
Zim 🇿🇼 Family Secrets & Confe$$ions,Tilda Live Daily News ¢ Home Remedies
June 10, 2025 at 07:29 PM
*KUBVUTIRWA GOPE*
Ukaona uchirota hope uchimuka wakanganwa. Chirega kungopeta maokoka woti ndiriwehanganwa..
Hope chiporofita chikuru. Wakarara ndiyo nguva venyikadzimu vanouya kumakope vachikupa maraiwa, chenjedzo uye kukupanga mazano dzingava hondo dzaunorongerwa nemuvengi usati waziva zvino ndiroka raunoturirwa kumakope kuti ugarewo wagadzirira muvengi usati wasimudza pfumo newewo unenge warodzawo rako nekuti wachenjedzwa hondo isati yatanga...
Zvino kana wokanganwa hope nhai muzukuru ko hondo uchakunda seiko.
Chiita zvinotevera. Toraka bute rako rematare wosumira uchikumbirwa kubviswa mhepo iyo inokubvutira makope kana wapedza chinoshambidza muviri wako nebute riya.
Wakambonzwawo here zvendove yenzou nhai muzukuru. Tsvagaka ndove yenzou ufukire nemvura inopisa kana nemarasha uchituka mhepo inokubira makope iyo.
Uchaona shanduko.🪘🪇
https://whatsapp.com/channel/0029Vak6N2EIHphEbn8xKu2l/27575
🙏
😂
😢
4