
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
May 29, 2025 at 05:00 PM
Boom Reader and boom story test. Pindai mugroup umu, ndimo mandichaisa boom reader ne boom story todzidzisana kuti zvinoshanda sei.
https://chat.whatsapp.com/JHxX6RZnJ7XBIvcFksuVd4
Chiedza Changu
Written by
Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322.
Chapter 18.
Nathaniel.
"Hello?" Ndakamedza mate ndichitarisa phone yaiva pa dashboard ndichitadza kudaira munhu ayiiti hello. "nhaiwe Nathan?" Akadaro Jethro ndikapukuta kumeso kwangu nemaoko ese ndikati, "I'm sorry man, I'm sorry bro" ndakadaro ndichitoshaya kuti ndomuudza sei. Chinangwa chandaiva ndafonera chaicho ndaida kutongomuudza zvaiva zvaitika zvese. Hameno kuti zvakazoramba kubuda mumuromo nei ndikagumira pasorry ipapa. Chokwadi ndechekuti guilt was going to kill me. Ugoona pandaiva ndazviita everything seems to be fine. No worries, no guilt. Zvaiva zvazongotanga ndakunasofunga kuti ndakarara nemukadzi wamukoma.
"Ukuti kudiiko iwe! Sorry yako ndeyei?" Akadaro Jethro ndikati, "haa ingozivai kuti I'm sorry mukoma wangu, sorry henyu" ndakadaro ndokubva ndatokata. Ndakakwizanisa maoko ndichiita kutoshaya pekubata. Chandainyanya kufunga kuti ko akazviziva aizoti kudii? Pataiva takambozviita pakutanga varikumba kwavo maiguru zvaiva zvisina kumbonyanya kundidya moyo.
Ndakasimudza musoro ndichitarisa imba yacho yaiva iri kuitwa ma renovations. Kufunga kuti ndaiva ndiri kutozviitira mukadzi wamukoma kwaindipedza simba. Mari yandaiva ndiri kushandisa ipapo yaiva yakawandisa. Mawindows aiva arikuitwa ane bullet proof, alarm everywhere. Durawall raiva risati ratombotangwa, ndaida patoiswa durawall rekuti munhu haatombozame kana kukwira. Zvese izvozvo ndaiva ndirikuda kutozviitira mukadzi wamukoma. Ndakadzungudza musoro wangu ndichibuda mumota ndikaenda kuvakomana vaishanda pamba pacho ndikati, "mukapedza zvamuri kuita nhasi don't come back, zvakwana ndakuda kumbomirira panapa"
"But hatisati tamboopedza ka? Contract handiti yakanga iri yekupedza zvese ne durawall? Ko tatadza papi mukuru?" Vakadaro ndikati, "fuck you all! Ndati mukapedza musadzoke! Hazvisi kunzwika?" Ndakadaro nehasha ndakutoshaya kwekudzipedzera. "ok boss"
"Ndichakudaidzai kana ndafunga futi zvakanaka" ndakadaro ndakuenda kumota yangu ndikaivhurumutsa.
Ndaiva ndisina kana shamwari yandingati ndaikwanisawo kuudza zviri kunetsa. Jack ndiye munhu aitova padhuze neni zvirinani zvekuti ndakabva ndangofunga kutoenda nekumba kwake. Ndakaziva kuti doro raisambonoshaika ikoko semunhu aiva achangobva mu Christmas. Ndakasvika aripo akatogara akabata cup yetea akasimuka akusaluter achiseka ndikati, "musoro unenge domasi" ndakadaro ndichienda ku fridge yake akati, "asi kwenyu ku state house hamupihwe doro?"
"Kupihwa chii? Kustate house chaiko manje? Wangu, ziso rinenge rakavhurwa 24/7 kunge renhunzi" ndakadaro ndichigara pasi akaseka achiti, "ko apa zvaunenge watora doro racho rese ranga riri mu fridge?"
"Munotenga rimwe, handiti mava boss here baba?" Ndakadaro akaseka. Akanga akazochinjwawo from kwaimboshandira akaitwa iye captain. Hameno kuti zvaiva zvakazviita zvega here or pane ma connections aiva akashanda nekuti ndiye aitova captain pabase randaisimboshandira.
