meta!!" zvinhu zvacho
Kuseni takamuka kuita mabasa edu emazuva ose. Ndakazotora phone iya kwakubva ndaphonera Mr Fungo. Pandakavaudza vakafara zvisingaite
📞📞📞📞
Him : Saka good. Mune zvingade kupinda mu lorry here Metabel
Me : Aaah hapana apa
Him : Mubhedha wardrobe masofa??
Me : Hapana dzingori hembe magumbeze, mapoto, ndiro ne ma bucket emvura.
Him : Haa hoo hazvinetse saka ndiri kuuya muswa 2 January after new year. Mosanounza ma bag zvakangwarira kuroad kunge paye pandakakusiya nezuro. Then mouya na mhamha ne vana... Ma bucket siyai munowana mamwe kuno. Tinoramba tichitaura nhaika
Me : Ehoyi maita basa.
Vakabva vatoti bye kwakubva ndaviga phone iya. Ndakaswerera kugezeswa zvinhu namhamha hanzi hatidi kuenda nezvinhu zviri kunhuwa. Apa kuzoona musiwa 2 wasvika, kkk
Ndaiti ndikapesana na mainini panze ndaihwa sendinotsva kuda kungovaudza kuti sarai taenda isu...
*Ndaizongozvidzora hangu since ndange ndave pedyo ne freedom*
Mazuva haafambe manzwa. On the 31st ndakatumwa na mhamha kunonzi kwaShiri ndakatofuma kuseni chaiko cause kwaiva kure zvekudaro. Ndaida kunoudza umwe muzukuru wa Mhamha kuti takuenda kuHarare. Vaingoitana muzukuru na mbuya but I think inyaya ye mitupo what what.
Ndakasvika variko ndikavaudza. Vakangoti waita basa wandizivisa. When I had asked mhamha kuti why should we tell him she had said kuti pangoita anoziva kwavari.
Handina kutokugara kunhu kwacho ndakatanga kudzoka. Ndakutosvika kuma area ekwedu ndakasangana na Leonard aine sister yake Farai. Munhu ainzi Leonard aindibhohwa fani manzwa. Farai aiva cousin sister but ndakambotamba naye kuchikoro. They greeted me munhu akatanga kuita zvake zviya.
"Leonard ndakakuudza wani kuti handidi
"Saka ukaramba isu unozoroorwa nani
"Zvinei newe izvozvo. Akuudza ndoda kuroorwa ndiani.
Him " Une cheeky Metabel unoda kumbotsotswa ka beans kako unoita bhoo.
Me " Ndozvaunogaro funga ka zvisina basa izvozvo. Chibva panzira ndidarike zvangu.
Him " Kiss... ndo password
Me " Asi unondishura here nhaiwe
Him " Kushura chii ini ndiri kutoita zvekukunyengerera wakamboona *ndichinanzva* vasikana here inini
Anga atoshatirwa
Farie " Leonard siyana naye mhani chiiko
Him " Metabel anoonererwa chaiko nxaa. Manje haasi kundiziva
I didn't want any trouble pandaiva vaigona kutobatsirana ndikaitwa zvimwe. Akapopota manzwa ini zii zvangu kwakuzodhonzwa na Farai. Ndikati regai nditomhanye zvangu ndakananga kumba.
Zuva rekuenda rakasvika. I had spoken na Mr Fungo husiku hwacho vakati timukire ivo vanga vatorara pa Juliusdale. Ndakamukira zvekuma 3.30am na Melo kwakutakura zvinhu zvedu kuenda nazvo kuroad. Ndakasiya Melo na Melania ikoko ndichipedzisa kutakura. Taiva ne ma suit case maviri then zvima changani bag zvine magumbeze zvimwe zvine midziyo mapoto ndiro nezvimwe. Ndakapedza kuma past 5 kutakura kwanga kwakutochena. Ndakavhara musiwo kwakukiya ndobva ndabatana na Mai vangu tichienda ku road kuya. Mwana ndaiva ndakamubereka. Takasvika vana vasisipo zvese nezvinhu hana yangu ikarova zvisingaite kuti ndiudze mhamha zvaisaita. Ndakazoona mota iya ya Mr Fungo yavakapedzisira kuuya nayo ichisvika pataiva na mhamha. I helped mhamha ini. Ndakanzi ndipe Melo mwana ndigare ku front seat. Ndakaita sekudaro kwakubva ndatenderera ndichingovhura door rekumberi sanganei na Leonard. Akangondimhoresa ndikamumhoresa kwakubva ndangopinda nekuvhara door. Akaramba akatarisa mota ichisimuka. That was bye bye Sagambe...
