
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
June 12, 2025 at 04:46 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFkD9QCRs1fu0qnzQ3p
COLOURS OF LOVE
A Story Written by
Sabz aka Shamiso 💋
0771719077
0772110988
Chapter 7
*Baba Metabel
Zita rangu ndinonzi Chiwambu ndokudanwa kwangu raini rose. Ehe ndaiva hwitakwi ndimba ndimba yemurume hofori chaiyo. Ndaiva ne vana vangu 3 vasikana Metabel Melody na Melania. Ndakazoona kuti zvinondipei kuunganidza vanasikana kwava kutora umwe mukadzi ainzi Mai Admire kana kuti Ronia. Uyu ndakaona ane potential yekundipa mwana wandaida nekuti aiva ne vana 3 vakomana vakewo.
"Saka nyaya yekuti Metabel ane chikomba hamusi kuiitira action sei.
Me " Wakamuona here Mai Admire
" Asi zvinofanirwa kuonekwa here. Iwe unoti chikafu chese chiya chakabvepi chikomba chiya ndikuudze.
" Chete haunyepi unoziva masystem acho ka
" Wati kudini!!! Uri kutii chaizvo nhaiiwe
Ndakaseka zvangu anga azvinzwa hake. Ndochaiva chokwadi ko hanty vanga vazvijaira here
Me " Kutamba hangu kana Sokostina wangu.
" Mamwe majokes enyu aya ka handidi mafunnies ini.
" Sorry kani kwanga kuri kutamba. Chindiitirawo chikafu ndidye ndiwane kugeza.
Me " Kumukira chikafu chepasi pemhino uchitadza kudya chimutsa ichii
Akanditambidza dako rake ende raivawo hombe. Ko taimbomisa here pakadaro ndakabva ndati bhora mberi...
Tapedza akabuda panze achideedza Metabel kuti aone zvekuita nechikafu changu. Haa mukadzi aiva simbe zvake uyu kuda kuitirwa zvese na Metabel chokwadi.
" Aah ko vana Metabel vaendepi?
Akadaro adzoka mu bedroom
Me " Unorevei kana uchiti vaendepi
Her " Pakitchen paka lockwa nekunze kuratidza hamuna munhu
Me " Aah handizive pamwe vaenda kuchimunda
Her " Hoo manje anobuda asina kutaura sei nxaa.
Haa akasvotwa shem. Akabva aenda akanobika. Ndakadya mulounge apedza takanogeza tese. Vana vaisavapo vanga vakaenda kwevabereki vake Ronia.
_2 days later_
"Imi vanhu venyu vachiri kuchimunda kubva marimwe zuro havasati vadzoka apa imi miri kungodzoka makadhakwa.
" Aah uri kutiiko iwewe.
Ndakavhunduka... chokwadi I was coming home drunk. Ndakabuda panze ndichienda ku Kitchen ya Mai Metabel. Ndakatora sando kwakugojonora. Door rakavhura wanikwe machira chete hamuna kana ka thee karimo mufunge.
" Aah hehede ko zvamusina kana chinhu nhai Chiwambu ko vakaendepi
Munoziva so ndakapererwa ini. Which means kubva marimwe zuro vakanga vatoenda. Mumusoro mangu makauya Kwinjo anga akambonzi auya pano.
Me " Ndi Kwinjo chete afunga kutora mhuri yangu
Her " Kwinjo upiko iyeye
Me " Hanzvadzi ya Mai Metabel uya akambouya paya pawakati wamuona nemurume
Yaa ndivo chete vaiendepi but manje Kwinjo anga akugara muno muZimbabwe here umm hameno. That afternoon ndakazoonana na Chamu achiti muzukuru wake Leonard akati akaona Metabel ari mune rimwe zibango remota akagara kumberi. Umm zvakandipa kufunga kuti anga achiri Kwinjo here or??...
*Metabel
Ma days akafamba ndanga ndatojaira ini. Hazvina kumbondinetsa kujaira basa racho. Ndaimuka na 5am everyday ndichipa vanhu ma tools ne ma inputs. Panga pane ma projects akawanda paiti huku, mombe, munda, nguruve, tsuro. Foreman ndiye aione mufambiro wema projects.
Ma inputs akaita se Fertilizer mbeu ne zvimwe zvakaita sechikafu chehuku chaitumirwa na Mr Fungo vaingophoner then zvouya na Driver.
Pa 2 weeks dzekutanga ndaisava nemunhu wandaiwirirana naye. Asi in my third week ndakatanga kutaura ne umwe musikana ainzi Gladys aiuya achitenga manyowa pafarm pedu. Plus ndaiva ndakamuona achiruka vamwe amai vaishanda pa farm pedu. Gladys aigara pa next farm. Aitogarawo nevabereki vake vaichengeta pa farm ipapo
Takatangawo kuenda kuchurch kwaienda Gladys ku AFM. I discovered kuti aiimba musikana iyeye. Mukufamba kwenguva akazoona kuti neni ndaiva ne chipo chekuimba ndainge ndakutoimbawo muchurch imomo.
Mr Fungo vakazotaura na mhamha vakati vaiva ne mhuri yavo but tainge tisati tavaona. Hanzi havadi zveku farm vanouya apo ne apo.
