
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
May 29, 2025 at 05:00 PM
https://chat.whatsapp.com/JHxX6RZnJ7XBIvcFksuVd4
Vanoda kuziva how to use boom reader/boom story join this group.
Chiedza Changu
Written by
Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322
Chapter 19.
Chiedza.
Dare rakazongopera nekusimuka kwakaita Jethro atevera mukadzi wababamunini. Ndiye ega munhu aiva atopikisa kuti ndisapihwe shop, kusimuka kwake kwakaita kuti zvizongonzi shop yaiva yangu. Ndakapihwa mari yaiva inana tete ndikati, "aihwa iyoyo torai henyu, inini ndoyiitisei?" Ndakadaro nekuti yaiva yakawanda apa inini ndisina kana plan nayo. "mari inganzi ndinoyiitisei? Ingoitora, one day uchayiida mari iyoyi" vakadaro vana tete ndikangozongoibvuma. Ndakatombomira kudzokera kushop ndakubatsira vamwe kusuka maplates. Mukadzi waJethro haana kutombobvira asvika kuma plates kwacho. Pakatapedza ndakabva ndaenda kushop kwangu ndikavasiya vakuita zvekubika. Ndakangoti ndichipinda mukati Jethro akabva apindawo. "ndiani akarara munomu nezuro? Ndiani wawaiva naye?"
"Hapana, ko kwakanaka?" Ndakadaro ndichitomutarisa kuti aiva arikuda kudii? "Ndati ndiani akarara munomu nezuro Chiedza? Handisi kuda zvekukunyadzisa pakazara vanhu"
"Ah ko unondinyadzisa kuti ndakarara nani?" Ndakadaro akati, "ndikaidaidza ana gogo vakakutarisa vakakuona wakarara nemunhu urikubva pano. Ukuita basa rekutorana na Nathan iwewe"
"Handina kumbotorana babamunini ini, ndizvo zvawanga uchiudzwa nemukadzi wavo?" Ndakadaro akati, "kana usina kurara nemunhu handei muroom mako umo tinorara tese tione" akadaro akutondibata ndikati, "aihwa handisi kuzvida, ko zvinongomanikidzwa munhu here?" Ndakadaro ndichitoomesa mitezo. And hameno kuti nei vaiva vari kundi suspecter kudaro.
"Ndichazvibata hangu" akadaro ndikati, "zviiko ini ndisina zvandiri kuita. Kungonyeperwa nebhinya rababamunini Nathan wakutondiona kunge ndiri hure" ndakadaro akati, "usarambe uchitaura, uri kutondibhowa" akadaro ndokubva aburitsa phone yake muhomwe akadaira akuda kunobuda. Akabva amira padoor akacheuka achiti, "murikuti Nathan aonekwa achibuda mushop kuma 4am?" Akadaro akudzoka mukati akati, "ndivanani vamuona" phone yacho yaiva yaiswa paloud zvekuti ndakanzwa munhu wacho aitaurwa naye akuti, "pane vakomana vamuona, kana achiti kunyepa mukadzi wenyu ndokuudzai zvaanga akapfeka Nathan wacho"
"Aihwa maitabasa" akadaro Jethro akuisa phone yake muhomwe akati, "tora zvinhu zvako ubve hako pano"
"Ndichiendepi? Vadii kukupa proof vanhu vacho? Vatadza kuisa kana photo rake Nathan wacho achibva pano?" Ndakaramba zvandaiva ndiri kunasoziva kuti zvinogona kudaro pane aiva avaona babamunini. Hana yaiva iri kutorova kuti ko kana vakaisa pic vanhu vacho ndaizonyarira kupi. "handisi kuda zvekurwa newe Chiedza, ingobva pano murunyararo"
"Ko ndiri kugara kumba kwenyu here ini? Ndirikugara ndega wani, Saka murikuda kundidzingirei" ndakadaro ndichitenderera kubva kuseri kwecounter kwaiva arikundivinga. "enda unohurira kure uko, wakauraisa gogo nechihure chako ichochi. Pano hapaitirwe chihure ibva hako" ndakabuda panze akatevera achiti, "tora zvinhu zvako ubve pano, usadzoke pano hako. Handisi kuda kukuona pano, kana uchinoita chihure chako na Nathan enda munoitira kwamada kwete panapa. Indava uchindijairira iwe?"
"But imimi muri kurwadziwa nei, handisisiri mukadzi wenyu. Handiti makandipa gupuro?" Ndakadaro ndakamira a distance zvekuti aisambondimhanyisa akandibata. "Mari yangu yandakatambisa wakaregerei ndichiroora?"
"Ndandisina kumbotuma munhu ini, ndaiva ndatambira wani gupuro. Ndikadzoka panapa semusikana wemushop, zviri kukurwadzai ka kuti ndapihwa mari kamukadzi kako kasina. Nyangwe ndikaita zvandaita hazvifanire kukurwadza wakandiramba kare wani?"