"Usataure nezvayo nyaya yekuitwa mukuru iyoyo, zvakauya nema terms and conditions wangu"
"Chigaro chese chinotouya nema terms and conditions baba" ndakadaro akati, "iii hauzvinzwisise, imimi makaroora vana vevanhu vakuru ka that's why you got promoted manje isusu pane zvatakaitwa"
"Zvei?" Ndakadaro ndichitora rimwe bottle akati, "you wouldn't want to know, ko ukuita kunge une stress"
"Ndakarara nemukadzi wablaz nezuro mushop make" ndakadaro akati, "kungorara chete here or kutaura kumwe kurara"
"Putseki mhani iwe" ndakadaro akaseka achiti, "ah saka makaita henyu musikanzwa? Ukatonzwa poto yamukoma? Wakuzoita BP wapedza ko inga uri dununu"
"Handisi kutoziva kuti zvichapera sei but ndaiva ndisina kana protection. Akaita mimba yangu ndozvitaura ndichiti kudii? Kunani?" Ndakadaro akati, "ko matadza nei kushandisa mapiritsi ekudzivirira? Handiti ndizvo zvamungadai maita usati wauya kuzonwa doro? Unoziva kuti gult raunaro apa rishoma pane rauchazo feeler wakuona mukadzi wablaz vako akatakura mimba yako? Iwe unoita kunge uchafa, kutozogara navo pasi blaz vako sezvatakaita izvi muchiita nyaya. Uchiziva hako mimba ine mukadzi wavo ndeyako? Unodemba kufa"
"Ukuita kunge wakambozviita sei Jack?" Ndakadaro ndamutarisa akaseka achiti, "haa handina, but ndiri kutongo imaginer kuti unozofeeler sei?" Akadaro ndikati, "ipapa ndirikunzwa kunge musoro wangu urikuda kutenderera. Ndotomisa imwe plan yandanga ndinayo, apa ugoona ndakatoishingirira kubva ichitanga plan iyoyo apa handichazive zvekuita nayo"
"I plan yei?" Akadaro ndikamutarisa ndikasekerera ndichiti, "I don't think i should trust you with that information. Wava Captain ka iwe, Saka unenge wakutolinker nerimwe team rekwana Cath unozo leakisa information iyoyo haa imbomira"
"Nathan inini ku leakisa information? Haa come-on wangu. I know we're not that close but tiri mafriends. Kutouya kwawaita pano kuratidza kuti ndini munhu ari padhuze. Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana" akadaro ndikati, "haa izvi zvinomboda kudzimurana here? Iwewe ingoziva kuti ndine plan but yambomira. Ndirikuda kutobaya kubasa after ndadhakwa panapa" ndakadaro ndichipedzisa third bottle ndikatora rimwe. "chisiya hako kunwa doro rangu kana usingandi truste"
"Ah!" Ndakadaro ndamutarisa akabva atoita rekubvuta ndikati, "man come-on, you can't be serious. Ndosiya ndakutengera doro rako. Infact mari yako iyi uzonotenga" ndakamukandira $200 akati, "enda unotenga wega and musadzoke kuzonwira pano baba. Mungandione semumero inini?"
"Hasha dzauri kuita ndedzei kana usiri mumero?" Ndakadaro ndasimuka akabva andirova ne bottle mumusoro. "what tha...." Akandirova pahuro ndisati ndatombopedza kutaura. Chinhu chandakatanga kubata chaiva ne information iphone yangu saka ndakaibata ndisati ndaknocker ndikaitsemura beyond repair. Paakazondirova futi paside panzeve apa ndaiva ndava sure kuti phone yatsemuka. Ndakazotanga kuona madzedzere hangu asi ndiri sure kuti phone yatsemuka.
Catherine.
"Excuse me" ndakasimuka paiva nevanhu vese Chiedza akaita kundiperekedza neziso. Ndakaenda kunogara kumota kwangu chaiko ndikati, "what do you got for me Jack? Ndakakuudza kuti ndifonere kana pane information iri valuable" ndakadaro akafemereka achiti, "do you think ndangofona? I have your husband here in my house. I knocked him out, you need to be here as soon as possible nekuti akamuka usati wauya kuzotsvaga zvauri kuda I'm dead" akabva atokata ndikaburuka mumota faster. Ndakanopfugama paside naChiedza ndikati, "pamusoroi ana baba, pamusoroi ana mama. Ndaitawo emergency ndafonerwa kumba"
"Zvino tanga tichiti muchaswera pano" vakadaro mama ndikati, "aihwa ndodzoka mama, ndiri kudzoka" ndakadaro vakati, "zvakanakai, mhanyai henyu kwamuri kudiwa" ndakabva ndaguma Chiedza zvekutongoda kumuona kuti anodii. Akaramba akatenser ndikasimuka ndichisekerera. Babamukuru Jethro vakanditevera kumota vakati, "mumbofonera murume wenyu mutaure naye, hameno zvaanga achingotaura zvisinganzwisisike"
"Ati kudii?"
"Anga achingoti sorry, hameno kuti i sorry yei?" Vakadaro ndikati, "dai manga makwanisa maudza kana ana gogo venyu avo vatarise mukadzi wenyu mukuru. Nathan anogona akauya kuzorara kuno vakatorara vese, anogoti sorry pakudiii? Ane zvaakaita nemukadzi wenyu"
Ndakabva ndatopinda mumota ndikaivhurumutsa ndakananga kwaiva nebasa chairo. Ndakasvika kumba kwaJack akaita kumira kugate ndikati, "relax captain, munozonyanya kutyawo imi" ndakadaro akati, "iwe atsemura phone yake, anytime soon vanhu vaanoshanda navo vanenge vava pano vachida kuzoona kuti chii chaitika kuphone yake" akadaro ndikati, "tsvaga imwe phone uise line rake"
"Vanobva vafona vachida kunzwa kuti chii chaitika, just get the hell in there utsvage zvauri kuda"
"Ambokuudza kuti kudii usati wamuknocker?"