Iii rwendo rwacho ngarurebe takafamba tichiratidzwa nzvimbo. Hapana kana kwandaiziva ini Rusape iyi Marondera. Takatengerwa chikafu along the way. Also Mr Fungo vaingotaura about hos late blind mother vachiti vaitova bofu from birth. Takazoti Harare yacho iii ndakatoshamisika ini. Harare yanga yakawanda mota kuzoti ma buildings acho kureba and so many people.
Takazosvika pa farm pacho kumasikati. Panga pane imba yaiva ne 3 bedrooms ne kitchen ne lounge and dinning. But it wasn't big but yanga yakanakisa kani. Panga pane solar ne magetsi ne borehole water yaibuda pa tap.
"So this is home Metabel ndakuratidza kwese. Pantry ine chikafu chashota you just call me. You can use these two bedrooms magumbeze ndeenyu akawaridzwa iwayo.
I was so surprised ini and in shock. I couldn't believe kuti ndini here Metabel Chirobo wepa Sagambe ari kuratidzwa zvese izvi umm Mwari anoshamisa weduwe
"So ndoda kuti uchengete pano. Ndine vashandi vangu 7 pano ndovari permanent I will introduce you. Iyi ndiyo store room yema inputs unopota uchivapa kana ndakuudza wova signisa. The other room iyi ndeme mapadza ne zvimwe zvekushandisa ma tools zvese unosignisa zvekare.
Ndakapihwa ma instructions nezvese zvandaifanirwa kuita. Ndakanzi ndinofanirwa kuita stock take yezvipfuyo. Kuna Mai Sandra ndivo vaitengesa but ini ndopota ndichizopihwa cash per week toita stock take. We also spoke vachida kuti Melania na Melody vaende kuchikoro. He introduced me to Mukoma Moses ndivo vaizoenda neni kuno register chikoro che vana. I was so grateful.
" Thank you very much Mr Fungo. Asi maybe Melo akamira. I didn't get a chance to tell you that ane mucheche Paida mwana wake.
Him " What??? I thought ndewako kaini.
Me " Aiwa ndewake maybe kana ati kurei mwana wacho ozoenda hake
Him" Zera rake iroro, you are not serious iiish I wish I had known you kare maybe I could have helped you were so vulnerable there.
He showed pity to us.
Him " Anyway fine this year chete then she goes back to school. By the way how old are you
Me " 17 turning 18 end of this year"
Him " Ok ok that's fine tozoona. So mwana uyu *munomupa* chii? I wanted to ask didn't see Melo breastfeed.
Me " Fresh milk yakasangana nemvura ne maheu ekubika chaiwo. Ne porridge re hupfu.
He looked at me zviya zvekunditarisisa kuti mune shuwa. Ndakatarisa pasi. Mazamu ake akaita zvironda sometime back akasiyana nezvekuyamwisa
Him " Ok *rega* ndigoona kuti ndoita sei. Please mukaka wakawanda zvekuisa mvura ngazvipere.
I nodded my head...
That evening ndakabika mugazebo panze for the first time I used gas stove although maibikwa ne gas ne huni zvekare mu gazebo. Mr Fungo vanga vane bedroom ravo ndimo mavakarara imomo.
"Mwari wakanaka kani. Ndiwo vatumwa vanotumwa na Mwari ava Metabel.
Me " Chokwadi mhamha. Dai maiona maitoona kuti mune magetsi muno mhamha kana mumba muno manakiro amo yooh.
Her " Ndiye Mwari. Saka ane mhuri here
Me " Havasati vambotaura but patawonekana vachinorara vangoti mangwana vari kufumira kudzokera ku Harare kumba kwavo.
Her " Haa it's ok. Maybe vanayo
Hatina kuzotaura zvakawanda takabva tatorara hedu.
End of Chapter 6
❤️
👍
🙏
🥰
😂
😮
🤚
36