"Dzoka pano uone kuti uchabva wakaitasei?" Akadaro akuenda kunovhara door reshop ndikati, "shop ndeyangu iyi, handina kwandiri kuzoenda" akaisa lock but makeys ndini ndaiva nawo. "Ingopinda uone" akadaro akuenda kumba ndikasara ndichipinda mushop macho. Ndakabva ndatombovhara door racho ndikanofemereka ndiri muroom mangu. Kufunga zvaiva zvabva kuitika mahusiku zvaibva zvaita kutonhodza moyo wangu. Kutonzwa kufara zvekutongoerekana ndakusekerera ndega. Hameno kuti zvaifamba sei asi zvaitondifadza.
Ndakatoona kuti handina kwandingasvike ndisina kugeza ndikabuda ndakunogeza. "kana usina kundiudza kuti ndiani akarara newe mushop nezuro hausi kumubuda muno" akadaro Jethro adzoka ndikati, "ndodeedzera, ingondibata uone"
"Vanhu vanotoziva kuti tiri mukadzi nemurume saka nyangwe ukadeedzera ukuti ndiani angauya?" Akadaro akaita kunditarisa mazamu angu ndikamavhara ne one ruoko rwumwe rwakavhara pakakosha. "and zvakaoma, inini ndini ndakutovharirwa kuti ndisaone? Munhu akabvisa mari? Ana Nathan vari kuhuriwa navo vachingooneswa?"
"Buda muno Jethro, handisi kumbokusekerera" ndakadaro ndakuda kutora hembe dzangu akati, "deedzera ka? Handiti wati unodedzera?" Akadaro akubvisa trouser rake ndikati, "Jethro handisi kuzvida"
"Uchatozvida, ndingangobvisira mari mahara here inini?" Akadaro achindivinga ndikada kutiza kwakutsvedza ndikadonha. Akabva atotiwo chance ndokuti pamusoro pangu karamata ndisati ndasimuka apa ndichinzwa kuti ndarovera zvairwadza. Akandibata makumbo zvenharo ndikamboda kumaomesa asi nemarwadzo andainzwa simba rakaita shoma.
Nathaniel.
"Wanga uchiita sei kumba kuye Rogers?"
"Drinking, we end up arguing nemuface wangu akandipaza ne bottle" Ndakanyepera vakomana vekubasa vandaiva ndazongomuka varipo vakati, "wabva watodonha nekuita flat ne one bottle? That's unlike you"
"Haa manje kana makupikisa inini murikuda kuti nditi kudii? Dzokerai kumabasa kwenyu, it's holiday" ndakadaro ndichienda kunomira padoor ndikati, "hapanawo amboona phone yangu?"
"Tasvikawo madam vako vavapo maybe ndivo vatora, Saka wati boe hapana hapo aku attacker watiri kufana kutsvaga?"
"No, I'm ok. Jaira kana vanhu manwa munoita kakunetsana but zvingori zvedoro. Thanks nekuuya but I'm ok" Ndakadaro ndokufamba ndichienda kumota ndichitonzwa kuti musoro wangu waiva uchiri kuita kakutema. Ndaiva ndisiri kuda kutombozvitaura kuti pane zvaiva zviri kuitika. Munhu aiva arikutuma Jack kuita zvese izvozvo ndiye wandaiva ndirikuda kutanga ndaziva. Ndakaenda nekubasa kwaJack ndikafambira pasina. Everything was planned nekuti kubasa kwacho akatonzi he was transferred.
Ndakatoona kuti zvinenge zvinhu zvaiva zvakabva kare zvichirongwa. Ndakabva ndatoendawo kumba ndakatevera Cath. "have you seen my phone?" Ndakadaro ndamuona Cath auya kunzira kwandaiva akati, "ko hausi kusvika pamba utaure kuti chii chaitika?"
"Ndirikuda kunoona munhu wacho wandashupana naye, he took something from me. Wamboona here phone yangu ndanzwa kuti ndiwe watanga kusvika?"
"Just the SIM card" akadaro achindipa ndikati, "thank you, buruka ndirikuda kumboona kuti ndingadii?"
"Chii chiri kuitika Nathan? Ndoudza ana sekuru here vakubatsire kutsvaga munhu wacho? Ndiani?" Akadaro ndikaseka ndichiti, "hausi kumuziva munhu aita izvi iwe? Don't play games with me. I know unogona utori iwe hako wamutuma, kana usiri iwe it gotta be one of the bosses saka I'll fix this on my own"
"Ndine katsamba kandinako" akadaro ndikati, "suit yourself, kukaverenga kana kurega it's up to you. The plan has nothing to do with Chiedza. I know what i wrote. THERE'S A PLAN TO MAKE ALL OF THIS RIGHT. It's not meant for Chiedza sezvo ariiye waunotanga kufungira but hazvisi izvo" ndakadaro akati, "ndamboti ndeya Chiedza here? Oh katsamba kako aka. Good luck on your hunt" akadaro ndokubva adzokera ndikabva ndamutsa mota ndichidarikira kuenda kumba. Ndakaisa line in my personal phone isiri yekubasa. Ndaida kutaura naJack ndinzwe kuti mushini we phone yangu aiva awuisa kupi.