Mr Fungo vanga vakupota vachiuya Friday vorara vozodzokera Saturday evening. Zvakaitika kwenguva refu. But imwe weekend vakaita the whole weekend tikabva taenda tese ku AFM church thats when he found kuti I was in the Praise team he was happy takabva taziva kuti vaipindawo church yainzi Abundance Grace kuHarare.
Vana vaienda kuchikoro kwaisava kure zvako. Ini ndaipihwa mari hanzi haisi pay but allowance ye $100 yekutengawo zvimwewo zvechikadzi.
_2 months later_
It was 2 months now tabva kuSagambe. Everyday I wondered how it was back home vakazviona sei kuti angova machira chete uye vakafungei nazvo?? Ndaiti ndikazvifunga ndoita imagine how the situation was ndaiseka zvangu. I also imagined vakationa iyezvino vanototishaya because chokwadi tanga tachinja ganda ranga rakudaira mvura yekuno plus mafuta. Iwo ma vitamin tichataurei hedu.
Mufaro waiva na Mai wangu wanga wakanyanyisa everyday when sleeping she thanked God for Mr Fungo. She was forever grateful. Ini ndainzi chengeta basa raunoita uite nemazvo ugone kufadza Mr Fungo.
Then there was Mukoma Moses. Nekuda kwekuti ndiye wandakatanga kuziva uye akandiperekedza kuno register vana pachikoro we used to talk dzimwe dzaiva general. But I had discovered a weird behavior pavari though I had just tried to ignore it.
One weekend Mr Fungo vakauya. It was a Friday. I had just finished kusuka ndiro when he arrived. I went kugazebo ndichida kutanga kubika chikafu but he refused then ndakazobika tea. Taiva tiri two kugazebo.
The following day he was pa farm vachimema munda. He applauded me hanzi pa farm pane order. I was happy.
"So I am going away for a month nebasa. Please do your best to maintain records. I know kune vanhu vanonetsa like Mose anoda kuita over ride but stand your ground. I have lost alot pa farm pano but things are shaping up. When I come back ndichada kumboenda kwa Doctor na mhamha vamboonekwa maybe it's just something minor.
Me " Thank you very much Sir. I am grateful. Don't worry I will be strong in issuing things.
I was so happy manzwa. At least mhamha vakatanga kuonazve zvinenge zvaita. Ndakaswerera kuimba praise mumoyo mangu. Mr Fungo havana kugara that dat he left kuma past 3pm.
Days later Mose akatanga kunetsa. All sorts of stories hee ndipe ma key unonoka kuvhura. Muka na 4am what what.
One day I woke up na 4am kwakugara mu kitchen ndichiti zvimwe ndiri kunonokesa vanhu vanga uye. Kuma 4.30 am he knocked pa window Mose wacho ndikabuda.
"Mamuka sei mukoma Moses
Him " Ndamuka bhoo. Ita upe vanhu zvinhu wogeza pane kwatakanzi tiende nemukuru vakati unoona so handidi kupa decision ndega
Me " Ok.
Ndakaita basa rangu by 5.30am ndanga ndapedza. Ndakaisa porridge ne Rice pamoto kwakumhanya kunogeza. Ndakazosiya Melo achipedzisa nhasi aiperekedza Melania akabereka Paida ozodzoka hake.
Ndakabuda na Mose tiri pa motorbike kwakuenda. I was shocked tati fembe amisa mudhudhu uya neche karoad ke musango
Me " Ko pano tiri kudei.
Him " Unomhanya Metabel
I was shocked but told myself to keep calm. I waited a bit ndakamira
" Inzwa ka shamwari ini hangu moyo wangu watapirirwa newe Metabel from day randakakuona haa moyo wangu wakabva watoda unotiiko shamwari ndipoo rudo
Ende futi ndo mashura akaboiliswa manje aya aaah. I was quick to think kuti.ndikada zvangu kujinura pano ka ndinosiiwa pano apa handikuzive kwatiri. Moreover handi Sagambe kaiyi tinotsvagirwa chipomerwa tikaonekwa tadzoserwa. But still this guy ainzi ane mukadzi kumusha kauyu.
" Chiiko babie uri kumbofunga here? You know what ini ndiri kutoda zvemashuwa zve love chaiyo ufunge.
Good ndakazvidaro
Me " Horaiti ndazvinzwa Mukoma Mose ndokumbirawo space yekumbofunga nezvazvo but don't you have a wife.
He laughed
" Haasvike pauri anyway takasiyana kare ari kuma pfanya uko haa iwe ndiwe wangu chaiye
Sick mhani aipenga chete uyu.
" It's ok but ndoda kumbofunga. Can we go back
Him " Kkk unofunga ndingakuitei ndiri kuona kuti uri kutya chaizvo. Ndiri gentlemen ini babie. Anyway since moyo uri kuda regai tikupe mukana tione. Here umbotsvaga something
Akatambanudza achindipa $20. Ndakairamba but akazoita yekupfekera pa cleveage pangu pamazamu ipapo. Hatina kuzogara we went back....
End of Chapter 7
❤️
😂
👍
❤
😢
😮
🙏
🐃
🐒
😏
57