
Zim Elites Official 🇿🇼
June 14, 2025 at 10:46 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHThvuATRShrLntno1U
*Mhuri yeZimbabwe ndine nyaya yeimwe mhuri yekuChinhoyi.* *KuChinhoyi kuna Mbuya vane vana vavo 4.* *Murume wambuya ava akafa.* *Pavana 4 apa 3 vari kudzimba dzavo 1 (gotwe) ndiye anogara pamba.* *Mhuri yeZimbabwe mbuya wandiri kutaura nezvavo vane muzukuru vavanofarira zvikuru (mwana weMwanakomana wavo).* *Vanoti ivo "kana ndichiona muzukuru uyu ndinoona murume wangu , ndivo baba vemusha ava munofanira kuvaremekedza".* *Zimbabwe muzukuru uyu anoitirwa zvisingaitirwe vamwe vazukuru (mafavors).* *Muzukuru wambuya ava anogara kudhorobha asi anomboenda kumusha kuHoliday kunoona mbuya.* *Imwe holiday mwana akaenda kuHoliday kuna mbuya , holiday yapera mbuya wanga vakutoramba kuti mwana adzoke kumba , vaida mwana agare navo asi vabereki vemwana vakazoti "zvikoro zvekumusha zviri kure plus imi makura hamuzokwanise kumukira muchimugadzirira kuti aende kuchikoro".* *Mhuri yeZimbabwe mwana paakazobva kuHoliday kwambuya akauya ane imbwa nekatsi ,mbuya vachibva vati "ndapa muzukuru wangu zvipfuyo mumubatsire kuchengeta".* *Zveshuwawo vabereki vemwana vaito maker sure kuti imbwa nekatsi zvadya here ,nezvimwewo.* *Zvakazoitika ndezvekuti mwana akazoita dambudziko remusana , mbuya ndokuuya nemushonga wechivanhu mwana achibva apora.* *Zvanga zvakuitika zvekuti mwana akangorwara chete mbuya vaitouya nemushonga wechivanhu mwana otopora.* *Pane mwana paakazorwara mbuya havana kuudzwa asi vakafona vachiti "ko anochirwara ndichimurapa wani ko mukuda kuenda naye kuChurch zvadii".* *Izvi mbuya vaitaura vachiudza muroora wavo , amai vemwana vane zvawanga vakaudzwa kuchurch pamusoro pekurwara kwemwana asi zvairema kuti vaudze murume.* *Mai vemwana vainge vakaudzwa kuti "mwana venyu paari apa ndiri kuona atori murume weumwe munhu asi nzira yaarikusangana nemukadzi uyu yakasiyana neyedu yatinoziwa , mwana wenyu ari kusanganiswa nemukadzi through mhuka.* *Mubatsiri akaenderera mberi achiti "mwana wenyu anoitwa mukadzi nemhuka , nguva dzaanenge achiitwa mukadzi ndipo zvakare paanenge achitoita bonde nemunhukadzi ari kumushandisa ,zvine connection mushonga wacho wakagadzirwa kuti ushande saizvozvo.* *Mhuri izvi zvakanzi ndizvo zvaiita mwana agare achirwara nechirwere chekubuda musana.* *Mushonga uyu wakanzi wakaiswa imbwa zvekuti mwana uyu paanenge achiita bonde neimbwa anenge achitoita zvakare bonde nambuya wake.* *Mukadzi akashaya kuti oudza murume wake nyaya iyi sei achibva azoti "Baba vemwana kuChurch kwandinoenda ndaudzwa nezveurwere rwemwana wanditi zvinhu izvi zvakabva pamwana zviri kuenda panaBaba saka hanzi muuye mubatsirwe"* *Murume audzwa izvi wakabva vazoenda vese murume nemukadzi kunobatsirwa, vasvika vakaudzwa kuti "akapa mwana venyu imbwa nekiti , paakapihwa zvinhu ndopakatangira nyaya yese mwana venyu ari kushandiswa ,ndinoona munotochengeta zvinhu izvozvo zvakanaka asi muri kuchengeta zvinhu zvikukuwadza mwana venyu asi zvichibva pamwana zviri kuuya pamuri baba".* *Mhuri yeZimbabwe mubatsiri uyu akati "zvinhu izvi(katsi neimbwa) zvinofanira kuurawa , tichauya Chitatu kunoita munamato pamba penyu".* *Zimbabwe vabereki vemwana vakaudzwa izvi sunday masikati, manheru acho mbuya (amai vemurume) vachibva vauya kubva kumusha vakati "ndauya kuzotira zvipfuvo zvangu zvakurisa ndoda kumupa zveAge yake".* *Mubatsiri vekuChurch pakatorwa zvinhu izvi haana kuzokwanisa kubata zvinhu izvi nekuti zvainge zvaenda saka akaudza vabereki vemwana vatsvage vamwe vabatsiri vanoita zvemashura.* *Pakadeedzwa vamwe vabatsiri ndokuuya vachiti "zvinhu izvi zvinoda kuteyerwa pamwana ,hongu zvaenda asi zvicharamba zvichishanda zviri ikoko".* *Mhuri yeZimbabwe mbuya vandiri kutaura nezvavo ndimbuya vane zvinhu zvamwe , vakasiirwa pfuma nemurume, minda yavo inorimwa neTractor ,mombe hobho nemashops vanawo zvakare asi izvi zvemushonga hameno vaizviitirei.* *Vabatsiri vakateya ,ndokubva vati "mwana uyu ane zvaakadyiswa paakaenda kuHoliday kumusha ndizvo zvinoita imbwa imuite mukadzi, zvinenge zvichiConnector nemushonga waakadya asi kuteya kwandaita uku zvese izvi zvakupera , imbwa nekatsi zvichifa ,muchanzwa mega kuti pane zvaitika kumusha ikoko.* *Mhuri yeZimbabwe mangwana makuseni kwakasvika shoko rekuti kumusha kwamuka kwakafa mombe 18 mudanga* *Mombe dzinonzi dzakachererwa pasi asi zvainzi anoda kudya ngaatore anodya.* *Zvaitika izvi zvakabva zvabuda pachena kuti zvakaitwa nevabatsiri zvakashanda.* *Imbwa nekatsi zvakafa zvakare.* *Mhuri yeZimbabwe mwana uya vakurwara nekubuda haasati apera kurapwa avanani hake , mwana arikuti anorota Mbuya vachimubikira achidya.* *Chinhoyi !*
*NB.* Ndosiya mamwe maDetails enyaya nekuti nyaya yacho inenge yakarebesa
😮
😢
❤️
👍
🙏
😂
186