Ndakasvika pashop pamaiguru pakavharwa ndikafambisa mota zvishoma ndichitarisisa. Ndakanzwa kunge pane munhu aichema mubathroom ndikabva ndaburuka mumota. Ndakafambisa kuenda mubathroom macho ndikanzwa, "Jethro kani usa...." Handina kuzoda kuterera ndanzwa sound yaiva iri kubuda imomo. Ndakanzwa kusvotwa ndichishaya kuti vaizvifambisa seiwo maiguru munhu wandaiva ndatosiya ndamaker sure kuti she's satisfied ndiye akanga ava na Jethro futi. Hameno kuti nei zvaindirwadza kuti mukadzi nemurume vari kuita zvinhu zvavo.
Ndakamboda kudzokera kumota zvikaramba ndikafamba ndichienda mubathroom kwacho. "ah ah mune vanhu" ndakadaro ndichiita kunge ndisiri kuziva zvandiri kuita. Jethro akabva asimuka akati, "babamunini chii? What is wrong with you? Budai apa!"
"Anga achindirapper babamunini, anga achindirapper" maiguru vakachema vachidaro. Ndakatoona kuti vaiva vane misodzi yaiva yabva kare ichibuda. Jethro akangoti achipedza kukwiridzira trouser rake ndikamutambidza chifight.
"Ukundiroverei?" Akadaro ndikamurova futi chimwe. Akabva adzorera tikabuda panze patakazotanga kuchinjana maoko. Aiva mukuru pamakore but inini nezibasa randaiva ndakushanda ndaitoda kumuponda. Akambotanga achidzorera ndikatanga kumurova munopedza simba. Ropa rakati rakubuda mumuromo nemumhino. Apa ndaitonzwa kuti ndichiri neshungu dzandaida kupedzera Jack ndaiva ndatowana pekudzipedzera. Vana Mai Laila vakatozoita zvekundiunganira kuti ndimusiye. "nhaiwe urikuda kuuraya mukoma?" Vakadaro mama kakadzi kake kakati, "akangofa uyu ndimi muchandikwira babamuni...." Ndakakaridza mbama kachidonhera paiva nemurume wacho.
"Iwe wagarwa neiko? Chirovana neni" vakadaro mama vakundirovawo yavo mbama ndikati, "anga achirapper maiguru uyu, munhu wekupi anoita zvekurapper munhu?" Ndakadaro ndichifemereka tete vakati, "zvaunozoziva zvekurepana kwevaviri? Havasi mukadzi nemurume here vanhu ava?"
"Ndokusaka zvainzi unotorana namaiguru, ko iwewe zvakubata papi?" Vakadaro Mai Shamiso ndikati, "anga achivarapper, ko handiti ndizvo zvavataura maiguru vacho here?"
"Aihwa zvimwe nyara Nathan, inyaya dzekuti ungapindire here idzi?" Vakadaro sekuru ndikatoona kuti ndaiva ndanyanya kushandiswa neshungu. Munhu wese aiva akutondiona sendine godo kuti Jethro adanane namaiguru. "ko ivo varikupi maiguru vako vacho?"
"Varimo mukati umo" ndakadaro ndichibata kumeso. Vakaenda kunotorwa vakauya vakaita zvekusimudzwa ndikati, "vatokuvadzwa mazviona ka?"
"Ko wadii kudeedzera nhai muroora kana wanga uchirepewa? Ungarepewe nemurume wako akakuroora?" Vakadaro Mai Laila ndikati, "varepewa, muri kutobvunza zvamuri kungoona?"
"Nathan ndaitombokutemba but why are you so concerned?" Vakadaro Mai Laila ndikati, "zvamava kutondifungira haz..."
"Aihwa Nathan, godo rauri kuita iri unoda mukadzi wa Jethro. And hazvishamise zvikanzi manga muri kutorana. Hasha dzauri kuita ndedzei? Mukadzi wako here Chiedza uyu?" Vakadaro ndikabva ndanyarara vanhu vaiva vakutonditi ndinoda mukadzi waJethro. Iye Jethro wacho aiva atsvuka ropa kuface akagara akazembereswa madziro akabva ati, "ngaatore mukadzi wacho, handichade kumuona panapa Chiedza. Ndakataura inini vanhu vachindiita munhu asina kukwana"
"Anotorwa naNathan kuti haana mukadzi here Nathan wacho. Ngaangoenda hake kumba kwavo Chiedza wacho vanhu vasati vaurayana nekuda kwake" vakadaro Mai Laila vaisimbomira naye ndikanasoona kuti zvaiva zvadhakwa.
End of chapter 19.
$1.20 USD Ecocash
$1.20 innbucks
50 Zig ecocash
60 Zig buddie airtime.
20 Rand voucher.
EasyLoad.
Ott, Blu or 1 voucher.
Vanenge vashaya ecocash itai airtime yekutenga scratch card mosender
$1 USD airtime
Buddie/Netone.
*Book tiri kuvhura neboom reader or boom story. Make sure wapinda mugroup re APK test ukatanga watester phone yako kuti inoita here.*
+ 263713786647 send your proof of payment apa. Ku WhatsApp chete.
Don't forget kuti promotion irikupera musi wa 03 June.
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
87