"Hapana" akadaro ndikati, "remember ndini ndine makeys ebasa rako Jack? It's just one phone call then the next thing you're jobless. And hauzofe wakawana futi rimwe basa, ati kudii Nathan?"
"Angoti ane plan yaamisa but haana kutaura plan yacho"
"What about Chiedza? Ambotaura anything about Chiedza here?" Akaramba akanditarisa achiratidza kuti haasi kuda kutaura ndikati, "hey wena speak!"
"Hapana zvaataura" akadaro ndikati, "urikunyepa, unoswera usisina basa Jack" akakwenya-kwenya musoro wake ndokuti, "ok I'll tell you but on one condition, you'll need to abort that baby. Handisi kuda kuti mwana wangu akure achifunga kuti mwana waNathan, its better to abort him/her asati akura nekuti handide kuti aone mabasa angu" akadaro ndikati, "tinomuisa mu glass kana angova pa 7 months wotora mwana wako. Zvanzi kudii? Ndizvo zvega zvandirikuda"
"Akarara naChiedza nezuro" akadaro ndikasekerera ndichiti, "good boy, saka mwana wako usambotye haambofe akanzi ndewa Nathan. Tinomuisa mu glass then inini wangu na Nathan atovapo kare. We just have to make sure kuti Nathan haachaonane newe when he wakes up nekuti akakuona it means wafa. So pack your things and leave"
"Handisi kuda zvekuzonetswa futi, i did this to Nathaniel not because i love you Cath, but I'm trying to protect my job. Don't do anything stupid to him" akadaro ndikati, "haundiudzire zvekuita nemurume wangu, enda uko"
"Saka what are you going to do kana vamwe vake vakauya?"
"Vakauya uripo pano ndipo patichapinda busy, kana vakauya usisipo pano ndinongovati ndaona alert ye distress ndikamhanya kuzoona kuti murume wangu ari sei. Now leave!" Ndakadaro ndichipinda mukati akabva asara achienda kumota. Ndakaenda mumba macho ndikamuwana akazvambarara Nathan ndikatura mafemo. Ndakatanga kusearcher homwe dzake ndikawana kamwe kapaper kaiva kakapetwa seka ruva ndikabva ndakachengeta. Ndakazama kutarisa dzimwe homwe but hapana chaivamo chaibatika kunze kwe wallet. Ndakanzwa kuti panze pasvika vanhu ndikabva ndakoka misodzi yangu yenhema ndikabuda ndichipfikura.
"Mrs Rogers, is Mr Rogers ok?" Vakadaro vakomana veku state house vauya. Apa vaiva vakapfeka kunge vanhuwo vasina basa but inini ndaivaziva. "no, my husband is not ok. Someone knocked him out, by the time i got here they were gone. Handisi kutoziva kuti anga achiitei pano" ndakadaro vakati, "imba yacho ndeyani?" Vakadaro ndikati, "I don't know, ndanga ndisati ndazvitarisa" ndakadaro ndichinasoziva kuti muridzi wemba aiva asiri kuzowanika nekuti yakanga isiri yaJack. Vakamhanya-mhanya kutakura umwe wavo kumuendesa mumota inini ndichingopfikura hangu nhema. Ndakapihwa two vakomana kuti vandiendese kumba kwaiva safe. Vaiva vari kutondikanganisa maths dzangu nekuti zvandaiva ndirikuda kuna Chiedza ndaiva ndatozviwana and ndaida kuita action fast Nathan asati atombomuka.
End of chapter 18.
Who knows, maybe tikatengerwawo this book nevanhu vese vairifarira the next book MOYO rinogona kuita free 🤭
Sezvandakataura kuti promotion irikupera musi wa 03 June 2025. Izvezvi promotion ichiripo, hurry and secure your seat kusub. What are you waiting for gwatiromo 😀
$1.20 USD Ecocash
$1.20 innbucks
50 Zig ecocash.
60 Zig buddie airtime.
(O786192322 Tinashe M Munyengeni zita rinobuda)
20 Rand voucher.
EasyLoad.
Ott, Blu or 1 voucher.
Kana washaisisa ecocash tenga airtime yako yeku scratcher.
$1 buddie or Netone.
*Book tiri kuvhura neboom reader ne boom story. Kana usina ma applications aya make sure wapinda mugroup rakanzi APK test ndimo mandichaisa these applications ndokudzidzisai kuti munovhura book sei*
Remember promotion ndeye buy one and get one for free. Ukatenga Chiedza Changu ndinokupa rimwe mahara, pachena apa nemutengo wakaderera futi.
+ 263713786647 ndinokukurudzirai kuti isai proof of payment yenyu panumber idzi ku Whatsapp chete.
❤️
👍
😮
🙏
😂
😢
21